bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezekiel 23
Ezekiel 23
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 24 →
1
Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:
2
Mŋanakomana womunhu, kwakaŋga kunaʋakadzi ʋaʋiri, ʋanasikana ʋamai ʋamŋe;
3
iʋo ʋakapata paEgipita, ʋakapata ʋaciri ʋaɗuku; mazamu aʋo akanyaŋgatwa ipapo, minyato yoʋumhandara bgaʋo yakaɓatwa‐ɓatwa’po.
4
Mazita aʋo akaŋga ari Ohora, mukuru, naOhoriba munuŋuna wake; iʋo ʋakazoʋa ʋaŋgu, ʋakaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. Ɀino kana ari mazita aʋo, Samaria ndiOhora, Jerusarema ndiOhoriba.
5
Ohora wakapata, ari waŋgu, akaɗana naʋaɗikani ʋake, iʋo ʋaAsiria ʋaigara pedyo naye,
6
ʋaifuka miceka mitema, ʋaiʋa ʋaɓati namadzishe, ose ari majaya anoɗikanwa, ʋataȿi ʋaifamba namabiza.
7
Iye akapata naʋo, iʋo ʋarume ʋakatsaurwa ʋose pakati peAsiria; ɀino waiɀiȿiɓisa neɀifananidzo ɀaʋose ʋaiɗikanwa naye.
8
Ʋuye haana‐kuzorega kupata kwake kwaakabva nako Egipita; nokuti ʋakaʋata naye aciri muɗuku, ʋakaɓata‐ɓata minyato yoʋumhandara bgake, ʋakaɗurura ʋupombge bgaʋo pamsoro pake.
9
Naiɀoɀo ndakamuisa mumaʋoko aʋaɗikani ʋake, mumaʋoko aʋaAsiria, ʋaakaɗana naʋo.
10
Iʋo ʋakafukura kunyadza kwake, ʋakatora ʋanakomana naʋanasikana ʋake, ʋakamuʋuraya iye nomunondo, zita rake rikazosekwa pakati paʋakadzi; nokuti ʋakamutoŋga.
11
Ɀino munuŋuna wake Ohoriba wakaɀiʋona hake, kunyaŋge ɀakaɗaro iye wakaŋga akanyanya pakuɗana kwake naʋaɗikani, ʋuye kupata kwake kwakapfuʋura kupata kwomukuru wake.
12
Iye wakaɗana naʋaAsiria, ʋaiʋa ʋaɓati namadzishe, ʋaigara pedyo naye, ʋakafuka ɀakaiȿo‐naka kwaɀo, ʋari ʋataȿi ʋanofamba namabiza, ose ari majaya anoɗikanwa.
13
Ɀino ndakaʋona kuti wasiɓiswa; iʋo ʋose ʋakafamba nenzira imŋe.
14
Akawedzera kupata kwake; nokuti wakaʋona ɀifananidzo ɀaʋarume pamadziro, ɀiri ɀifananidzo ɀaʋaKardea, ɀakaitwa nomuti mutȿuku,
15
ʋakasuŋga ɀiʋuno ɀaʋo nebanhire, ʋaneŋgowani dzemiceka pamisoro yaʋo, ʋose ʋakaita samacinda kana ʋaciʋonekwa, ʋakafanana naʋaBabironi paKardea, iyo nyika yokuɓerekwa kwaʋo.
16
Ɀino wakati aciʋaʋona, akaʋaɗa kwaɀo, akatuma nhume kwaʋari paKardea.
17
ƲaBabironi ʋakaʋuya kwaari ari panhoʋo dzoruɗo, ʋakamuȿiɓisa noʋupombge bgaʋo, iye akaȿiɓiswa pamŋe cete naʋo, mŋeya wake ukazorambana naʋo.
18
Ɀino wakati afukura kupata kwake, nokufukura kunyadza kwake, mŋeya waŋgu ukarambana naye, mŋeya waŋgu seɀawakarambana nomukuru wake.
19
Kunyaŋge ɀakaɗaro wakaramba aciwedzera kupata kwake, aciraŋgarira mazuʋa oʋuɗuku bgake, aakapata nawo panyika yeEgipita.
20
Akaɗana ɀikuru naʋaɗikani ʋake, ʋanenyama yakaita senyama yemboŋgoro, ʋuye ɀinoɓuɗiswa naʋo ɀakaita seɀinoɓuɗiswa namabiza.
21
Ɀino ukayeʋudzwa ɀakashata ɀoʋuɗuku bgako, paŋguʋa yawakaɓatwa‐ɓatwa minyato yako naʋaEgipita nokuɗa kwamazamu oʋumhandara bgako.
22
Naiɀoɀo iwe Ohoriba, — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — tarira, ndicakumutsira ʋaɗikani ʋako, ʋakazorambga nomŋeya wako; ndicaʋaʋuyisa kwauri kuzorwa newe kumatiʋi ose;
23
ʋanoti, ʋaBabironi, naʋaKardea ʋose, Pekodi naShoa naKoa, naʋaAsiria pamŋe cete naʋo, iwo majaya anoɗikanwa, ʋose ʋari ʋaɓati namadzishe, macinda naʋarume ʋanembiri, ʋose ʋakataȿa mabiza.
24
Ʋacaʋuya kuzorwa newe nenhumbi dzokurwa, neŋgoro, neɀinofamba namakumbo eŋgoro, neɓoka raʋanhu ʋazhinji; ʋacaɀiroŋgedza kuzorwa newe nenhoʋo huru nenhoʋo ɗuku neŋgowani kumatiʋi ose; ini ndicaʋapa simba rokutoŋga, ʋakutoŋge nokutoŋga kwaʋo.
