bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezekiel 16
Ezekiel 16
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 17 →
1
Shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:
2
Mŋanakomana womunhu, ziʋisa Jerusarema ɀinonyaŋgadza ɀaro.
3
uti: Ɀanzi naShe Jehova kuJerusarema: Kwawakabva nokwawakaɓerekwa ndiko kunyika yaʋaKanani; ɓaɓa ʋako ʋakaŋga ʋari muAmori, namai ʋako ʋakaŋga ʋari muHiti.
4
Kana kuri kuɓerekwa kwako, pazuʋa rokuɀarwa kwako cikuvu cako hacina‐kugurwa, ʋuye haunakushambidzwa nemvura kuti unake; hauna‐kutoŋgokwizwa nomunyu, kana kuputirwa.
5
Hakuneziso rakakunzwira tsitsi, kukuitira cinhu cimŋe ceɀinhu iɀi, nokuʋa neŋgoni newe; asi wakarashirwa kusaŋgo, nokuti ʋakasema ʋupenyu bgako nezuʋa rokuɀarwa kwako.
6
Ndakapfuʋura kwauri, ndikakuʋona ucipfakanyika muropa rako, ndikati kwauri uri muropa rako: Rarama! Ɀirokwaɀo, ndakati kwauri uri muropa rako: Rarama!
7
Ndakakuita ʋazhinji kwaɀo seɀinomera kusaŋgo, ukawanda nokukura, ukaȿikira paʋukomba bgakaiȿo‐naka; mazamu ako akakura, nevudzi rako rakamera, asi wakaŋga usino‐kufuka, wakashama.
8
Ndakapfuʋura kwauri, ndikakutarira, ndikaʋona kuti ŋguʋa yako yakaŋga iri ŋguʋa yoruɗo. Ipapo ndakawarira ŋguʋo yaŋgu pamsoro pako, ndikafukidza kushama kwako; ɀirokwaɀo, ndakakupikira, ndikaita suŋgano newe, iwe ukaʋa waŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
9
Ipapo ndakakushambidza nemvura; ɀirokwaɀo, ndakashambidza ropa rako kwauri, ndikakuzodza namafuta.
10
Ndakakufukidza ʋo neɀakarukwa, ndikakupfekedza shaŋgu dzamatebge amatenhe, ndakakusuŋga ciʋuno nomuceka wakaiȿo‐naka, ndikakufukidza nesiriki.
11
Ndakakushoŋgedza ʋukomba, ndikaisa ɀishoŋgo ɀamaʋoko paɀanza ɀako, neketani pamutsipa wako.
12
Ndikaisa cindori pamhino dzako, neɀishoŋgo ɀenzeʋe panzeʋe dzako, nekorona yakanaka pamusoro wako.
13
Wakaɀishoŋgedza nendarama nesirveri, ɀokufuka ɀako ɀakaŋga ɀiri ɀomuceka wakaiȿo‐naka nesiriki neɀakarukwa; wakadya ʋupfu bgakatsetseka noʋuci namafuta; wakaŋga wakanaka kwaɀo, ukapfuʋurira mberi kuȿikira kuʋushe.
14
Mbiri yako yokunaka kwako yakapararira pakati pamarudzi, nokuti yakaŋga yakakwana kwaɀo nokuɗa kwoʋumambo bgaŋgu bgandakaŋga ndaisa pamsoro pako — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
15
Asi iwe wakaʋimba nokunaka kwako, ukapata nokuɗa kwembiri yako, ukaɗurura kupata kwako kunomumŋe nomumŋe waipfuʋura napo, kukaʋa kwake.
16
Wakatora dzimŋe ŋguʋo dzako, ukaɀiitira nɀimbo dzakakwirira, dzakashoŋgedzwa namaʋara mazhinji, ukandopata pamsoro padzo. Ɀinhu ɀakaɗai haɀizaifanira kuʋuya kana kuitika.
17
Ɀishoŋgo ɀako ɀakanaka wakaɀitora pandarama yaŋgu nesirveri yaŋgu, ɀandakaŋga ndakupa, ukaɀiitira ɀifananidzo ɀaʋarume, ukapata naɀo;
18
ukatora ŋguʋo dzako dzakarukwa, uka ɀi fukidza nadzo, ukagadza mafuta aŋgu neɀinonhuwira ɀaŋgu pamberi paɀo.
19
Ɀokudya ɀaŋgu ɀandakakupa, ibgo ʋupfu bgakatsetseka namafuta noʋuci ɀandakakupa kuti uɀidye, wakaɀigadza pamberi paɀo, ɀiite bgema ʋunonhuwira; ndiɀo ɀawakaita — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
20
Ʋuye ɀe, wakatora ʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako, ʋawakandiɓerekera, ukaɀiɓayira iʋo, kuti ʋadyiwe. Ko kupata kwako cakaŋga ciri cinhu ciɗuku here,
21
ɀawakazoʋuraya ʋana ʋangu, ukaɀipa iʋo, kuti uɀipinzire iʋo mumŋoto here?
