bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezekiel 19
Ezekiel 19
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 20 →
1
Ɀino iwe, imba mariro pamsoro pamacinda aIsraeri,
2
Uti: Mai ʋako ʋaiʋa aniko? Ʋaiʋa shumbakadzi, yaiʋata pakati peshumba, icirera ʋana ʋayo pakati peshumba ɗuku.
3
Ɀino yakarera mumŋe mŋana wayo, ikaʋa shumba ɗuku, ikadzidza kuɓata ɀaiŋgaʋuraya, ikapedza ʋanhu.
4
Marudzi aʋanhu akainzwa ʋo ikaɓatwa muhuzha yaʋo, ʋakaiisa kunyika yeEgipita neɀikokoʋono.
5
Ɀino yakati iciʋona kuti yanyeŋgerwa, kuti tariro yanyaŋgarika, ikatora ɀe mumŋe mŋana wayo, ikaiita shumba ɗuku.
6
Iyo ikafambafamba pakati peshumba; ikaʋa shumba ɗuku, ikadzidza kuɓata ɀaiŋgaʋuraya, ikapedza ʋanhu.
7
Ikaziʋa dzimba dzaʋo dzoʋushe, ikaparadza maguta aʋo; nyika neɀose ɀayo ikaʋa ɗoŋgo, nokuɗa kwokuʋomba kwayo.
8
Ipapo marudzi aʋanhu ʋenyika dzakapoteredza akarwa nayo, ʋakakandira mumbure waʋo pamsoro payo, ikaɓatwa muhuzha yaʋo.
9
Ʋakaiisa mucirugu cineɀikokoʋono, ʋakandoiisa kunamambo weBabironi; ʋakaiisa munhare, kuti inzwi rayo rirege kuzonzwika pamakomo aIsraeri.
10
Mai ʋako ʋakaŋga ʋakaita somuzambiriŋga, paŋguʋa yokuzorora kwako, wakaŋga wakasimŋa pamvura; wakaɓereka ɀakanaka, unamataʋi mazhinji, nokuɗa kwemvura zhinji.
11
Ukaʋa namatanda makobvu okuita tȿimbo dzaʋaiɓata ʋushe, musoro wawo ukakwirira kumsoro pakati pamataʋi makobvu, ukaʋonekwa kumsoro‐soro pamŋe cete namashizha awo mazhinji.
12
Asi wakadzurwa nehasha, ukakandirwa pasi, mhepo inobva mabvazuʋa ikawomesa micero yawo, matanda awo makobvu akavuniwa, ndokuwoma, mŋoto ukaapedza.
13
Ɀino wasimŋa murenje, munyika yakawoma inenyota.
14
Mŋoto waɓuɗa paɗandaramataʋiawo, ukapedza micero yawo, hapacineɗanda rinesimba riŋgaita tȿimbo yokuɓata ʋushe. Awa ndiwo mariro, ʋuye acazoʋa mariro.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48