bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezekiel 36
Ezekiel 36
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 37 →
1
Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, profita pamsoro pamakomo aIsraeri, uti: Imi makomo aIsraeri, inzwai shoko raJehova.
2
Ɀanzi naShe Jehova: Muʋeŋgi wako ɀaakati pamsoro pako: Toko! ʋuye: Nɀimbo dzakakwirira dzekare inhaka yeɗu;
3
naiɀoɀo profita, uti: Ɀanzi naShe Jehova: Nemhaka iyi, ɀaʋakakuitai ɗoŋgo, nokukumedzai kumatiʋi ose, kuti muʋe nhaka yamarudzi aʋanhu akasara, ɀamakarebga nemiromo yaʋanotaura, mukaitirwa makuhwa naʋanhu;
4
naiɀoɀo, imi makomo aIsraeri, inzwai shoko raShe Jehova: Ɀanzi naShe Jehova kumakomo nokuɀikomo nokuhoʋa nokumipata nokunɀimbo dzakaparadzwa nokumaguta akasiyiwa, aʋa cinhu cinopambga necinosekwa namarudzi akasara anoapoteredza;
5
naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀirokwaɀo, ndakataura nomŋoto wegoɗo raŋgu pamsoro paʋakasara ʋamarudzi napamsoro peEdomi rose, iʋo ʋakaɀitorera nyika yaŋgu ʋaciti iʋe nhaka yaʋo, ʋaciŋgofara nomŋoyo waʋo wose ʋacishoʋora nemŋeya yaʋo, kuti ʋairashire kure ipambge.
6
Naiɀoɀo profita pamsoro penyika yaIsraeri, uti kumakomo nokuɀikomo, nokuhoʋa nokumipata: Ɀanzi naShe Jehova: Tarirai ndakataura negoɗo raŋgu nokutsamŋa kwaŋgu, nokuti makashoʋorwa namarudzi;
7
naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ndakapika ndiciti: Ɀirokwaɀo marudzi anokupoteredza kwose, ndiwo acashoʋorwa.
8
Asi imi, makomo aIsraeri, mucaɓuɗisa mataʋi enyu, nokuɓerekera ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri ɀiɓereko ɀenyu; nokuti ʋoɗo‐kuȿika.
9
Nokuti tarirai, ndinemi, ndicatsaukira kwamuri, mucarimŋa nokudɀarwa;
10
ndicawanza ʋanhu pamsoro pako, iyo imba yose yaIsraeri, iʋo ʋose; maguta acagarwa, namatoŋgo acaʋakwa;
11
ndicawanza pamsoro penyu ʋanhu neɀipfuwo, ʋacawanda nokuɓereka; ndicagarisa ʋanhu mukati menyu, seɀamakaŋga makaita kare, nokukuitirai ɀakanaka ɀinopfuʋura ɀapakuʋamba kwenyu; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.
12
Ɀirokwaɀo, ndicafambisa ʋanhu pamsoro penyu, iʋo ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri; ʋacakuita waʋo, ucaʋa nhaka yaʋo, kubva ɀino hauŋgazoʋatoreri ʋana ʋaʋo.
13
Ɀanzi naShe Jehova: Ɀaʋanoti kwauri: Iwe uri nyika inopedza ʋanhu, wakatorera rudzi rwako ʋana;
14
naiɀoɀo haucazopedzi ʋanhu, kana kuzotorera rudzi rwako ʋana — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova;
15
handicazokunzwisi kunyadziswa kwamarudzi, hauŋgazoshoʋorwi naʋanhu, hauŋgazogumbusi rudzi rwake — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
16
Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:
17
Mŋanakomana womunhu, ŋguʋa yaʋakagara panyika yaʋo, imba yaIsraeri yakaiȿiɓisa nomufambire waʋo neɀaʋaiita; mufambire waʋo pamberi paŋgu wakaŋga wakaita setȿina yomukadzi uri kumŋedzi kwake.
18
Naiɀoɀo ndakateʋurira hasha dzaŋgu pamsoro paʋo nemhaka yeropa raʋakateʋurira pamsoro penyika, ɀaʋakaiȿiɓisa neɀifananidzo ɀaʋo;
19
ndikaʋaparadzira pakati pamarudzi, ʋakadziŋgirwa kunyika dzose; ndakaʋatoŋga ɀakafanira mufambire waʋo neɀaʋakaita.
