bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezekiel 32
Ezekiel 32
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 33 →
1
Ɀino negore regumi namaʋiri, nomŋedzi wegumi nemiʋiri, ne zuʋa rokutaŋga romŋedzi, shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti:
2
Mŋanakomana womunhu, itira Farao mambo weEgipita mariro, uti kwaari: Iwe wakaŋga wakafananidzwa neshumba ɗuku pakati pamarudzi; asi uri shato huru mumakuŋgwa; wakaɓuɗa munzizi dzako, ukabvoŋgodza mvura netsoka dzako, nokuȿiɓisa nzizi dzaʋo.
3
Ɀanzi naShe Jehova: Ndicakanda mumbure waŋgu pamsoro pako neɓoka raʋanhu ʋazhinji, iʋo ʋacakuɓata nomumbure waŋgu.
4
Ndicakusiya panyika, ndicakurashira kusaŋgo pakacena, ndicamharisa shiri dzose dzokuɗeŋga pamsoro pako, ndicagutisa ɀikara ɀenyika dzose newe.
5
Ndicanika nyama yako pamsoro pamakomo, nokuzadza mipata nokukwirira kwako.
6
Ndicaɗiridza ʋo nyika neropa rako rinoyerera ricibva kwauri, kuȿikira kumakomo; hoʋa dzicazara newe.
7
Kana ndicikudzima, ndicafukidza ɗeŋga, nokudzima nyeredzi dzaro; ndicafukidza zuʋa negore, nomŋedzi hauŋgaɓuɗisi ciedza cawo.
8
Ɀiedza ɀose ɀeɗeŋga, ɀinopenya, ndicaɀidzima pamsoro pako, ndiciisa rima panyika yako — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
9
Ndicaʋodza ʋo mŋoyo yamarudzi mazhinji aʋanhu, kana ndiciȿitsa kuparadzwa kwako pakati pamarudzi, nokunyika dzawakaŋga usiŋgaziʋi iwe.
10
Ɀirokwaɀo, ndicashamisa marudzi mazhinji aʋanhu pamsoro pako, madzimambo aʋo acakutya ɀikuru kwaɀo, kana ndicitendeka munondo waŋgu pamberi paʋo; ʋacaɗeɗera ŋguʋa dzose, mumŋe nomumŋe nokuɗa kwoʋupenyu bgake, nezuʋa rokuparadzwa kwako.
11
Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Munondo wamambo waBabironi ucaʋuya pamsoro pako.
12
Ndicaraira minondo yaʋanesimba kuparadza ʋanhu ʋako ʋazhinji; iʋo ʋose ndiʋo ʋanotyisa pakati pamarudzi, ʋacaparadza kuɀikudza kweEgipita, naʋanhu ʋayo ʋazhinji ʋacaparadzwa.
13
Ndicaparadza ʋo ɀipfuwo ɀayo ɀose ɀiri kunhiʋi dzemvura zhinji, hakuŋgazoʋi norutsoka rwomunhu rucaibvoŋgodza, kana mahwanda eɀipfuwo aŋgazoibvoŋgodza.
14
Ipapo ndicacenesa mvura yaʋo, nokuyeredza nzizi dzaʋo samafuta — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
15
Ɀino neŋguʋa yandicaita nyika yeEgipita ɗoŋgo rakaparadzwa, nyika yakatorerwa ɀayakaŋga izere naɀo, neŋguʋa yandicaroʋa ʋose ʋagere’mo, neŋguʋa iyo ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
16
Awa ndiwo mariro aʋacacema nawo; ʋakunda ʋamarudzi ʋacacema nawo; ʋacacema nawo pamsoro peEgipita naʋanhu ʋose ʋayo ʋazhinji — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
17
Ɀino negore regumi namaʋiri, ne zuʋa regumi namashanu romŋedzi, shoko raJehova rakaȿika kwandiri riciti:
18
Mŋanakomana womunhu, wuŋgudza pamsoro paʋanhu ʋazhinji ʋeEgipita, uʋawisire pasi, iyo nyika naʋakunda ʋamarudzi anembiri, kuȿikira kunɀimbo dziri pasi penyika, pamŋe cete naʋanoɓurukira kugomba.
