bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 8
1 Kings 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 9 →
1
Ɀino Soromoni wakaʋuŋganidza ʋakuru ʋaIsraeri, naʋakuru ʋose ʋamarudzi, iwo macinda edzimba dzamadziɓaɓa aʋana ʋaIsraeri, kunamambo Soromoni paJerusarema, akakwidza areka yesuŋgano yaJehova, ibve paguta raDavidi, iro Zioni.
2
Ʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana kunamambo Soromoni pamutambo pamŋedzi weEtanimi, ndiwo mŋedzi wecinomŋe.
3
Ipapo ʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya, ʋaprista ʋakasimudza areka.
4
Ʋakakwira neareka yaJehova netente rokusoŋgana, nemidziyo mitȿene yose yaiʋa muTente, ʋaprista naʋaRevi ʋakakwira nayo.
5
Mambo Soromoni, neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri yakaŋga yaʋuŋganira kwaari, ʋakafamba naye pamberi peareka, ʋakaɓayira makwai nenzombe, ɀakaŋga ɀisiŋgagoni kurabga kana kuʋereŋgwa nokuwanda kwaɀo.
6
Ipapo ʋaprista ʋakagadzika areka yesuŋgano yaJehova panɀimbo yayo, panɀimbo tȿene yeimba, panɀimbo tȿene‐tȿene, ipo panyasi pamapapiro amakerubi.
7
Nokuti makerubi akatambanudza mapapiro awo pamsoro penɀimbo yeareka, makerubi akafukidza areka namatanda ayo necokumsoro.
8
Matanda akaŋga akareɓa; naiɀoɀo miromo yamatanda yakaŋga iciʋonekwa kana munhu ari panɀimbo tȿene pamberi penɀimbo paŋgataura Jehova; asi akaŋga asiŋgaʋonekwi necokunze; aciri’po kuȿikira nhasi.
9
Mukati meareka makaŋga musisinecinhu, asi mahwendefa maʋiri amabge, akaŋga aiswa’mo naMosesi paHorebi, ŋguʋa Jehova yaakaita suŋgano nayo naʋana ʋaIsraeri pakuɓuɗa kwaʋo panyika yeEgipita.
10
Ɀino ʋaprista ʋakati ʋaɓuɗa panɀimbo tȿene, gore rikazadza imba yaJehova,
11
naiɀoɀo ʋaprista ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kumira paɓasa nokuɗa kwegore; nokuti kubginya kwaJehova kwakazadza imba yaJehova.
12
Ipapo Soromoni akati: Jehova wakati, ndinoɗa kugara mukati merima guru.
13
Ɀirokwaɀo, ndakakuʋakirai imba pamuŋgagara, nɀimbo mamuŋgagara nokusiŋgaperi.
14
Ɀino mambo akatendeʋudza ciso cake, akaropafadza ʋuŋgano yose yaIsraeri; ʋuŋgano yose yaIsraeri ikasimuka.
15
Akati: Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, iye wakataura nomuromo wake naDavidi ɓaɓa ʋaŋgu, akaɀizadzisa noruʋoko rwake, aciti:
16
Kubva pazuʋa randakaɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri paEgipita, handina‐kutsaura guta rimŋe pamarudzi ose aIsraeri, paʋaŋgandiʋakira imba, kuti zita raŋgu rigare’po; asi ndakatsaura Davidi aɓate ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri.
17
Ɀino Davidi ɓaɓa ʋaŋgu ʋakaŋga ʋaciɗa kuʋakira zita raJehova Mŋari waIsraeri, imba.
18
Asi Jehova wakati kunaDavidi ɓaɓa ʋaŋgu: Wakaita ɀakanaka, ɀawakaŋga uciɗa kuʋakira zita raŋgu imba.
19
Kunyaŋge ɀakaɗaro iwe hauŋgaʋaki imba iyo, asi mŋanakomana wako waucaɓereka, ndiye ucaʋakira zita raŋgu imba.
