bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezekiel 40
Ezekiel 40
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 41 →
1
Ɀino negore ramakumi maʋiri namashanu rokutapxa kweɗu, pakutaŋga kwegore, ne zuʋa regumi romŋedzi, negore regumi namanna rakateʋera kurobga kweguta, nezuʋa irero, ruʋoko rwaJehova rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu, akandiisa’ko.
2
Paneɀandakaratidzwa naMŋari, wakandiȿitsa munyika yaIsraeri, akandiisa pagomo refu‐refu, pakaŋga panecinhu cakaŋga cakafanana neguta kurutiʋi rwezasi.
3
Akandiisa’ko; ɀino tarira, kwakaŋga kunomurume, pakuʋonekwa kwake wakaŋga akaita sendarira, anorwonzi rwecinda muruʋoko rwake, norutsaŋga rwokuyeresa narwo; akamira pasuʋo.
4
Murume uyo akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, tarira nameso ako, inzwa nenzeʋe dzako, uraŋgarire nomŋoyo wako ɀose ɀandicakuratidza; nokuti wakaȿitswa pano kuti ndikuratidze iɀoɀo; paridzira imba yaIsraeri ɀose ɀaunoʋona.
5
Ɀino tarira, kwakaŋga kunoruȿiŋgo rwakapoteredza imba necokunze; muruʋoko rwomurume uyo makaŋga munorutsaŋga rwokuyeresa narwo, rwakaȿika makubiti matanhatu pakureɓa kwarwo, rimŋe nerimŋe riciita ʋo kubiti rimŋe noʋupamhi bgecanza; ipapo akayera ʋukobvu bgoruȿiŋgo, ʋukaita rutsaŋga rumŋe, nokureɓa rutsaŋga rumŋe.
6
Ɀino wakaȿika pasuʋo rakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa, akakwira neɀikwiriso ɀaro, akayera cikumbaridzo cesuʋo, ɀikaita rutsaŋga rumŋe, necimŋe cikumbaridzo ɀe, ɀikaita rutsaŋga rumŋe.
7
Kamuri imŋe neimŋe yaʋarindi yakaŋga yakaita rutsaŋga rumŋe pakureɓa, norutsaŋga rumŋe paʋupamhi; pakati pamakamuri pakaŋga panamakubiti mashanu; ʋuye cikumbaridzo cesuʋo paɓiraʋira resuʋo kurutiʋi rweimba cakaita rutsaŋga rumŋe.
8
Wakayera ʋo ɓiraʋira resuʋo kurutiʋi rweimba, ɀikaita rutsaŋga rumŋe.
9
Ipapo akayera ɓiraʋira resuʋo, ɀikaita makubiti masere, nembiru dzaro, makubiti maʋiri; ɓiraʋira resuʋo rakaŋga riri kurutiʋi rweimba.
10
Makamuri esuʋo rokumabvazuʋa aiʋa matatu necoʋuno namatatu neceseri, ose matatu aiʋa neciyero cimŋe, nembiru dzaiʋa neciyero cimŋe necoʋuno neceseri.
11
Akayera ʋupamhi bgomukoʋa wesuʋo, ɀikaita makubiti anegumi; nokureɓa kwesuʋo, makubiti anegumi namatatu.
12
Kawkaŋga kunorumhanda pamberi pamakamuri, rwakaita kubiti rimŋe necoʋuno, norumhanda rwakaita kubiti rimŋe neceseri.
13
Akayera suʋo kubva paɗeŋga rekamuri imŋe kuȿikira paɗeŋga reimŋe, ɀikaita makubiti makumi maʋiri namashanu pakufara; mukoʋa mumŋe wakatarisana no mumŋe mukoʋa.
14
Akaita ʋo mbiru, dzakaȿika makubiti makumi matanhatu; ruʋazhe rwakaŋga rwakapoteredza suʋo kuȿikira pambiru.
15
Ɀino kubva pamberi pesuʋo, paʋanopinda napo, kuȿikira pamberi peɓiraʋira resuʋo romukati, ɀakaita makubiti makumi mashanu.
16
Mumakamuri makaŋga munamawindi akapfigwa, nomumbiru dzawo mukati mesuʋo kumatiʋi ose, saiɀoɀo ʋo pamaɓiraʋira; mawindi akaŋga ari’po ʋo kumatiʋi ose necomukati; pambiru imŋe neimŋe pakaŋga panemiti yemicindwe.
