bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezekiel 22
Ezekiel 22
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 23 →
1
Shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:
2
Ɀino iwe mŋanakomana womunhu, toŋga, citoŋga guta reropa, uriziʋise ɀinonyaŋgadza ɀaro ɀose.
3
Uti: Ɀanzi naShe Jehova: Iwe guta, rinoteʋura ropa mukati maro, kuti ŋguʋa yaro iȿike, rinoɀiitira ɀifananidzo, kuti riȿiɓiswe naɀo!
4
Wapara mhaka nokuɗa kweropa rako rawakateʋura, waȿiɓiswa neɀifananidzo ɀawakaita; wasweɗedza mazuʋa ako, waȿika pamakore ako; naiɀoɀo ndakakuita cinhu cinoshoʋorwa pamberi pamamŋe marudzi, necinosekwa nenyika dzose.
5
Ʋari pedyo newe, naʋari kure, ʋacakuseka, iwe unezita rakaȿiɓiswa, uzere neɓope.
6
Tarira, macinda aIsraeri akapinda mukati mako, mumŋe nomumŋe nesimba rake, kuzoteʋura ropa.
7
Ƃaɓa namai ʋakaɀidzwa mukati mako, ʋatorwa ʋakamanikidzwa mukati mako, nherera necirikadzi dzakaitirwa ɀakaipa mukati mako.
8
Iwe wakashoʋora ɀinhu ɀaŋgu ɀitȿene, wakamhura masaɓata aŋgu.
9
Ʋanhu ʋanamakuhwa ʋakapinda mukati mako kuzoteʋura ropa, ʋakadya pamsoro pamakomo mukati mako, ʋakaita ɀinonyadzisa mukati mako.
10
Ʋakafukura kunyadza kwamadziɓaɓa aʋo mukati mako, ʋakaninipisa mukati mako mukadzi wakaŋga asino‐kunaka nokuʋa kumŋedzi kwake.
11
Mumŋe wakaita ɀinonyaŋgadza nomukadzi womunuŋuna wake, mumŋe wakacinyira mukadzi womŋana wake, mumŋe ɀe mukati mako wakaninipisa hanɀadzi yake, mukunda waɓaɓa ʋake.
12
Ʋakagamucira ɀipo mukati mako kuzoteʋura ropa; iwe wakatora mhindu yemari neyemicero, wakaɀifumisa ucimanikidza wokwako, ukandikaŋganwa — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
13
Naiɀoɀo, tarira, ndakaroʋanya maʋoko aŋgu pamsoro pefuma yako yawakawana nokunyeŋgera, napamsoro peropa rako rakaŋga riri mukati mako.
14
Ko mŋoyo wako uŋgatsuŋga, kana maʋoko ako aŋgasimba here pamazuʋa andicakutoŋga? Ini Jehova ndakaɀitaura, ndicaɀiita.
15
Ndicakuparadzira pakati pamarudzi, nokukudziŋgira kunyika dzose; ndicapedza tȿina yako mukati mako.
16
Ucaɀimhurisa pamberi pamamŋe marudzi; ɀino ucaziʋa kuti ndini Jehova.
17
Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti:
18
Mŋanakomana womunhu, imba yaIsraeri yaita samarara kwandiri; ʋose ʋakaita se ndarira netini neɗare nomutobvu mukati meʋira; ʋakaita sa marara esirveri.
19
Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Mose ɀamaʋa marara, naiɀoɀo, tarirai, ndicakuʋuŋganidzirai mukati meJerusarema.
20
Seɀaʋanoʋuŋganidzira sirveri nendarira neɗare nomutobvu netini mukati meʋira, kuti ʋapfutidzire mŋoto pamsoro paɀo, ʋaɀinyause, saiɀoɀo ndicakuʋuŋganidzai nokutsamŋa kwaŋgu nehasha dzaŋgu, ndikuisei’mo, ndikunyausei.
21
Ɀirokwaɀo, ndicakuʋuŋganidzai, nokupfutidza mŋoto wehasha dzaŋgu pamsoro penyu; mucanyauswa mukati maro.
22
Sirveri seɀainonyauswa mukati meʋira, saiɀoɀo imi mucanyauswa mukati maro; ɀino mucaziʋa kuti ini Jehova ndakaɗurura hasha dzaŋgu pamsoro penyu.
23
Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti:
24
Mŋanakomana womunhu, uti kwairi: Iwe uri nyika isino‐kunatswa, isino‐kunisirwa mvura nezuʋa reshuŋgu dzaŋgu.
25
Ʋaprofita ʋayo ʋakaita raŋgano mukati mayo; seshumba inoʋomba icibvanzura cayaɓata, saiɀoɀo ʋakapedza mŋeya yaʋanhu; ʋakatora fuma neɀinokosha, ʋakawanza cirikadzi mukati mayo.
26
Ʋaprista ʋayo ʋakaparadza murairo waŋgu, ʋakamhura ɀinhu ɀaŋgu ɀitȿene; haʋana‐kutsaura pakati peɀitȿene neɀisati ɀiri ɀitȿene, kana kuziʋisa ʋanhu kusiyana kweɀisino‐kunaka neɀakanaka, ʋakatsinzina meso aʋo ʋarege kuʋona masaɓata aŋgu; ini ndamhurwa pakati paʋo.
27
Macinda ayo mukati mayo ʋakafanana namapere anobvanzura ɀaaɓata, ʋaciteʋura ropa nokuparadza mŋeya, kuti ʋawane fuma ʋacinyeŋgera.
28
Ʋaprofita ʋayo ʋakaʋaʋuwira nesuko, ʋaciʋona ɀinonyeŋgera nokuʋaʋukira ɀenhema, ʋaciti: Ɀanzi naShe Jehova, iɀo Jehova haana‐kutaura.
29
Ʋanhu ʋenyika ʋakamanikidza nokupamba; ɀirokwaɀo ʋakatambudza ʋarombo naʋanoshaiwa, ʋakamanikidza mutorwa asinemhaka hake.
30
Ɀino ndakatȿaka pakati paʋo munhu uŋgagadzira ruȿiŋgo, uŋgamira pakakoromoka pamberi paŋgu acirwira nyika, kuti ndirege kuiparadza; asi handina‐kuwana nomumŋe.
31
Naiɀoɀo ndakaɗurura shuŋgu dzaŋgu pamsoro paʋo; ndakaʋapedza nomŋoto wehasha dzaŋgu; ndakaʋuyisa ɀaʋakaita pamisoro yaʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48