20
Ɀino Jehova wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panɀimbo yaDavidi ɓaɓa ʋaŋgu, ndikagara pacigaro coʋushe caIsraeri, seɀakapikira Jehova, ndikaʋakira zita raJehova Mŋari waIsraeri, imba.
21
Imomo ndakagadzirira areka nɀimbo, imo munesuŋgano yaJehova, yaakaita namadziɓaɓa eɗu paŋguʋa yaakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita.
22
Ɀino Soromoni akamira pamberi peartari yaJehova, pamberi peʋuŋgano yose yaIsraeri, akatambanudzira maʋoko ake kuɗeŋga,
23
akati: Jehova, Mŋari waIsraeri, hakunomumŋe Mŋari wakafanana nemi kuɗeŋga kumsoro kana panyika pasi; munoraŋgarira suŋgano nenyasha kuʋaranda ʋenyu, ʋanofamba pamberi penyu nomŋoyo waʋo wose.
24
Imi makaitira muranda wenyu Davidi ɓaɓa ʋaŋgu, seɀamakamupikira; makataura nomuromo wenyu, mukaɀiita noruʋoko rwenyu, seɀaɀakaita nhasi.
25
Naiɀoɀo ɀino, Jehova Mŋari waIsraeri, itirai muranda wenyu Davidi ɓaɓa ʋaŋgu seɀamakamupikira, muciti: Hauŋgashaiwi munhu ucagara pacigaro coʋushe caIsraeri pamberi paŋgu, kana ʋana ʋako ʋakaŋgwarira kufamba kwaʋo, ʋakafamba pamberi paŋgu, seɀawakafamba iwe pamberi paŋgu.
26
Naiɀoɀo ɀino, Mŋari waIsraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu riitike, iro ramakataura kumuranda wenyu Davidi ɓaɓa ʋaŋgu.
27
Ko mukati Mŋari uŋgagara panyika here? Tarira, ɗeŋga nokuɗeŋga‐ɗeŋga haɀiŋgamuriŋgani; ndoɗa imba ino yandakaʋaka!
28
Kunyaŋge ɀakaɗaro, iʋai nehanya nomunyeŋgetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehova Mŋari waŋgu, munzwe kuɗanidzira nokunyeŋgetera kwomuranda wenyu, kwaanonyeŋgetera pamberi penyu nhasi;
29
meso enyu arambe acirindira imba ino ʋusiku namasikati, nɀimbo iyi yamakataura pamsoro payo, muciti: Zita raŋgu ricagara’po; inzwai munyeŋgetero womuranda wenyu waanozonyeŋgetera akatarira kunɀimbo ino.
30
Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, kana ʋacizonyeŋgetera ʋakatarira kunɀimbo ino; ɗonzwai henyu iko kuɗeŋga, kwamunogara; ɀino kana mukanzwa, muʋakaŋganwire henyu.
31
Kana munhu aciŋge atadzira waanogara naye, akapikiswa mhiko, akaʋuya akapika pamberi peartari yenyu muimba ino,
32
inzwai iko kuɗeŋga, muite, mururamisire ʋaranda ʋenyu, mupe wakaipa mhoȿa, arobge pamsoro pomufambire wake; asi mururamisire wakarurama, apiwe ɀakafanira kururama kwake.
33
Kana ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri ʋaciŋge ʋakundwa naʋaʋeŋgi ʋaʋo, nemhaka yokuti ʋakaŋga ʋakutadzirai; kana ʋakadzokera ɀe kwamuri, ʋakatenda zita renyu, ʋakanyeŋgetera kwamuri nokukumbira muimba ino;
34
inzwai iko kuɗeŋga, mukaŋganwire ɀiʋi ɀaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, muʋadzosere ɀe kunyika yamakapa madziɓaɓa aʋo.