17
Ɀino wakandiisa muruʋazhe rwokunze, ndikaʋona makamuri neguʋa rakaroŋgwa namabge, ɀakaitirwa ruʋazhe kumatiʋi ose; kwakaŋga kunamakamuri makumi matatu paguʋa rakaroŋgwa.
18
Guʋa rakaroŋgwa rakaŋga riri kurutiʋi rwamasuʋo, rakaenzana pakureɓa kwaro namasuʋo, iro guʋa rakaroŋgwa rapasi.
19
Ɀino wakayera ʋupamhi kubva pamberi pesuʋo rapazasi kuȿikira kunze pamberi poruʋazhe rwomukati, ɀikaita makubiti aneɀana, kurutiʋi rwamabvazuʋa nokurutiʋi rwokumsoro.
20
Wakayera ʋo kureɓa noʋupamhi bgesuʋo roruʋazhe rwokunze rakatarira kurutiʋi rwokumsoro.
21
Makamuri aro aiʋa matatu necoʋuno, namatatu neceseri; mbiru dzaro namaɓiraʋira aro ɀakaŋga ɀakaenzana neciyero cesuʋo rokutaŋga; kureɓa kwaro kwakaȿika makubiti makumi mashanu noʋupamhi makubiti makumi maʋiri namashanu.
22
Mawindi aro, namaɓiraʋira aro, nemicindwe yaro ɀakaŋga ɀakaenzana neciyero cesuʋo rakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa; ʋanhu ʋaikwira’ko neɀikwiriso ɀinomŋe; maɓiraʋira aro akaŋga ari pamberi paro.
23
Muruʋazhe rwomukati makaŋga munesuʋo rakatarisana nerimŋe suʋo, kurutiʋi rwokumsoro nokurutiʋi rwamabvazuʋa; akayera kubva kunerimŋe suʋo kuȿikira kunerimŋe suʋo ɀikaita makubiti anezana.
24
Ɀino akaenda neni kurutiʋi rwezasi, ndikaʋona suʋo kurutiʋi rwezasi; akayera mbiru dzaro namaɓiraʋira aro neɀiyero iɀeɀo.
25
Mawindi aiʋa’po mukati maro nomumaɓiraʋira aro kumatiʋi ose, akafanana namawindi iwayo; pakureɓa kwaɀo ɀakaita makubiti makumi mashanu, nokufara kwaɀo makubiti makumi maʋiri namashanu.
26
Kwakaŋga kuneɀikwiriso ɀinomŋe ɀokukwira naɀo kwariri; maɓiraʋira aro akaŋga ari pamberi paro; ʋuye rakaŋga rinemicindwe pambiru dzaro, mumŋe necoʋuno nomumŋe neceseri.
27
Kwakaŋga kunesuʋo paruʋazhe rwomukati kurutiʋi rwezasi; akayera kubva kunerimŋe suʋo kuȿikira kunerimŋe suʋo kurutiʋi rwezasi ɀikaita makubiti anezana.
28
Ɀino wakandiisa kuruʋazhe rwomukati kusuʋo rezasi; akayera suʋo rezasi neɀiyero iɀeɀi;
29
namakamuri aro, nembiru dzaro, namaɓiraʋira aro neɀiyero iɀeɀi; kwakaŋga kunamawindi mukati maro nomumaɓiraʋira aro kumatiʋi ose; ɀakaŋga ɀakaita makubiti makumi mashanu pakureɓa, namakubiti makumi maʋiri namashanu paʋupamhi.
30
Kwakaŋga kunamaɓiraʋira kumatiʋi ose, akaita makubiti makumi maʋiri namashanu pakureɓa, namakubiti mashanu paʋupamhi.
31
Maɓiraʋira aro akaŋga akatarira kuruʋazhe rwokunze; kwakaŋga kunemicindwe pambiru dzaro; cikwiriso caro cakaŋga cineɀikwiriso ɀisere.
32
Ɀino wakandiisa muruʋazhe rwomukati kurutiʋi rwamabvazuʋa, akayera suʋo neɀiyero iɀeɀi;
33
namakamuri aro, nembiru dzaro, namaɓiraʋira aro neɀiyero iɀeɀi; makaŋga munamawindi mukati maro nomumaɓiraʋira aro kumatiʋi ose; ɀakaita makubiti makumi mashanu pakureɓa, namakubiti makumi maʋiri namashanu paʋupamhi.
