bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezekiel 44
Ezekiel 44
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 43
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 45 →
1
Ɀino wakandidzosa nenzira yesuʋo rokunze renɀimbo tȿene, rakaŋga rakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa; asi rakaŋga rakapfigwa.
2
Jehova akati kwandiri: Suʋo iri rinofanira kugara rakapfigwa, harifaniri kuzarurwa, ʋuye hakunomunhu unofanira kupinda naro, nokuti Jehova Mŋari waIsraeri wapinda naro; saka rinofanira kuramba rakapfigwa.
3
Kana ari mucinda, iye unofanira kugara’mo ari mucinda, adye ɀokudya pamberi paJehova; unofanira kupinda nenzira yeɓiraʋira resuʋo, ndokuɓuɗa ɀe nenzira iyeyo.
4
Ipapo akaenda neni nenzira yesuʋo rokurutiʋi rwokumsoro pamberi peimba; ndikatarira, ndikaʋona kubginya kwaJehova kucizadza imba yaJehova; ndikawira pasi neciso caŋgu.
5
Jehova akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, cerekedza ɀakanaka, utarire nameso ako, unzwe nenzeʋe dzako ɀose ɀandinokuʋudza pamsoro pemitemo yose yeimba yaJehova, nemirairo yayo yose; cerekedza ɀakanaka panopindwa napo paimba, napanoɓuɗiwa napo pose panɀimbo tȿene.
6
Ɀino uti kunaʋakandimukira, kuimba yaIsraeri: Ɀanzi naShe Jehova: Nhai, imi imba yaIsraeri, ciriŋganiswai neɀinonyaŋgadza ɀenyu,
7
iɀo ɀokupinza kwenyu ʋatorwa, ʋanemŋoyo isino‐kudziŋgiswa nenyama isino‐kudziŋgiswa, kuti ʋaʋe munɀimbo yaŋgu, mucimhura iyo imba yaŋgu, kana mucindiʋigira ɀokudya, namafuta neropa; ʋakaputsa suŋgano yaŋgu, ʋacinyanyisa ɀinonyaŋgadza ɀenyu.
8
Hamuna‐kuceŋgeta ɀinhu ɀaŋgu ɀitȿene, asi makagadza ʋatariri ʋanokuceŋgeterai imi ɀinhu ɀaŋgu munɀimbo yaŋgu tȿene.
9
Ɀanzi naShe Jehova: Mutorwa unomŋoyo usino‐kudziŋgiswa nenyama isino‐kudziŋgiswa ŋgaarege kupinda munɀimbo yaŋgu tȿene, aninani waʋatorwa ʋari pakati paʋana ʋaIsraeri.
10
Asi ʋaRevi, ʋakaenda kure neni paŋguʋa yokutsauka kwaIsraeri, ʋakatsauka kwandiri ʋaciteʋera ɀifananidzo ɀaʋo, iʋo ʋacaʋa nemhoȿa yeɀakaipa ɀaʋo.
11
Asi ʋanofanira kuʋa ʋashumiri munɀimbo yaŋgu tȿene, naʋatariri pamasuʋo eimba, naʋanoshumira mumba; iʋo ʋanofanira kuɓayira cipiriso cinopiswa, neɀinoɓayirwa ʋanhu, nokumira pamberi paʋo kuʋashumirira.
12
Ɀaʋakaʋashumirira pamberi peɀifananidzo ɀaʋo, ʋakazoʋa cigumbuso ceɀakaipa kuimba yaIsraeri; naiɀoɀo ndakaʋasimudzira ruʋoko rwaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ʋacaʋa nemhoȿa yeɀakaipa ɀaʋo.
13
Haʋaŋgasweɗeri kwandiri, kundiitira ɓasa roʋuprista, kana kusweɗera kucinhu cipi necipi ceɀinhu ɀaŋgu ɀitȿene, kuɀinhu ɀitȿene kwaɀo; asi ʋacaʋa nemhoȿa yokunyadziswa kwaʋo, neyeɀinonyadzisa ɀaʋo ɀaʋakaita.
14
Asi ndicaʋaita ʋatariri ʋanoceŋgeta imba, ʋaite ɓasa rayo rose, neɀose ɀinofanira kuitwa’mo.