35
Kana ɗeŋga riciŋge razarirwa, mvura ikasanaya nemhaka yokuti ʋakaŋga ʋakutadzirai; kana ʋakanyeŋgetera ʋakatarira kunɀimbo ino, ʋakatenda zita renyu, ʋakatendeʋuka paɀiʋi ɀaʋo, nokuti muneŋge maʋaroʋa;
36
inzwai iko kuɗeŋga, mukaŋganwire ɀiʋi ɀaʋaranda ʋenyu, neɀaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, nokuti munoʋadzidzisa nzira yakanaka yaʋanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa ʋanhu ʋenyu kuti iʋe nhaka yaʋo.
37
Kana nzara ikaʋa’po panyika, kana ɗenda rikaʋa’po, kana nyunji nokuvuva ɀikaʋa’po, nemhashu nehonye; kana ʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaʋakomba panyika inamaguta aʋo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikaʋa’po;
38
kana munhu upi noupi, kana ʋanhu ʋenyu ʋose ʋaIsraeri ʋakanyeŋgetera kana kukumbira, mumŋe nomumŋe aciziʋa kutambudzika kuri pamŋoyo pake, akatambanudzira maʋoko ake kuimba ino;
39
inzwai henyu iko kuɗeŋga kwamunogara, mukaŋganwire, muite, muripire mumŋe nomumŋe ɀakafanira mufambire wake wose, iye wamunoziʋa mŋoyo wake; nokuti imi, imi moga, ndimi munoziʋa mŋoyo yaʋana ʋaʋanhu ʋose;
40
kuti ʋakutyei mazuʋa ose oʋupenyu bgaʋo panyika yamakapa madziɓaɓa eɗu.
41
Ɀino kana ari mutorwa, asati ari waʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuɗa kwezita renyu;
42
nokuti ʋacazonzwa mukurumbira wezita renyu guru, noworuʋoko rwenyu runesimba, noruʋoko rwenyu rwakatambanudzwa — kana akaʋuya akanyeŋgetera akatarira kuimba ino;
43
inzwai henyu iko kuɗeŋga kwamunogara, muitire mutorwa ɀose seɀaanokumbira, kuti ʋanhu ʋose ʋenyika ʋaziʋe zita renyu, ʋakutyei, seɀinoita ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, ʋaziʋe kuti imba ino yandakaʋaka yakatumidzwa zita renyu.
44
Kana ʋanhu ʋenyu ʋakandorwa naʋaʋeŋgi ʋaʋo, ʋakaenda nenzira ipi neipi yamucaʋatuma nayo, ʋakanyeŋgetera kunaJehova ʋakatarira kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakaʋakira zita renyu,
45
inzwai henyu iko kuɗeŋga kunyeŋgetera kwaʋo nokukumbira kwaʋo, muʋaruramisire.
46
Kana ʋakakutadzirai, (nokuti hakunomunhu usiŋgatadzi), mukaʋatsamŋira, mukaʋaisa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo, ʋakatapxa kunyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo, kure kana pedyo;
47
kana ʋakazoɀifuŋga kunyika kwaʋakatapirwa, ʋakadzoka ɀe, ʋakakumbira kwamuri panyika yaʋatapi ʋaʋo, ʋaciti: Tatadza, taita ɀakaipa, taita ɀisakarurama;
48
kana ʋakadzokera ɀe kwamuri nomŋoyo waʋo wose, nomŋeya waʋo wose, panyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaʋatapa; kana ʋakanyeŋgetera kwamuri ʋakatarira kunyika yaʋo, yamakapa madziɓaɓa aʋo, kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakaʋakira zita renyu;
49
inzwai henyu kunyeŋgetera kwaʋo nokukumbira kwaʋo iko kuɗeŋga kwamunogara, muʋaruramisire;
50
mukaŋganwire ʋanhu ʋenyu ʋakakutadzirai, nokuɗarika kwaʋo kwose, kwaʋakaɗarika nako kwamuri; muʋawanise tsitsi kunaʋakaʋatapa, kuti ʋaʋanzwire nyasha;
51
nokuti ndiʋo ʋanhu ʋenyu, nenhaka yenyu, yamakaɓuɗisa Egipita pakati peʋira ramatare;
52
meso enyu ŋgaaʋone kukumbira kwomuranda wenyu, nokukumbira kwaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, kuti muʋanzwe ŋguʋa ipi neipi yaʋanocema kwamuri.