25
Ndicamutsa goɗo raŋgu kuzorwa newe, iʋo ʋakuitire hasha; ʋacabvisa mhino dzako nenzeʋe dzako, ʋakasara kwauri ʋacaʋurawa nomunondo; ʋacatora ʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako; ʋakasara kwauri ʋacapera nomŋoto.
26
Ʋacakubvisira ʋo ŋguʋo dzako, nokukutorera ʋukomba bgako bgakanaka.
27
Saiɀoɀo ndicakugumisira ɀakashata ɀako nokupata kwako kwawakabva nako kunyika yeEgipita, kuti urege kuzoɀitarira ɀe nameso ako, kana kuzoraŋgarira Egipita.
28
Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndicakuisa mumaʋoko aʋaunoʋeŋga, mumaʋoko aiʋo ʋakarambga nomŋeya wako;
29
iʋo ʋacakuitira ruʋeŋgo, ʋacakutorera ɀose ɀawakaɓatira, ʋakakurega usina‐cawakafuka wakashama; kunyadza kwokupata kwako kucafukurwa, ɀakaipa ɀako pamŋe cete nokupata kwako.
30
Ucaitirwa ɀinhu iɀi nemhaka yokuti wakapata namarudzi aʋanhu, ʋuye nemhaka yokuti wakaȿiɓiswa neɀifananidzo ɀaʋo.
31
Iwe wakafamba nenzira yomukuru wako; saka ndicaisa mukombe wake muruʋoko rwako.
32
Ɀanzi naShe Jehova: Ucanwira pamukombe womukuru wako, wakadzika mukuru; ucasekwa nokuɗaɗirwa, nokuti iwo uneɀizhinji ɀiri’mo.
33
Ucazara nokuɓatwa nokucema; mukombe womukuru wako Samaria mukombe wokushamiswa nokuparadzwa.
34
Ucaunwa nokuupedza cose, ucatseŋga ɀaeŋga ɀawo, nokubvanzura mazamu ako; nokuti ndini ndakataura iɀoɀo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
35
Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀawakandikaŋganwa, ukandirashira shure kwako, naiɀoɀo ciʋa nemhoȿa yeɀakashata ɀako, neyokupata kwako.
36
Jehova akati ʋo kwandiri: Mŋanakomana womunhu, citoŋga Ohora naOhoriba, uʋaziʋise ɀinonyaŋgadza ɀaʋo.
37
Nokuti wakafeʋa, ropa riri pamaʋoko aʋo; wakafeʋa neɀifananidzo ɀaʋo; ʋakapinza ʋo ʋanakomana ʋaʋo ʋaʋakandiɓerekera mumŋoto, kuti ɀidyiwe naɀo.
38
Ʋakandiitira ʋo cinhu ici: ʋakaȿiɓisa ʋo nɀimbo yaŋgu tȿene nezuʋa iro, ʋakamhura masaɓata aŋgu.
39
Nokuti ʋakati ʋaɓayira ɀifananidzo ɀaʋo ʋana ʋaʋo, ʋakapinda nezuʋa iro munɀimbo yaŋgu tȿene kuti ʋaimhure; tarirai, ndiɀo ɀaʋakaita mukati meimba yaŋgu.
40
Makatuma ʋo nhume kundoɗana ʋarume ʋanobva kure — nhume yakatumŋa’ko kwaʋari — iʋo ʋakaʋuya, iwe ukaɀishamba nokuɗa kwaʋo, ukazodza meso ako nomuti, nokuɀishoŋgedza neɀishoŋgo,
41
ukagara panhoʋo dzakaiȿo‐naka, dzakaŋga dzakagadzirirwa tafura pamberi padzo, pawakagadzika ɀinonhuwira ɀaŋgu namafuta aŋgu.
42
Inzwi raʋazhinji ʋakaŋga ʋacifara rakaŋga rinaye; ɀino pamŋe cete naʋarume ʋakabva kuʋazhinji, ʋakaʋuya naʋakariri ʋeɗoro, ʋaibva kurenje, ʋakaisa ɀishoŋgo pamaʋoko aʋo, nekorona dzakanaka pamisoro yaʋo.
43
Ɀino ndakati kunaiye wakaŋga apera nokufeʋa kwake: Ɀino ʋacaita ʋupombge naye, naiye naʋo.
44
Ipapo ʋakapinda kwaari, seɀaʋanopinda kucifeʋe; saiɀoɀo ʋakapinda kunaOhora naOhoriba, iʋo ʋakadzi ʋakashata.
45
Naiɀoɀo ʋarume ʋakarurama ʋacaʋatoŋga seɀinotoŋgwa ɀifeʋe, seɀinotoŋgwa ʋakadzi ʋakateʋura ropa, nokuti ɀifeʋe, ropa riri pamaʋoko aʋo.
46
Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Ndicaʋuyisa ɓoka raʋarwi kuzorwa naʋo, ndicaʋaregera kuti ʋadzuŋgaidzwe kwose‐kwose ʋapambge.
47
Ƃoka iro ricaʋataka namabge, nokuʋaɓaya neminondo yaʋo; ʋacaʋuraya ʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo, nokupisa dzimba dzaʋo nomŋoto.
48
Saiɀoɀo ndicagumisa ɀakashata panyika, kuti ʋakadzi ʋose ʋadzidziswe kuti ʋarege kuteʋera ɀakashata ɀenyu.
49
Ʋacakutsiʋirai ɀakashata ɀenyu, imi mucaʋa neɀiʋi ɀeɀifananidzo ɀenyu; ɀino mucaziʋa kuti ndini Ishe Jehova.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48