bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 13
2 Kings 13
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 14 →
1
Mugore regumi nechitatu rokutonga kwaJoashi mwanakomana waAhaziya mambo wokwaJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu akatangisa kutonga kwaIsiraeri kuSamaria. Akatonga kwegumi ramakore rina makore manomwe.
2
Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi akatevedzera zvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza, haana kusiyana nazvo.
3
Tenzi akavirukira Isiraeri nehasha akaramba ovaisa mumaoko aHazaeri mambo weSiria nomumaoko aBhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri.
4
Jehoahazi akateterera kukumbira kuna Tenzi, Tenzi akamunzwa nokuonawo kubatwa zvakaipa kwaiitwa vaIsiraeri namambo weSiria.
5
Naizvozvo Tenzi akapa Isiraeri mununuri zvokuti vakapunyuka mumaoko avaSiria, vanhu vokwaIsiraeri vakagara mumisha yavo samazuva ose.
6
Zvakadaro zvazvo havana kusiyana nezvitadzo zvemba yaJerobhoamu zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza, akatozvitevedzera uyewo chifananidzo chokunamata Ashera chakaramba chiri muSamaria.
7
Chakanga chavepo ndechokuti Jehoahazi akanga angosara namakumi mashanu avachairi vemabhiza nengoro dzehondo gumi nezviuru gumi zvavarwi vetsoka nokuti mambo weSiria akanga avaparadza avawotesa seguruva repaburiro.
8
Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoahazi nezvose zvaakaita nougamba hwake, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzemadzimambo okwaIsiraeri.
9
Jehoahazi akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Joashi mwanakomana wake ndiye akazotonga.
10
Mugore ramakumi matatu ane rechinomwe rokutonga kwaJoashi mambo wokwaJudha, Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatanga kutonga Isiraeri muSamaria. Akatonga kwamakore gumi namatanhatu.
11
Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi haana kusiyana nezvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza achitozvitevedzera zvake.
12
Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoashi nezvose zvaakaita nougamba hwake pakurwa naAmaziya mambo wokwaJudha, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri.
13
Jehoashi akazovata oendawo kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ake. Jerobhoamu ndiye akazogara pachigaro chake choumambo. Joashi akavigwa muSamaria pamwechete namadzimambo okwaIsiraeri.
14
Erisha paakawirwa nedenda raizomutora, Joashi mambo weIsiraeri akadzikako kwaari akasvikochema paari achiti, “Baba vangu! Baba vangu kani! Ngoro dzamabhiza dzehondo dzeIsiraeri navachairi vadzo!”
15
Erisha akati kwaari, “Torai uta nemiseve,” iye ndokutorawo uta nemuseve.
16
Akati kuna mambo wokwaIsiraeri, “Torai uta hwenyu mutatamure.” Akahutatamura. Erisha ndokuisa maoko ake pamusoro pamaoko amambo
17
akati, “Chizarurai hwindo rokumabvazuva.” Iye akarizarura. Erisha ndokuti, “Chipfurai.” Iye ndokupfuura. Erisha akabva ati, “Museve waTenzi wokununura, museve wokununura kuvaSiria! Ndinodaro nokuti mucharwisa vaSiria muAfeki kusvikira mavaparadza.”
18
Erisha akati, “Torai miseve iyi.” Iye akaitora. Akati kuna mambo wokwaIsiraeri, “Rovai pasi nayo.” Iye akarova pasi nayo katatu ndokubva arega.
19
Munhu waTenzi akamushatirirwa akati, “Mungadai matoparova kashanu kana katanhatu kese. Ndopamaizokwanisa kurova Siria kusvikira maiparadza. Asi zvino muchangorova Siria katatu chete.”
20
Erisha akafa zvake vakamuviga. Zvikwata zvokupamba zvevaMoabhu zvaipota zvichiuya munyika umu mumwaka wepfumvunza.
21
Zvino kwakati mumwe murume achindovigwa ndokuona hecho chikwata chokupamba. Vakangokanda murume uyu muguva raErisha akaenda akaguma mapfupa aErisha akabva amuka ndokumira chaizvo namakumbo ake.
22
Hazaeri mambo weSiria akabata zvakaipa vokwaIsiraeri mazuva ose oupenyu hwaJehoahazi.
23
Asi Tenzi akavaitira mwoyochena akavanzwira tsitsi akavacheuka pamusana pechitenderano chake chaakaita naAbhurahamu naIsaki naJakobho akarega kuvaparadza kunyange nazvino wese haana kumbovarasa paari iye.
24
Pakafa Hazaeri mambo weSiria, mwanakomana wake Bhenihadhadhi ndiye akatonga panzvimbo pake.
25
Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorera pakare Bhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri maguta akanga atorerwa baba vake Jehoahazi muhondo. Jehoashi akamukurira rutatu akabva adzosa maguta eIsiraeri.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25