20
Ɀino ʋakati ʋaciȿika kumarudzi, kwaʋakaenda, ʋakamhura zita raŋgu dɀene, nokuti ʋanhu ʋakati pamsoro paʋo: Aʋa ndiʋo ʋanhu ʋaJehova, ʋakaɓuɗa panyika yake.
21
Asi ndakaŋga ndinehanya nezita raŋgu dɀene, rakaŋga ramhurwa neimba yaIsraeri pakati pamarudzi kwaʋakaenda.
22
Naiɀoɀo citi kuimba yaIsraeri: Ɀanzi naShe Jehova: Handiiti cinhu ici nokuɗa kwako, iwe imba yaIsraeri, asi nokuɗa kwezita raŋgu dɀene ramakamhura pakati pamarudzi kwamakaenda.
23
Zita raŋgu guru ndicariita dɀene, iro rakamhurwa pakati pamarudzi, ramakamhura imi pakati paʋo; ɀino marudzi acaziʋa kuti ndini Jehova, neŋguʋa yandicaitwa mutȿene mamuri pamberi paʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
24
Nokuti ndicakubvisai pakati pamarudzi, nokukuʋuŋganidzai kunyika dzose, ndikuisei kunyika yenyu.
25
Ndicasasa mvura yakacena pamsoro penyu, muʋe ʋakacena; ndicakunatsai matȿina enyu ose neɀifananidzo ɀenyu ɀose.
26
Ndicakupai ʋo mŋoyo mutȿa, nokuisa mukati menyu mŋeya mutȿa; ndicabvisa mŋoyo webge panyama yenyu, ndikupei mŋoyo wenyama.
27
Ʋuye ndicaisa Mŋeya waŋgu mukati menyu, nokukufambisai nemitemo yaŋgu; mucaceŋgeta ɀandakaraira nokuɀiita.
28
Mucagara munyika yandakapa madziɓaɓa enyu; mucaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari wenyu.
29
Ndicakuponesai patȿina yenyu yose; ndicaɗana ɀiyo, nokuɀiwanza, handiŋgakuremedziyi nenzara.
30
Ndicawanza ɀiɓereko ɀemiti, neɀinomera paminda, kuti murege kuzoshoʋorwa namarudzi aʋanhu ɀicinzi munenzara.
31
Ipapo mucaraŋgarira mufambire wenyu wakaipa, neɀamakaita ɀisino‐kunaka; mucaɀisema mumene pamsoro peɀakaipa ɀenyu neɀinonyaŋgadza ɀenyu.
32
Handiiti iɀoɀi nokuɗa kwenyu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — muziʋe iɀoɀo; nyarai muʋe nenyadzi pamsoro pomufambire wenyu, imi imba yaIsraeri.
33
Ɀanzi naShe Jehova: Nezuʋa randicakunatsai paɀakaipa ɀenyu ɀose, ndicagarisa ʋanhu mumaguta, namatoŋgo acaʋakwa.
34
Nyika yakaŋga iri ɗoŋgo icarimŋa, iyo yakaŋga iri ɗoŋgo pamberi paʋose ʋaipfuʋura napo.
35
Ipapo ʋacati: Nyika iyi yaiʋa ɗoŋgo, yafanana nomunda weEdeni; maguta akaŋga akaparadzwa akasiyiwa aiʋa matoŋgo, iwo aʋakirwa ogarwa.
36
Ipapo marudzi akasara kumatiʋi enyu ose acaziʋa kuti ini Jehova, ndini ndakaʋaka nɀimbo idzo dzaiʋa matoŋgo, ndikasima ɀe pakaŋga pakaparadzwa; ini Jehova ndakaɀitaura, ndicaɀiita.
37
Ɀanzi naShe Jehova: Asi ndinoɗa kukumbirwa cinhu ici neimba yaIsraeri, kuti ndiʋaitire iɀoɀo; ndicaʋawanzira ʋanhu, ʋaʋe seɓoka ramakwai.
38
Seɀakaita ɓoka ramakwai anoɓayirwa Jehova, seɀakaita ɓoka ramakwai paJerusarema pamitambo yakatarwa, saiɀoɀo maguta aiʋa matoŋgo acazadzwa namapoka aʋanhu; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 37 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48