22
Ɀino pakati peɀinonyaŋgadza ɀako ɀose nokupata kwako hauna‐kuraŋgarira mazuʋa oʋuɗuku bgako, paŋguʋa yawakaŋga usino‐kufuka, wakashama, ucipfakanyika muropa rako.
23
Ɀino shure kweɀakaipa ɀako ɀose (haiwa, unenhamo, unenhamo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova),
24
wakaɀiʋakira nɀimbo yokufeʋa nokuɀiitira nɀimbo yakakwirira panzira dzose dzomumusha.
25
Wakaʋaka nɀimbo yako yakakwirira pakuʋamba kwenzira imŋe neimŋe, ukashandura kunaka kwako ɀikaʋa ɀinonyaŋgadza, ukafukurira ʋose ʋanopfuʋura tsoka dzako, ukawanza kupata kwako.
26
Wakafeʋa ʋo naʋaEgipita, ʋakaŋga ʋagere pedyo newe, ʋanemiʋiri mikuru; ukawanza kupata kwako, kuti unditsamŋise.
27
Naiɀoɀo tarira, ndakatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro pako, ndikatapudza ɀokudya ɀako ɀaunodya misi yose, ndikakuisa kunaʋanokuʋeŋga ʋakuitire nokuɗa kwaʋo, iʋo ʋakunda ʋaʋaFiristia ʋakanyadziswa nomufambire wako wakashata.
28
Wakapata ʋo naʋaAsiria, nokuti wakaŋga usiŋgagoni kuguta; ɀirokwaɀo, wakapata naʋo, asi hauna‐kuriŋganiswa naɀo.
29
Wakawanza ʋo kupata kwako kuȿikira kunyika yaʋashambadziri, iko kuKardea; kunyaŋge ɀakaɗaro hauna‐kuriŋganiswa naɀo.
30
Mŋoyo wako unoshaiwa simba sei — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ɀaunoita ɀinhu iɀi ɀose, ɀinoitwa necifeʋe cisiŋganyari;
31
ɀaunoʋaka nɀimbo yako yokufeʋa pakuʋamba kwenzira imŋe neimŋe, nokuita nɀimbo yako yakakwirira panzira imŋe neimŋe yomumusha; asi hauna‐kuita secifeʋe, ɀawakashoʋora muripo.
32
Haiwa! Mukadzi wakawanikwa unofeʋa! Unogamucira ʋatorwa panɀimbo yomurume wake!
33
Ɀifeʋe ɀose ɀinopiwa ɀipo, asi iwe unopa ʋaɗikani ʋako ʋose ɀipo, uciʋaripira, kuti ʋaʋuye kwauri ʋacibva kumatiʋi ose nokuɗa kwokupata kwako.
34
Iwe wakasiyana na ʋamŋe ʋakadzi pakupata kwako, ɀakusina‐unokuteʋera kupata newe; ʋuye ɀaunopa muripo iwe, asi iwe haupiwi muripo, naiɀoɀo wakasiyana naʋamŋe.
35
Naiɀoɀo iwe cifeʋe, cinzwa shoko raJehova:
36
Ɀanzi naShe Jehova: Ndarira yako ɀayakaɗururwa, nokunyadza kwako ɀakwakafukurwa nokupata kwako naʋaɗikani ʋako, ʋuye nokuɗa kweɀifananidzo ɀose ɀeɀinonyaŋgadza ɀako, neropa raʋana ʋako, rawakaɀipa;
37
naiɀoɀo tarira, ndicaʋuŋganidza ʋaɗikani ʋako ʋose, ʋawakafarirana naʋo, naʋose ʋawakaŋga uciɗa, pamŋe cete naʋose ʋawakaŋga uciʋeŋga; ndicakuʋuŋganidzira iʋo ʋacibva kumatiʋi ose, nokuʋafukurira kunyadza kwako, kuti ʋaʋone kunyadza kwako kwose.
38
Ndicakutoŋga seɀinotoŋgwa ʋakadzi ʋoʋutere naʋanoteʋura ropa; ndicaʋuyisa pamsoro pako ropa rehasha negoɗo.
39
Ndicakuisa ʋo mumaʋoko aʋo; ʋacakoromora nɀimbo yako yokufeʋa, nokuputsa nɀimbo dzako dzakakwirira; ʋacakubvisira ŋguʋo dzako, nokukutorera ɀishoŋgo ɀako ɀakanaka; ʋacakusiya usina‐cokufuka wakashama.
40
Ʋacaʋuya ʋo neʋuŋgano kuzorwa newe, iʋo ʋacakutaka namabge nokukubvoʋora neminondo yaʋo.
41
Ʋacapisa dzimba dzako nomŋoto, nokukuitira ɀakatoŋgwa pamberi paʋakadzi ʋazhinji; ndicakuregesa kupata kwako, iwe haucazo ʋ api muripo.
42
Saiɀoɀo ndicazorodza hasha dzaŋgu kwauri, goɗo raŋgu ricabva kwauri; ndicanyarara, ndikasazoʋa nokutsamŋa.
