bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezekiel 28
Ezekiel 28
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 29 →
1
Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:
2
Mŋanakomana womunhu, iti kumucinda weTire: Ɀanzi naShe Jehova: Mŋoyo wako ɀawakaɀikudza, iwe ukati: Ini ndiri mŋari, ndigere pacigaro caMŋari pakati pamakuŋgwa, kunyaŋge ɀakaɗaro, uri munhu hako, hauzi Mŋari, kunyaŋge wakamisa mŋoyo wako somŋoyo waMŋari;
3
tarira, unokunda Danieri pakucenjera kwako, hakune‐cakaʋanzika causiŋgaziʋi iwe;
4
wakaɀiwanira fuma noʋucenjeri bgako ʋuye nokuziʋa kwako, ukaɀiwanira ndarama nesirveri muɀiʋigiro ɀefuma yako;
5
wakawedzera fuma yako noʋucenjeri bgako ʋukuru ʋuye nokushambadzira kwako, mŋoyo wako ukaɀikudza nokuɗa kwefuma yako;
6
naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀawakamisa mŋoyo wako somŋoyo waMŋari,
7
naiɀoɀo tarira, ndinoʋuyisa ʋatorwa pamsoro pako, iʋo ʋanotyisa pakati pamarudzi ose; ʋacavomorera kunaka kwoʋucenjeri bgako minondo yaʋo, ʋacaȿiɓisa kubginya kwako.
8
Ʋacakuɓurusira kugomba; ucafa norufu rwaʋanoʋurawa mumŋoyo wamakuŋgwa.
9
Ko uŋgazoreʋa pamberi pounokuʋuraya, uciti: Ndiri Mŋari? Asi uri munhu, hauzi Mŋari, muruʋoko rwaiye unokukuʋadza.
10
Ucafa norufu rwousina‐kudziŋgiswa namaʋoko aʋatorwa; nokuti ndini ndakataura iɀoɀo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
11
Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:
12
Mŋanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro, uti kwaari: Ɀanzi naShe Jehova: Iwe wokuisa cisimbiso cako paciyero, uzere noʋucenjeri, wakakwana pakunaka.
13
Wakaŋga uri paEdeni, mumunda waMŋari; wakaŋga wakafukidzwa namabge anokosha amarudzi ose, anoti, sardio netopasi nedaimani neberiri, neoniksi nejaspiri nesafiri nesmaragdino nekarbunkuri; ŋgoma dzako nenyere dzako dzakaŋga dzakaitwa nendarama mukati mako, ɀakagadzirwa nezuʋa rokusikwa kwako.
14
Iwe wakaŋga uri kerubi rakazodzwa, raifukidzira areka, ndikakugadza ukaʋa pamsoro pegomo dɀene raMŋari; waifamba‐famba pakati pamabge omŋoto.
15
Wakaŋga wakakwana panzira dzako kubva pazuʋa rokusikwa kwako, kuȿikira kusarurama kwakawanikwa mukati mako.
16
Nokuwanda kwokushambadzira kwako ʋakazadza mukati mako nokuita nesimba, ukatadza; naiɀoɀo ndakakudziŋga pagomo raMŋari ndiciti uri cinhu cinomhurwa, ndikakuparadza, iwe kerubi raifukidzira areka, ndikakubvisa pakati pamabge omŋoto.
17
Mŋoyo wako wakaɀikudza nokuɗa kwokunaka kwako; wakaʋodza ʋucenjeri bgako nokuɗa kwokubginya kwako; ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti ʋakuʋone.
18
Nokuwanda kweɀakaipa ɀako, nokusarurama kwokushambadzira kwako, wakamhura nɀimbo dzako tȿene; naiɀoɀo ndakaɓuɗisa mŋoto mukati mako; wakakupedza, ndikakushandura ukaʋa maɗota panyika pamberi paʋose ʋanokuʋona.
19
Ʋose, ʋanokuziʋa pakati pamarudzi aʋanhu, ʋacashamiswa pamsoro pako; waʋa cinhu cinotyisa, hauŋgazoʋi cinhu nokusiŋgaperi.
20
Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:
21
Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kurutiʋi rweSidoni, uprofite pamsoro paro,
22
uti: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, iwe Sidoni; ndicakudzwa mukati mako; ʋanhu ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, neŋguʋa yandinoita mukati maro iɀo ɀandakatoŋga, ndiciitwa mutȿene mukati maro.
23
Nokuti ndicatuma hosha yakaipa mukati maro, neropa munzira dzaro; ʋakakuʋadzwa ʋacawira pasi mukati maro, kana munondo uciʋuya pamsoro paro kumatiʋi ose; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
24
Hapacazoʋi norukato runoɓaya imba yaIsraeri, kana munzwa unokuʋadza pakati paʋaiʋakomberedza, ʋaiʋashoʋora; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Ishe Jehova.
25
Ɀanzi naShe Jehova: Neŋguʋa yandineŋge ndaʋuŋganidza imba yaIsraeri kumarudzi aʋanhu kwaʋakaŋga ʋakaparadzirwa, ndikaitwa mutȿene pakati paʋo pamberi pamarudzi, neŋguʋa iyo ʋacagara munyika yaʋo yandakapa muranda waŋgu Jakobo.
26
Ʋacagara’mo ʋakaceŋgetwa; ɀirokwaɀo, ʋacaʋaka dzimba, nokusima minda yemizambiriŋga, ʋacagara ʋakaceŋgetwa, kana ndaita ɀandakatoŋga pamsoro paʋose ʋakaʋapoteredza ʋanoʋashoʋora; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova Mŋari waʋo.
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48