34
Maɓiraʋira aro akaŋga akatarira kuruʋazhe rwokunze; kwakaŋga kunemicindwe pambiru dzaro, necoʋuno neceseri; cikwiriso caro cakaŋga cineɀikwiriso ɀisere.
35
Ɀino wakandiisa kusuʋo rokumsoro, akariyera neɀiyero iɀi;
36
makamuri aro, nembiru dzaro, namaɓiraʋira aro; makaŋga munamawindi mukati maro kumatiʋi ose; pakureɓa ɀakaita makubiti makumi mashanu, napaʋupamhi makubiti makumi maʋiri namashanu.
37
Mbiru dzaro dzakaŋga dzakatarira kuruʋazhe rwokunze; kwakaŋga kunemicindwe pambiru dzaro, necoʋuno neceseri; cikwiriso caro cakaŋga cineɀikwiriso ɀisere.
38
Pambiru pamasuʋo pakaŋga panekamuri yaiʋa nomukoʋa wayo; ndi’po paʋaisuka ɀipiriso ɀinopiswa.
39
Muɓiraʋira resuʋo makaŋga munamatafura maʋiri necoʋuno, namatafura maʋiri neceseri, pokuɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀiɓayiro ɀeɀiʋi neɀiɓayiro ɀemhoȿa.
40
Kurutiʋi rwokunze, kana munhu acikwira kundopinda pasuʋo kurutiʋi rwokumsoro, kwakaŋga kunamatafura maʋiri, ʋuye kunorumŋe rutiʋi rweɓiraʋira resuʋo, kwakaŋga kunamatafura maʋiri.
41
Kwakaŋga kunamatafura manna kurutiʋi rwoʋuno, namatafura manna kurutiʋi rweseri, kurutiʋi rwesuʋo, matafura masere paiɓayirwa ɀiɓayiro.
42
Kwakaŋga kunamatafura manna amabge akaʋezwa, eɀipiriso ɀinopiswa; pakureɓa akaȿika kubiti nehafu, paʋupamhi kubiti nehafu, pakukwirira kubiti nehafu; ndi’po paʋakaisa nhumbi dzaʋaiɓayira nadzo ɀipiriso ɀinopiswa neɀiɓayiro.
43
Ɀikokoʋono, ɀakaŋga ɀakaita soʋupamhi bgecanza pakureɓa kwaɀo, ɀakaŋga ɀakasuŋgirwa mukati kumatiʋi ose; pamatafura pakaŋga panenyama yokuʋoŋga.
44
Kunze kwesuʋo romukati kwakaŋga kunamakamuri aʋaimbi ʋoruʋazhe rwomukati, rwaiʋa kurutiʋi rwesuʋo rokumsoro; iwo akatarira kurutiʋi rwezasi, rimŋe kurutiʋi rwamabvazuʋa ricitarira kurutiʋi rwokumsoro.
45
Ɀino akati kwandiri: Kamuri iri, rakatarira kurutiʋi rwezasi, nderaʋaprista, iʋo ʋaceŋgeti ʋeɓasa reimba;
46
kamuri, rakatarira kurutiʋi rwokumsoro, nderaʋaprista, ʋaceŋgeti ʋeɓasa reartari; ndiʋo ʋanakomana ʋaZadoki, ʋanobva pakati paʋanakomana ʋaRevi, ʋacisweɗera kunaJehova kuzomushumira.
47
Ɀino akayera ruʋazhe, ɀikaita makubiti anezana pakureɓa, namakubiti anezana paʋupamhi, matiʋi manna akaenzana; artari yakaŋga iri pamberi peimba.
48
Ɀino wakandiisa paɓiraʋira reimba, akayera mbiru imŋe neimŋe yeɓiraʋira, ɀikaita makubiti mashanu kurutiʋi rwoʋuno, namakubiti mashanu kurutiʋi rweseri; ʋupamhi bgesuʋo bgakaita makubiti matatu kurutiʋi rwoʋuno namakubiti matatu kurutiʋi rweseri.
49
Kureɓa kweɓiraʋira kwakaŋga kuciita makubiti makumi maʋiri, noʋupamhi makubiti anegumi nerimŋe, ipapo paɀikwiriso ɀaʋaikwira naɀo; pambiru dzesuʋo pakaŋga pane dzimŋe mbiru, imŋe kurutiʋi rwoʋuno, neimŋe kurutiʋi rweseri.
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 41 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48