15
Asi ʋaprista ʋaRevi, iʋo ʋanakomana ʋaZadoki, ʋaiceŋgeta ɓasa renɀimbo yaŋgu tȿene paŋguʋa yokutsauka kwaʋana ʋaIsraeri ʋacibva kwandiri, ndiʋo ʋacasweɗera kwandiri kuzondishumira; iʋo ʋacamira pamberi paŋgu kuzondiɓayira mafuta neropa — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova;
16
ʋacapinda munɀimbo yaŋgu tȿene, ʋacasweɗera kutafura yaŋgu, kuti ʋandishumire, ʋuye ʋacaceŋgeta ɓasa raŋgu.
17
Ɀino kana ʋacipinda pamasuʋo oruʋazhe rwomukati, ʋacafanira kufuka ŋguʋo dzemiceka; makushe ŋgaarege kuʋa pamiʋiri yaʋo, kana ʋacishumira mumasuʋo oruʋazhe rwomukati, nomukati meimba.
18
Ʋacafanira kufuka ŋgowani dzemiceka pamisoro yaʋo, ʋuye ʋacafanira kuʋa namaburuku emiceka paɀiʋuno ɀaʋo; ŋgaʋarege kuɀisuŋga ciʋuno ne cinhu cinoɓuɗisa ziya.
19
Kana ʋaciɓuɗira kuruʋazhe rwokunze, iko kuruʋazhe rwokunze kuʋanhu, ʋanofanira kubvisa ŋguʋo dzaʋo dzaʋanoshumira nadzo, ndokudziisa mumakamuri matȿene; ʋanofanira kufuka dzimŋe ŋguʋo, kuti ʋarege kuita ʋanhu ʋatȿene neŋguʋo dzaʋo.
20
Ŋgaʋarege kuʋeʋura misoro yaʋo, kana kurega vudzi raʋo ricireɓa; ŋgaʋagunde cete misoro yaʋo.
21
Muprista upi noupi ŋgaarege kunwa waini, kana acipinda muruʋazhe rwomukati.
22
Haʋafaniri kuwana cirikadzi, kana mukadzi wakarambga nomurume; asi ʋanofanira kuwana mhandara pakati paʋana ʋeimba yaIsraeri, kana cirikadzi, iri cirikadzi yomuprista.
23
Ʋanofanira kudzidzisa ʋanhu ʋaŋgu kusiyana kweɀitȿene neɀisi ɀitȿene, nokuʋadzidzisa kutsaura pakati peɀisino‐kunaka neɀakanaka.
24
Kana panegakaʋa ʋanofanira kuʋa ʋatoŋgi; ʋanofanira kutoŋga nemitemo yaŋgu; ʋacafanira kuceŋgeta mirairo yaŋgu nemitemo yaŋgu pamitambo yaŋgu yose yakatarwa; masaɓata aŋgu ŋgaaʋe matȿene kwaʋari.
25
Ŋgaʋarege kupinda kuneɀitunha, kuti ʋarege kuɀiȿiɓisa; asi ʋaŋgaɀiȿiɓisa nokuɗa kwaɓaɓa, kana mai, kana mŋanakomana, kana mŋanasikana, kana mukoma nomunuŋuna, kana hanɀadzi yakaŋga icigere kuwanikwa.
26
Ɀino kana iye apera kunatswa, unofanira kutarirwa mazuʋa manomŋe.
27
Nezuʋa raanozopinda munɀimbo tȿene, muruʋazhe rwomukati, kundoshumira munɀimbo tȿene, ucafanira kuɓayira cipiriso cake ceɀiʋi — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
28
Ʋacaʋa nenhaka; ini ndini nhaka yaʋo; hamufaniri kuʋapa fuma pakati paIsraeri, ini ndini fuma yaʋo.
29
Ʋanofanira kudya cipiriso coʋupfu, necipiriso ceɀiʋi, necipiriso cemhoȿa; cinhu cipi necipi cakatsaurirwa Jehova pakati paIsraeri cicaʋa caʋo.
30
Cakaiȿo‐naka paɀiɓereko ɀokutaŋga ɀeɀose, neɀipiriso ɀakatsaurwa ɀeɀose, ɀeɀipo ɀenyu ɀose, ɀinofanira kuʋa ɀaʋaprista; munofanira kupa ʋo ʋaprista ɀokutaŋga ɀoʋupfu bgenyu bgakakuyiwa, kuti mugarise ropafadzo paimba yenyu.
31
Ʋaprista ŋgaʋarege kudya cinhu cipi necipi cakaŋgofa coga, kana cakabvamburanyiwa, kana iri shiri kana cipfuwo.
← Chapter 43
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 45 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48