43
Ɀausina‐kuraŋgarira mazuʋa oʋuɗuku bgako, asi wakanditsamŋisa neɀinhu iɀi ɀose, naiɀoɀo, tarira, ndicaʋuyisa ɀawakaita pamusoro wako — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova; hauŋgazoiti ɀakashata iɀoɀo neɀinonyaŋgadza ɀako ɀose.
44
Tarira, mumŋe nomumŋe unoɓata neshumo, ucaɓata neshumo iyi pamsoro pako, aciti: Seɀakaita mai, ndiɀo ɀakaita mŋanasikana waʋo.
45
Iwe uri mŋanasikana wamai ʋako, ʋanosema murume waʋo naʋana ʋaʋo; iwe uri munuŋuna waʋakoma ʋako, ʋakasema ʋarume ʋaʋo naʋana ʋaʋo; mai ʋako ʋakaŋga ʋari muHiti, naɓaɓa ʋako muAmori.
46
Mukoma wako ndiSamaria, unogara kuruɓoshwe rwako, iye naʋanasikana ʋake; munuŋuna wako unogara kurudyi rwako, ndiSodoma naʋanasikana ʋake.
47
Asi hauna‐kufamba nenzira dzaʋo, kana kuita ɀinonyaŋgadza ɀaʋo; asi iɀo wakati ɀiɗuku, ukaʋapfuʋura iʋo ʋose nenzira dzako dzakaʋora.
48
Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — munuŋuna wako Sodoma, iye naʋanasikana ʋake, haʋana‐kuita seɀawakaita iwe naʋanasikana ʋako.
49
Tarira, ɀakaipa ɀomunuŋuna wako Sodoma heɀi: Kuɀikudza, ɀokudya ɀakawandisa, nokuzorora kusinehanya necinhu, ndiɀo ɀaakaŋga anaɀo naʋanasikana ʋake; haana‐kusimbisa ruʋoko rwaʋarombo naʋanoshaiwa.
50
Ʋakaŋga ʋanamanyawi ʋakaita ɀinonyaŋgadza pamberi paŋgu; saka ndiciɀiʋona ndakaʋabvisa.
51
Kunyaŋge neSamaria harina‐kuita hafu yeɀiʋi ɀako; asi iwe wakawanza ɀinonyaŋgadza ɀako kupfuʋura ɀaʋo, ukapembedza ʋanuŋuna ʋako neɀinonyaŋgadza ɀako ɀose ɀawakaita.
52
Iwe ciʋa nemhoȿa yeɀinonyadzisa ɀako, ɀawakapembedza ʋanuŋuna ʋako; nokuɗa kweɀiʋi ɀako ɀawakaita ɀinonyaŋgadza kupfuʋura ɀaʋo, iʋo ʋaʋa ʋakarurama kupfuʋura iwe; ɀirokwaɀo, ciȿoɗeswa iwe, uʋe nokunyadziswa kwako, ɀawakapembedza ʋanuŋuna ʋako.
53
Ndicadzosa ɀe kutapxa kwaʋo, iko kutapxa kweSodoma naʋanasikana ʋaro, nokutapxa kweSamaria naʋanasikana ʋaro, nokutapxa kwaʋatapxa ʋako ʋari pakati paʋo;
54
kuti iwe uʋe nokunyadziswa kwako, unyare pamsoro peɀose ɀawakaita uciʋanyaradza.
55
Ʋanuŋuna ʋako Sodoma naʋanasikana ʋake ʋacadzokera kumugariro waʋo wakare, naSamaria naʋanasikana ʋake ʋacadzokera kumugariro waʋo wakare, newe naʋanasikana ʋako mucadzokera kumugariro wenyu wakare.
56
Nokuti munuŋuna wako Sodoma haana‐kurebga nomuromo wako nezuʋa rokuɀikudza kwako,
57
ɀakashata ɀako ɀisati ɀafukurwa, sapaŋguʋa yokushoʋorwa kwako naʋanasikana ʋeSiria naʋose ʋakaʋapoteredza, ʋanasikana ʋaʋaFiristia, ʋanokuɀidza kumatiʋi ose.
58
Unemhoȿa yeɀakashata ɀako neɀinonyaŋgadza ɀako — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
59
Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Ndicakuitira ʋo seɀawakaita iwe, wakashoʋora kupika pakuputsa kwako suŋgano.
60
Kunyaŋge ɀakaɗaro ndicaraŋgarira suŋgano yaŋgu yandakaita newe pamazuʋa oʋuɗuku bgako, ndisimbise suŋgano isiŋgaperi newe.
61
Ipapo ucaraŋgarira nzira dzako; ucanyara, kana ucigamucira ʋakoma ʋako naʋanuŋuna ʋako; ndicakupa iʋo, ʋaʋe ʋanasikana ʋako, asi haɀiŋgaitwi pamsoro pesuŋgano yako.
62
Ndicasimbisa suŋgano yaŋgu newe; ɀino ucaziʋa kuti ndini Jehova;
63
kuti uraŋgarire, uȿoɗeswe, urege kuzoshamisa muromo wako ɀe nokuɗa kwokunyara kwako, kana ndakukaŋganwira ɀose ɀawakaita — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48