bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 1
2 Kings 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 2 →
1
Mushure morufu rwaAhabhu, Moabhu yakapandukira Isiraeri.
2
Zvino Ahaziya akadonha pamba yake yepamusoro muSamaria napaiva namapango akarukaniswa akaitwa zvokupiyaniswa akabva arwara, nezvo akatuma nhume akadziti, “Endai mundibvunzirewo kuna Bhaarizebhubhu mwari weEkironi ndizive kuti ndichapora here paurwere uhu.”
3
Asi mutumwa waTenzi akati kuna Eriya wokuTishibhi, “Simuka ukwidze kundosangana nenhume dzamambo weSamaria uti kwavari, ‘Zvareva kuti muIsiraeri hamusisina Mwari here zvomoenda kundobvunzira kuna Bhaarizebhubhu mwari weEkironi?’
4
Saka naizvozvo zvanzi naTenzi, ‘Hausi kuzoburuka pamubhedha pacho pawava uchatofa chete.’ ” Eriya ndokuenda zvake.
5
Nhume dzakadzokera kuna mambo, iye ndokuti kwadziri, “Ko madzokerei?”
6
Ivo vakati kwaari, “Kwauya mumwe murume asangana nesu akatiti, ‘Dzokerai kuna mambo akutumai mumuti,’ zvanzi naTenzi, ‘Zvareva kuti muIsiraeri hamusisina Mwari here zvomoenda kundobvunzira kuna Bhaarizebhubhu mwari weEkironi? Naizvozvo hausi kuzoburuka pamubhedha pacho pawava, unotofa chete.’ ”
7
Iye akavati, “Ko anga ari murume akaita sei asangana nemi akakutaurirai izvozvi?”
8
Ivo vakamupindura vachiti, “Anga akapfeka nguo dzine mvere nebhande reganda muchiuno.” Mambo ndokuti, “NdiEriya chete wokuTishibhi.”
9
Mambo akabva atuma kwaari mutungamiriri wechikwata chamakumi mashanu avarwi aine varwi vake vacho makumi mashanu. Akakwira kuna Eriya akanga agere pamusoro pechikomo akati kwaari, “Iwe munhu waMwari mambo ati, ‘Buruka apo.’ ”
10
Asi Eriya akapindura mutungamiri uyu wechikwata chamakumi mashanu avarwi achiti, “Kana ini ndiri munhu waMwari moto ngautozomoke kudenga uparadze iyewe namakumi mashanu ako.” Moto ndokutozomoka kudenga ndokumuroromesa iye namakumi mashanu ake.
11
Mambo akatumazve kwaari mumwe mutungamiriri wechikwata chamakumi mashanu avarwi aine varwiwo vake vacho makumi mashanu. Uyu akandomutaurira achiti, “Iwe munhu waMwari iwe, zvanzi namambo, ‘Buruka nokukurumidza.’ ”
12
Asi Eriya akavapindura achiti, “Kana ini ndiri munhu waMwari, moto ngautozomoke kudenga uparadze iyewe namakumi mashanu ako.” Moto waMwari wakatozomoka kudenga ndokumuroromesa iye namakumi mashanu ake.
13
Mambo akatuma zvakare kwaari mumwe mutungamiriri wechitatu namakumi akewo mashanu. Mutungamiriri wechitatu uyu wechikwata chamamwewo makumi mashanu akakwira akasvikopfugama mberi kwaEriya akamuteterera achiti kwaari, “Ndapota munhu waMwari, ndiri kukumbirawo kuti mubatewo upenyu hwangu noupenyu hwavaranda venyu ava makumi mashanu sechinhu chine maturo kwamuri.
14
Hezvi moto wakatozomoka kudenga ukaroromesa vatungamiriri vaye vaviri vezvikwata zvavarwi zvaiva makumi mashanu makumi mashanu pamwechete navanhu vavo, zvino ingobataiwo waro upenyu hwangu sechinhu china maturo kwamuri.”
15
Mutumwa waTenzi ndokubva ati kuna Eriya, “Dzika zvako naye, usamutye.” Saizvozvo akasimuka akadzika naye kuna mambo
16
akati kuna mambo, “Zvanzi naTenzi, ‘Wakatumaka iwe nhume kundobvunzira kuna Bhaarizebhubhu mwari weEkironi, zvinoreva here kuti muIsiraeri muno hamusisina Mwari wokunzwa kuti anoti kudii nazvo? Naizvozvo hausi kuzoburuka pamubhedha pacho pawava, uchatopafa chete.’ ”
17
Saizvozvo akafa sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo waEriya, munun'una wake Jehoramu ndiye akava mambo panzvimbo pake sezvo Ahaziya uyu akanga asina mwana mukomana. Izvozvo makanga muri mugore rechipiri rokutongawo kwaJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo wokwaJudha.
18
Inga dzimwe nyaya dzezvaAhaziya dzezvaakaita dzakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo raMadzimambo okwaIsiraeri.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25