bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezekiel 7
Ezekiel 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 8 →
1
Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti:
2
Iwe, mŋanakomana womunhu, ɀanzi naShe Jehova kunyika yaIsraeri: Kuguma, kuguma kwaȿika pamakona manna enyika.
3
Ɀino kuguma kwaȿika kwauri, ini ndicatuma kutsamŋa kwaŋgu pamsoro pako, ndicakutoŋga ɀakafanira nzira dzako; ndicaʋuyisa pamsoro pako ɀinonyaŋgadza ɀako ɀose.
4
Ziso raŋgu hariŋgakupembedzi, handiŋgaʋi netsitsi ʋo; asi ndicaʋuyisa nzira dzako pamsoro pako, neɀinonyaŋgadza ɀako ɀicaʋa pakati pako; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.
5
Ɀanzi naShe Jehova: Njodzi, njodzi imŋe cete, tarirai, inoʋuya.
6
Kuguma kwaȿika, kuguma kwaȿika; kunokumukira maŋgwanani; tarirai, kwaȿika.
7
Dzoro rako raȿika, iwe ugere panyika; ŋguʋa yaȿika, zuʋa raʋa pedyo, zuʋa reɓope, risati riri rokupururudza pamsoro pamakomo.
8
Ɀino ndobva ndoɗururira hasha dzaŋgu pamsoro pako, ndicapedza kutsamŋa kwaŋgu pamsoro pako, nokukutoŋga ɀakafanira nzira dzako; ndicaʋuyisa ɀinonyaŋgadza ɀako ɀose pamsoro pako.
9
Ziso raŋgu hariŋgapembedzi, handiŋgaʋi netsitsi ʋo; ndicaʋuyisa pamsoro pako ɀakafanira nzira dzako; ɀinonyaŋgadza ɀako ɀicaʋa pakati pako; ɀino mucaziʋa kuti ini Jehova ndinoroʋa.
10
Tarirai zuʋa, tarirai roȿika; dzoro rako raɓuɗa; shamhu yatumbuka, kuɀikudza kwaɓukira.
11
Kuita nesimba kwamuka, kwaita shamhu yeɀakashata; hakuna cicasara kwaʋari, kana paʋanhu ʋaʋo ʋazhinji, kana pafuma yaʋo; hakuŋgaʋi necinhu cakanaka pakati paʋo.
12
Ŋguʋa yaȿika, zuʋa raʋa pedyo; muteŋgi ŋgaarege kufara, muteŋgesi ŋgaarege kucema; nokuti kutsamŋa kuri pamsoro paʋanhu ʋose ʋenyika.
13
Nokuti muteŋgesi haaŋgadzokeri kunecakateŋgeswa, kunyaŋge ʋaciri ʋapenyu; nokuti ɀakaʋonekwa pamsoro paʋazhinji ʋose ʋenyika haɀiŋgadzoswi; hakuna‐uŋgaɀisimbisa neɀakaipa ɀiri pamugarire wake.
14
Ʋakaridza hwamanda, ʋakagadzira ɀose, asi hakunaunoenda kundorwa; nokuti kutsamŋa kwaŋgu kuri pamsoro paʋazhinji ʋose ʋenyika.
15
Munondo uri kunze, hosha yakaipa nenzara ɀiri mukati; uri kusaŋgo ucaʋurawa nomunondo; uri muguta ucapedzwa nenzara nehosha yakaipa.
16
Asi ʋanopukunyuka pakati paʋo ʋacapukunyuka; ʋacaʋa pamakomo senjiʋa dzemipata, ʋacicema ʋose, mumŋe nomumŋe pamsoro peɀakaipa ɀake.
17
Maʋoko ose acashaiwa simba, mabvi ose acati rukutu semvura.
18
Ʋacaɀisuŋga ɀiʋuno namasaga, ʋacafukidzwa nokutya kukuru, kunyara kucaʋa paɀiso ɀose, nemhazha pamisoro yaʋo yose.
19
Ʋacarasha sirveri yaʋo panzira dzomumusha, nendarama yaʋo icaʋa secinhu cisino‐kunaka; sirveri yaʋo nendarama yaʋo haɀiŋgagoni kuʋarwira nezuʋa rokutsamŋa kwaJehova; haɀiŋgagutisi mŋeya yaʋo kana kuzadza ʋura bgaʋo, nokuti ndico caiʋa cigumbuso ceɀakaipa ɀaʋo.
20
Kana ʋuri ʋukomba bgaʋo bgakanaka, ʋakaita manyawi naɀo; asi ʋakaita naɀo ɀifananidzo ɀeɀinonyaŋgadza ɀaʋo neɀeɀinosemesa ɀaʋo; naiɀoɀo ndakaciita kwaʋari secinhu cisino‐kunaka.
21
Ndicaciisa mumaʋoko aʋatorwa ciʋe cinhu cakatapxa, nokunaʋakaipa ʋenyika ciʋe cinhu cakapambga, iʋo ʋacaciȿiɓisa.
22
Ndicaramba ʋo kuʋatarira neciso caŋgu, ʋacaȿiɓisa fuma yaŋgu; mbava dzicapinda’mo, dziciiȿiɓisa.
23
Itai ketani, nokuti nyika izere nemhaka dzeropa, guta rizere nokuita nesimba.
24
Naiɀoɀo ndicaʋuyisa marudzi akanyanya kuipa kwaɀo, iʋo ʋacatora dzimba dzaʋo; ndicagumisa ʋo manyawi aʋanesimba, nenɀimbo dzaʋo tȿene dzicaȿiɓiswa.
25
Njodzi inoʋuya; ʋacatȿaka rugare, asi haruŋgaʋi’po.
26
Njodzi icateʋerwa nenjodzi, guhu ricateʋerwa neguhu; ʋacandotȿaka kumuprofita ɀaakaʋona, asi murairo ucanyaŋgarikira muprista, namano acashaikwa kuʋakuru.
27
Mambo ucacema, mucinda ucafuka kuparadza, namaʋoko aʋanhu ʋenyika acakaŋganiswa; ndicaʋaitira ɀakafanira nzira dzaʋo, ndicaʋatoŋga seɀaʋakafanira; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48