bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezekiel 33
Ezekiel 33
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 34 →
1
Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri riciti:
2
Mŋanakomana womunhu, taura naʋana ʋaʋanhu ʋako, uti kwaʋari: Kana ndiciʋuyisa munondo panyika, ʋanhu ʋenyika ʋakaɀitsaurira munhu pakati paʋo, ʋakamuita nharirire yaʋo;
3
ɀino kana iye akaʋona munondo uciȿika panyika, akaridza hwamanda, akanyeʋera ʋanhu;
4
ipapo aninani unonzwa kurira kwehwamanda, akasatenda kunyeʋerwa, kana munondo ukaȿika, ukamubvisa, ropa rake ricaʋa pamusoro wake, iye amene.
5
Wakanzwa kurira kwehwamanda, akasatenda kunyeʋerwa, ropa rake ricaʋa pamsoro pake; ɗai akatenda kunyeʋerwa, uŋgaɗai akaponesa mŋeya wake.
6
Asi kana nharirire ikaʋona munondo uciʋuya, akasaridza hwamanda, ʋanhu ʋakasanyeʋerwa, munondo ukaȿika, ukabvisa mumŋe pakati paʋo, wabviswa hake nokuɗa kweɀakaipa ɀake, asi ropa rake ndicaribvunza paruʋoko rwenharirire.
7
Saiɀoɀo ʋo iwe mŋanakomana womunhu, ndakakuita nharirire paimba yaIsraeri; naiɀoɀo cinzwa shoko rinoɓuɗa mumuromo maŋgu, uʋanyeʋere panɀimbo yaŋgu.
8
Kana ini ndikati kunowakaipa: Iwe munhu wakaipa, ucafa ɀirokwaɀo, iwe ukasataura kuti unyeʋere munhu wakaipa panzira yake, munhu uyo wakaipa ucafa nokuɗa kweɀakaipa ɀake, asi ropa rake ndicaribvunza paruʋoko rwako.
9
Asi kana ukanyeʋera wakaipa pamsoro penzira yake, uciti atendeʋuke pairi, akasatendeʋuka panzira yake, iye ucafa nokuɗa kweɀakaipa ɀake, asi iwe warwira hako mŋeya wako.
10
Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, uti kuimba yaIsraeri: Imi munotaura, muciti: Ɀirokwaɀo, kuɗarika kweɗu neɀiʋi ɀeɗu ɀiri pamsoro peɗu, tinopera nokuɗa kwaɀo; ɀino ticararama seiko?
11
Uti kwaʋari: Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeʋuke panzira yake; tendeʋukai, tendeʋukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti mucafireiko, imi imba yaIsraeri?
12
Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, uti kuʋana ʋaʋanhu ʋako: Kururama kwowakarurama hakuŋgamurwiri nezuʋa rokuɗarika kwake; ʋuye kana kuri kuipa kwowakaipa, haaŋgaparadzwi nako nezuʋa raanotendeʋuka pakuipa kwake; nowakarurama haaŋgararami nako nezuʋa raanotadza.
13
Kana ndiciti kunowakarurama, kuti ɀirokwaɀo ucararama, kana akaʋimba nokururama kwake, akaita ɀakaipa, hakuna‐ɓasa rimŋe rake rakarurama ricaraŋgarirwa; asi nokuɗa kweɀakaipa ɀake ɀaakaita, ucafa nokuɗa kwaɀo.
14
Ʋuye ɀe, kana ndikati kunowakaipa: Ɀirokwaɀo ucafa; kana akatendeʋuka paɀiʋi ɀake, akazoita ɀakarairwa neɀakarurama;
15
kana wakaipa akadzosa ɀe ruɓatso, akadzosera ɀe ɀaakaŋga apamba, akafamba nemitemo yoʋupenyu, asiŋgaiti ɀakaipa, ɀirokwaɀo ucararama, haaŋgafi.
16
Hakunaciʋi cimŋe cake caakaita cicaraŋgarirwa pamsoro pake; wakaita ɀakarairwa neɀakarurama, ɀirokwaɀo ucararama.
