bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezekiel 18
Ezekiel 18
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 19 →
1
Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:
2
Ndokuɗiniko kana muciɓata neshumo iyi panyika yaIsraeri, muciti: Madziɓaɓa akadya mazambiriŋga anoʋaʋa, meno aʋana ndokubgadzira?
3
Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — hamuŋgagoni kuzoɓata neshumo iyi pakati paIsraeri.
4
Tarirai, mŋeya yose ndeyaŋgu; mŋeya waɓaɓa ndowaŋgu, saiɀoɀo nomŋeya womŋanakomana ʋo; mŋeya unotadza, ucafa.
5
Asi kana munhu aciŋge akarurama, aciita ɀomurairo neɀakarurama,
6
asinokudya pamakomo, kana kutarira nameso ake kuɀifananidzo ɀeimba yaIsraeri, kana kucinyira mukadzi wowokwake, kana kusweɗera kumukadzi uri kumŋedzi kwake,
7
usino‐kuitira ʋamŋe ɀakaipa, wakadzosera ruɓatso rwake kunowakadya cikwerete, usino‐kutora cinhu acipamba, wakapa ʋanenzara ɀokudya ɀake, akafukidza wakashama neŋguʋo;
8
usino‐kuita mhindu, kana kutora mhindu yemicero, wakadzora ruʋoko rwake paɀakaipa, akaruramisa kwaɀo pamhaka yomunhu nehama yake,
9
wakafamba nemitemo yaŋgu, akaceŋgeta ɀandakaraira, kuti aite ɀamaɀokwaɗi; iye wakarurama, ɀirokwaɀo ucararama — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
10
Kana iye akaɓereka mŋanakomana riri gororo, kana muteʋuri weropa, kana unoita cinhu cimŋe ceɀinhu iɀi,
11
usiŋgaiti cinhu cimŋe caiɀoɀo ɀakanaka, akadya pamakomo, akacinyira mukadzi wowokwake,
12
wakaitira ʋarombo naʋanoshaiwa ɀakaipa, wakatora acipamba, usino‐kudzosera ruɓatso, wakatarira ɀifananidzo nameso ake, wakaita ɀinonyaŋgadza,
13
wakaita mhindu, kana kutora mhindu yemicero; ko iye ucararama here? Haaŋgararami. Wakaita iɀi ɀose ɀinonyaŋgadza, ɀirokwaɀo ucafa; ropa rake ricaʋa pamsoro pake.
14
Ɀino, tarira, kana akaɓereka mŋanakomana, unoʋona ɀiʋi ɀose ɀaɓaɓa ʋake, ɀaʋakaita, akaɀiʋona hake, akasaita ɀakaɗai;
15
usino‐kudya pamakomo, kana kutarira nameso ake ɀifananidzo ɀeimba yaIsraeri, kana kucinyira mukadzi wowokwake,
16
usino‐kuitira ʋamŋe ɀakaipa, usino‐kutora cinhu acireʋa ruɓatso, usino‐kutora cinhu acipamba, asi wakapa ʋanenzara ɀokudya ɀake, nokufukidza wakashama necokufuka;
17
wakadzora ruʋoko rwake pakuitira ʋarombo ɀakaipa, usino‐kutora mhindu kana mhindu yemicero, wakaita ɀandakaraira, nokufamba nemitemo yaŋgu; iye haaŋgafi nokuɗa kweɀakaipa ɀaɓaɓa ʋake, ɀirokwaɀo ucararama.
18
Kana ʋari ɓaɓa ʋake, ɀaakamanikidza ɀikuru, nokupamba ɀinhu ɀomunuŋuna wake, akaita ɀisino‐kunaka pakati paʋanhu ʋake, tarirai, iye ucafa nokuɗa kweɀakaipa ɀake.
19
Asi imi munoti: Mŋanakomana unoregereiko kuʋa nemhoȿa yeɀakaipa ɀaɓaɓa ʋake? Kana mŋanakomana aciŋge aita ɀinorebga nomurairo neɀakarurama, akaceŋgeta mitemo yaŋgu yose, akaiita, ɀirokwaɀo ucararama.
20
Mŋeya unotadza, ndiwo ucafa; mŋanakomana haaŋgaʋi nemhoȿa yeɀakaipa ɀaɓaɓa ʋake, naɓaɓa haʋaŋgaʋi nemhoȿa yeɀakaipa ɀomŋanakomana waʋo; kururama kwowakarurama kucaʋa pamsoro pake, nokuipa kwowakaipa kucaʋa pamsoro pake.
21
Asi kana wakaipa akatendeʋuka paɀiʋi ɀake ɀose ɀaakaita, akaceŋgeta mitemo yaŋgu yose, akaita ɀinorebga nomurairo neɀakarurama, ɀirokwaɀo ucararama, haaŋgafi.
22
Kuɗarika kwake kwose kwaakaita hakuŋgaraŋgarirwi pamsoro pake; ucararama nokuɗa kweɀakarurama ɀaakaita.
23
Ko ini ndiŋgatoŋgofarira rufu rwowakaipa here? — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova; handizinofarira kudzoka kwake panzira yake, ararame here?
24
Asi kana wakarurama akatsauka pakururama kwake, akaita ɀakaipa, akaita ɀinonyaŋgadza ɀose ɀinoitwa nomunhu wakaipa, ko uŋgararama here? Maɓasa ake akarurama aakaita haaŋgatoŋgoraŋgarirwi; nokuɗa kwokuɗarika kwake, kwaakaɗarika nako, neɀiʋi ɀake ɀaakaita, ucafa nokuɗa kwaɀo.
25
Asi imi munoti: Nzira yaShe haina‐kururama. Ɀino cinzwai, imi imba yaʋaIsraeri: Nzira yaŋgu haina‐kururama here? Ko nzira dzenyu hadzizi idzo dzisino‐kururama here?
26
Kana munhu wakarurama akatsauka pakururama kwake, akaita ɀakaipa, akafa nokuɗa kwaɀo; ucafa nokuɗa kweɀakaipa ɀaakaita.
27
Ʋuye ɀe, kana munhu wakaipa akatsauka paɀakaipa ɀake ɀaakaita, akazoita ɀinorebga nomurairo neɀakarurama, ucaponesa mŋeya wake.
28
Ɀaakaraŋgarira, akatsauka pakuɗarika kwake kwose kwaakaita, ɀirokwaɀo ucararama, haaŋgafi.
29
Kunyaŋge ɀakaɗaro, imba yaIsraeri inoti: Nzira yaShe haina‐kururama. Nhai, imba yaIsraeri, nzira dzaŋgu hadzina‐kururama here? Hadzizi nzira dzenyu dzisakarurama here?
30
Naiɀoɀo ndicakutoŋgai, imi imba yaIsraeri, mumŋe nomumŋe ɀakafanira nzira dzake — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. Dzokai, mutendeʋuke pakuɗarika kwenyu kwose; kuti cirege kuʋa cigumbuso ceɀakaipa kwamuri.
31
Rashai kure nemi kuɗarika kwenyu kwose, kwamakaɗarika nako, muɀiitire mŋoyo mitȿa nemŋeya mitȿa; nokuti mucafireiko, imi imba yaIsraeri?
32
Nokuti handifariri rufu rwounofa — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova; naiɀoɀo tendeʋukai, murarame.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48