19
Unopfuʋuraniko pakunaka? Ƃuruka, ugondoradzikwa kunaʋasina‐kudziŋgiswa.
20
Ʋacawa pakati paʋakaʋurawa nomunondo; yakatemerwa munondo, ciikweʋerai pasi, iyo naʋanhu ʋayo ʋazhinji.
21
Ʋanesimba pakati pemhare ʋacataura naye naʋanomuɓatsira, ʋari pakati peSheori; ʋaɓurukira’ ko, ʋaʋete ʋanyerere, iʋo ʋasino‐kudziŋgiswa, ʋaʋurawa nomunondo.
22
Ashuri riri’po neɓoka raro rose; marinda aro akarikomberedza, ʋose ʋakaʋurawa, ʋakawiswa pasi nomunondo;
23
marinda aro akaiswa kumiceto yegomba, ɓoka raro rakakomberedza rinda raro; ʋose ʋakaʋurawa, ʋakawiswa pasi nomunondo, iʋo ʋaityisa panyika yaʋapenyu.
24
Erami riri’po naʋanhu ʋaro ʋazhinji ʋose ʋakakomberedza rinda raro, ʋose ʋakaʋurawa, ʋakawiswa pasi nomunondo, iʋo ʋakaɓurukira kunɀimbo dzapasi dzenyika ʋasino‐kudziŋgiswa, iʋo ʋaityisa panyika yaʋapenyu, ʋakaʋa nemhoȿa yeɀinonyadzisa ɀaʋo, pamŋe cete naʋanoɓurukira kugomba.
25
Rakaisirwa nhoʋo pakati paʋakaʋurawa pamŋe cete naʋanhu ʋaro ʋazhinji ʋose, marinda aro akarikomberedza; ʋose haʋana‐kudziŋgiswa, ʋakaʋurawa nomunondo; nokuti ʋaityisa panyika yaʋapenyu, ʋakaʋa nemhoȿa yeɀinonyadzisa ɀaʋo, pamŋe cete naʋanoɓurukira kugomba; rakaiswa pakati paʋakaʋurawa.
26
Mesheki neTubari ari’po naʋanhu ʋaʋo ʋose ʋazhinji; marinda awo akaakomberedza; ʋose haʋana‐kudziŋgiswa, ʋakaʋurawa nomunondo, nokuti ʋaityisa panyika yaʋapenyu.
27
Haʋaŋgaʋati pakati pemhare dzakaʋurawa dzaʋasina‐kudziŋgiswa, ʋakaɓurukira kuSheori ʋanenhumbi dzaʋo dzokurwa, ʋakaisa minondo yaʋo pasi pemisoro yaʋo, ɀakaipa ɀaʋo ɀiri pamsoro pamafupa aʋo; nokuti ʋaityisa mhare panyika yaʋapenyu.
28
Asi iwe ucaputswa pakati paʋasina‐kudziŋgiswa, ucaʋata pakati paʋakaʋurawa nomunondo.
29
Edomi riri’po, namadzimambo aro namacinda aro ose, akaradzikwa pakati paʋakaʋurawa nomunondo, kunyaŋge aiʋa nesimba; ʋacaʋata pakati paʋasina‐kudziŋgiswa, ʋuye pamŋe cete naʋanoɓurukira kugomba.
30
Macinda okurutiʋi rwokumsoro ari’po, iwo ose, naʋaSidoni ʋose ʋakaɓurukira pasi pamŋe cete naʋakaʋurawa; ʋakanyadziswa nokuɗa kwokutyisa kwakabva pasimba raʋo, ʋaʋete, ʋasina‐kudziŋgiswa, pamŋe cete naʋakaʋurawa nomunondo, ʋanemhoȿa yeɀinonyadzisa ɀaʋo pamŋe cete naʋanoɓurukira kugomba.
31
Farao ucaʋaʋona, ndokunyaradzwa pamsoro paʋanhu ʋake ʋose ʋazhinji, iye Farao nehondo yake yose, yakaʋurawa nomunondo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
32
Nokuti ndakaisa kutyisa kwake panyika yaʋapenyu; iye ucaradzikwa pakati paʋasina‐kudziŋgiswa, pakati paʋakaʋurawa nomunondo, iye Farao naʋanhu ʋake ʋose ʋazhinji — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48