53
Nokuti imi Jehova, makaʋatsaura kundudzi dzose dzenyika, ʋaʋe nhaka yenyu, seɀamakataura nomuromo waMosesi muranda wenyu, ŋguʋa yamakaɓuɗisa madziɓaɓa eɗu paEgipita.
54
Ɀino Soromoni wakati apedza kunyeŋgetera kunaJehova munyeŋgetero uyu wose nokukumbira uku, akasimuka pamberi peartari yaJehova, paakaŋga akafugama namabvi ake, maʋoko ake akatambanudzirwa kuɗeŋga.
55
Akamira akaropafadza ʋuŋgano yose yaIsraeri nenzwi guru, akati:
56
Jehova ŋgaakudzwe, wakapa ʋanhu ʋake kuzorora, seɀaakatipikira ɀose; hapaneshoko rimŋe paɀose ɀakanaka ɀaakatipikira rakakona, iɀo ɀaakatipikira nomuromo waMosesi muranda wake.
57
Jehova Mŋari weɗu ŋgaaʋe nesu, seɀaaiʋa namadziɓaɓa eɗu; ŋgaarege kutisiya, kana kutirasha;
58
kuti arerekese mŋoyo yeɗu kwaari, tifambe panzira dzake dzose, ticeŋgete mirairo yake, neɀaakatema, neɀaakatoŋga, iɀo ɀaakaraira madziɓaɓa eɗu.
59
Ɀino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehova, ŋgaagare pedyo naJehova Mŋari weɗu masikati noʋusiku, aruramisire muranda wake, naʋanhu ʋake ʋaIsraeri, panoɗikanwa napo zuʋa rimŋe nerimŋe;
60
kuti ʋanhu ʋose ʋenyika ʋaziʋe kuti Jehova ndiye Mŋari, hakunomumŋe.
61
Naiɀoɀo mŋoyo yenyu iʋe yakarurama kwaɀo kunaJehova Mŋari weɗu, mufambe paneɀaakatema, nokuceŋgeta mirairo yake, seɀamunoita nhasi.
62
Ɀino mambo naʋaIsraeri ʋose pamŋe cete naye ʋakaɓayira ɀiɓayiro pamberi paJehova.
63
Soromoni akaɓayira ɀipiriso ɀokuyananisa, ɀaakaɓayira Jehova, nzombe dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri, namakwai aneɀuru ɀinezana namakumi maʋiri. Naiɀoɀo mambo naʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakatsaurira Jehova imba iyo.
64
Nomusi uyo mambo akatsaura ʋo nɀimbo yapakati yoruʋazhe rwakaŋga ruri pamberi peimba yaJehova; nokuti ndipo paakaɓayira cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu, namafuta eɀipiriso ɀokuyananisa; nokuti artari yendarira, yaiʋa pamberi paJehova, yakaŋga iri ɗuku kwaɀo, isiŋgagoni kuriŋgana cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu, namafuta eɀipiriso ɀokuyananisa.
65
Naiɀoɀo Soromoni akatamba mutambo ŋguʋa iyo yose, naʋaIsraeri ʋose pamŋe cete naye, ʋakaita ʋuŋgano huru, kubva paʋanopinda paHamati kuȿikira parukoʋa rweEgipita, pamberi paJehova Mŋari weɗu, mazuʋa manomŋe namazuʋa manomŋe ɀe, ndiwo mazuʋa anegumi namanna.
66
Pazuʋa rorusere akaendisa ʋanhu, iʋo ʋakatenda mambo, ʋakaenda kumatente aʋo nemŋoyo yakaŋga icifara, icifarira ɀakanaka ɀose ɀakaŋga ɀaitirwa Davidi muranda wake naIsraeri ʋanhu ʋake naJehova.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22