17
Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋana ʋaʋanhu ʋako ʋanoti: Nzira yaShe haina‐kururama; asi kana ʋari iʋo, nzira yaʋo ndiyo isina‐kururama.
18
Kana wakarurama akatsauka pakururama kwake, akaita ɀakaipa, ucafa nokuɗa kwaɀo.
19
Ʋuye kana wakaipa akatendeʋuka pakuipa kwake, akaita ɀakarairwa neɀakarurama, ucararama naɀo.
20
Kunyaŋge ɀakaɗaro munoti: Nzira yaShe haina‐kururama. Haiwa, imba yaIsraeri, ndicakutoŋgai mumŋe nomumŋe ɀakafanira nzira dzake.
21
Ɀino negore regumi namaʋiri rokutapxa kweɗu, no mŋedzi wegumi, ne zuʋa reshanu romŋedzi, mumŋe wakaŋga apukunyuka paJerusarema wakaȿika kwandiri, aciti: Guta rakundwa.
22
Ɀino ruʋoko rwaJehova rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu maɗekwana, iye wakapukunyuka asati aȿika; wakaŋga ashamisa muromo waŋgu, kuȿikira iye aciȿika kwandiri maŋgwanani; muromo waŋgu ukashamiswa, ndikasazoʋa mbeʋeʋe.
23
Shoko raJehova rikaȿika kwandiri, riciti:
24
Mŋanakomana womunhu, ʋanhu ʋagere panɀimbo idzo dzakaparadzwa panyika yaIsraeri, ʋanotaura ʋaciti: Abrahama wakaŋga ari mumŋe cete, akagara nhaka yenyika; asi isu tiri ʋazhinji, nyika yapiwe’su iʋe nhaka yeɗu.
25
Naiɀoɀo citi kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Munodya nyama pamŋe cete neropa, mucitarira ɀifananidzo ɀenyu nameso enyu nokuteʋura ropa; ɀino muŋgapiwa nyika sei?
26
Munoʋimba nomunondo wenyu, munoita ɀinonyaŋgadza, munocinya mumŋe nomumŋe wenyu mukadzi wowokwake; ɀino muŋgapiwa nyika sei?
27
Citi kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Noʋupenyu bgaŋgu, ɀirokwaɀo ʋari panɀimbo dzakaparadzwa ʋacaparadzwa nomunondo, uri kuɓani ndicamuisa kuɀikara kuti adyiwe naɀo; ʋari munhare nomumapako ʋacafa nehosha yakaipa.
28
Nyika ndicaiita ɗoŋgo necishamiso, kuɀikudza kwayo pamsoro pesimba rayo kucapera, namakomo aʋaIsraeri acaitwa matoŋgo, kuti kurege kuzoʋa nomunhu unopfuʋura napo.
29
Ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndaita nyika ɗoŋgo necishamiso, nokuɗa kweɀinonyaŋgadza ɀaʋo ɀose ɀaʋakaita.
30
Asi kana uri’we, mŋanakomana womunhu, ʋana ʋaʋanhu ʋako ʋanokureʋa ʋari pamaȿiŋgo aʋo nomumikoʋa yedzimba dzaʋo, ʋanotaurirana mumŋe nomumŋe aciti kuhama yake: ɗoʋuya hako, unzwe shoko rinobva kunaJehova.
31
Ʋanoʋuya kwauri seɀinoita ʋanhu, ʋanogara pamberi pako seɀinoita ʋanhu ʋaŋgu, ʋanonzwa mashoko ako, asi haʋaaiti; nokuti ʋanotaura ɀoruɗo nemiromo yaʋo, asi mŋoyo yaʋo inoteʋera fuma yaʋo.
32
Ɀino tarira, iwe wakaita kwaʋari sorwiyo rworuɗo runoimbga nounenzwi rinofadza, unogona kuridza mbira kwaɀo, nokuti ʋanonzwa mashoko ako, asi haʋaaiti.
33
Ɀino kana iɀi ɀiciitwa (tarirai ɀinoʋuya!), neŋguʋa iyo ʋacaziʋa kuti muprofita wakaŋga ari pakati paʋo.
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 34 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48