bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezekiel 41
Ezekiel 41
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 40
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 42 →
1
Ɀino wakandiisa kutembere, akayera mbiru, ɀikaita makubiti matanhatu paʋupamhi kurutiʋi rumŋe, namakubiti matanhatu paʋupamhi kunorumŋe rutiʋi, ndibgo ʋupamhi bgetabernakeri.
2
Ʋupamhi bgomukoʋa bgakaita makubiti anegumi; matiʋi omukoʋa akaita makubiti mashanu kurutiʋi rumŋe, namakubiti mashanu kunorumŋe rutiʋi; akayera kureɓa kwaɀo, ɀikaita makubiti makumi manna, noʋupamhi makubiti makumi maʋiri.
3
Ɀino akapinda mukati, akayera mbiru imŋe neimŋe yomukoʋa, ɀikaita makubiti maʋiri, nomukoʋa makubiti matanhatu, noʋupamhi bgomukoʋa makubiti manomŋe.
4
Akayera kureɓa kwawo ɀikaita makubiti makumi maʋiri, noʋupamhi, makubiti makumi maʋiri pamberi petembere; akati kwandiri: Iyi ndiyo nɀimbo tȿene‐tȿene.
5
Ipapo akayera madziro eimba, ɀikaita makubiti matanhatu, ʋuye ʋupamhi bgekamuri rimŋe nerimŋe rokumatiʋi, ɀikaita makubiti manna, ɀicipoteredza imba kumatiʋi ose.
6
Makamuri okumatiʋi akaŋga akaturikidzwa akaita matatu, rimŋe riri pamsoro perimŋe, ɀikaitwa runamakumi matatu; akaŋga akaʋakirwa mukati mamadziro eimba aiʋa kurutiʋi rwamakamuri okumatiʋi, kuti atsigirwe nawo; haana‐kutsigirwa namadziro eimba.
7
Makamuri okumatiʋi akawedzera ʋupamhi pakupoteredza kwawo imba, acikwirira nokukwirira; nokuti kupoteredzwa kweimba kwakaramba kucikwirira kumatiʋi ose eimba; naiɀoɀo imba yakawedzera ʋupamhi pakukwirira kwayo; naiɀoɀo munhu waikwira acibva pakamuri rezasi kuȿikira kunerokumsoro, acipfuʋura napa kamuri rapakati.
8
Ndakaʋona ʋo kuti paimba pakaŋga panapamŋe pakakwirira kumatiʋi ose; nheyo dzamakamuri okumatiʋi dzakaȿika rutsaŋga rwose, makubiti matanhatu kuȿikira pakusoŋgana kwamadziro.
9
Ʋukobvu bgecidziro camakamuri okumatiʋi necokunze, bgakaita makubiti mashanu; saiɀoɀo ʋo nɀimbo, yakasiyiwa, yaiʋa yamakamuri okumatiʋi eimba.
10
Pakati pamakamuri paiʋa nenɀimbo yakaita makubiti anamakumi maʋiri yaipoteredza imba kumatiʋi ose.
11
Mikoʋa yamakamuri okumatiʋi yakaŋga icitarira kurutiʋi rwenɀimbo yaiʋa yoga, mumŋe mukoʋa kurutiʋi rwokumsoro, mumŋe mukoʋa kurutiʋi rwezasi, ʋupamhi bgenɀimbo yaiʋa yoga bgakaita makubiti mashanu kumatiʋi ose.
12
Imba yakaŋga iri pamberi penɀimbo, yaiʋa yoga kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, yakaita makubiti makumi manomŋe paʋupamhi bgayo; cidziro ceimba kumatiʋi ose cakaita makubiti mashanu paʋukobvu, namakubiti makumi mapfumbamŋe pakureɓa.
13
Saiɀoɀo akayera imba, ikaita makubiti anezana pakureɓa; ʋuye nɀimbo yaiʋa yoga, neimba namadziro ayo, ɀikaita makubiti anezana pakureɓa;
14
ʋuye ʋupamhi bgeimba necemberi kwayo, nokwenɀimbo yaiʋa yoga kurutiʋi rwamabvazuʋa, ɀikaita makubiti anezana.
15
Ɀino wakayera kureɓa kweimba pamberi penɀimbo yaiʋa yoga, yakaŋga iri shure kwayo, namaɓiraʋira ayo kunorutiʋi rumŋe nokunorumŋe rutiʋi, ɀikaita makubiti anezana; ʋuye tembere yomukati, namaɓiraʋira oruʋazhe;
16
neɀikumbaridzo, namawindi akaŋga akapfigwa, namaɓiraʋira akapoteredza makamuri matatu akaturikidzwa, akatarisana necikumbaridzo, akaŋga akaroʋerwa matanda kumatiʋi ose, kubva pasi kuȿikira kumawindi, (asi mawindi akaŋga akafukidzwa),
17
kuȿikira kumsoro kwomukoʋa, kuȿikira kuimba yomukati nokunze, nokucidziro cose kumatiʋi ose mukati nokunze, neɀiyero ɀaɀo.
18
Ɀakaŋga ɀakaitwa ɀinamakerubi nemicindwe; kwakaŋga kunomucindwe pakati pekerubi rimŋe nerimŋe kerubi, ʋuye kerubi rimŋe nerimŋe rakaŋga rineɀiso ɀiʋiri;
19
naiɀoɀo kwakaŋga kuneciso comunhu cakatarira kumucindwe kurutiʋi rumŋe, neciso ceshumba ɗuku cakatarira kumucindwe kunorumŋe rutiʋi; ndiɀo ɀaɀakaŋga ɀakaitwa paimba yose kumatiʋi ose;
20
kubva pasi kuȿikira kumsoro kwomukoʋa kwakaŋga kunamakerubi nemicindwe; saiɀoɀo ʋo pacidziro cetembere.
21
Kana iri tembere, mbiru dzemikoʋa dzakaŋga dzinamatiʋi manna akaenzana; kana iri nɀimbo tȿene pamberi payo yakaŋga yakafanana netembere.
22
Artari yakaŋga yakaʋezwa namatanda, yakaȿika makubiti matatu pakukwirira kwayo, nokureɓa kwayo makubiti maʋiri; makona ayo, nokureɓa kwayo, namadziro ayo, ɀakaŋga ɀakaʋezwa namatanda; akati kwandiri: Iri ndiro tafura riri pamberi paJehova.
23
Tembere nenɀimbo tȿene ɀakaŋga ɀinemikoʋa miʋiri.
24
Mukoʋa mumŋe nomumŋe wakaŋga unamasasa maʋiri, masasa maʋiri aitendereka; masasa maʋiri pamukoʋa mumŋe, ʋuye masasa maʋiri panomumŋe.
25
Paari, ipo pamasasa etembere, pakaŋga pakaʋezwa makerubi nemicindwe, ɀakafanana neɀakaitwa pamadziro; pakaŋga panecikumbaridzo camatanda necapamberi peɓiraʋira necokunze.
26
Kwakaŋga kunamawindi akapfigwa nemicindwe kurutiʋi rumŋe nokunorumŋe rutiʋi, kumatiʋi eɓiraʋira; ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita makamuri okumatiʋi eimba neɀikumbaridzo.
← Chapter 40
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 42 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48