bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 7
2 Kings 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 8 →
1
Asi Erisha akati, “Inzwai zvinotaurwa naTenzi; zvanzi naTenzi, mangwana nenguva idzo dzino idzi, upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu matatu huchazenge hwava kutengeswa mari imwechete yesirivha uyewo bhari inorema makirogiramu matanhatu yotengeswa mariwo imwechete yesirivha kusuo guru reSamaria.”
2
Mukuru mukuru aiva wepedyopedyo kwazvo namambo akati kumunhu waMwari, “Kunyange iye Tenzi, kuri kuti aita mahwindo mudenga umu ndopazvingaitike izvozvo here?” Asi Erisha akati, “Iyewe uchatozviona nameso ako aya asi hausi kuzombozvidya.”
3
Izvozvo kwaiva navamwe varume vana vakanga vaina maperembudzi vaigara kwokunge toda kupinda pasuo guru riya. Vakataurirana vachiti, “Tadirei kuti tisvike pakufa takangoti pwasha kugara pano apa.
4
Kana tikati tipinde zvedu muguta, nzara iri kubaya muguta umu, tingafire imomo. Kana tikati zunye kugara pano tinopafazve. Saka iye zvino uyai tiyambukire kumatendhe evaSiria uku. Kana vakatirega tiri vapenyu tatorarama, asi kana vakatiuraya tafawoka zvedu.”
5
Vakabva vasimuka rubvunzavaeni voenda kumatendhe avaSiria. Kuzoti vasvika kwaitangira matendhe evaSiria aya wanei pakati n'ono pasina nomunhu wose.
6
Chakadariso ndechokuti Tenzi akanga aita kuti hondo inzwe maungira engoro dzehondo neemabhiza namaungira ehondo huru kwazvo zvokuti vakataurirana vachiti, “Zvamunoonaka mambo wokwaIsiraeri akandotenga madzimambo evaHiti nemadzimambo evaIjipiti kuti vatirwise.”
7
Ipapo rubvunzavaeni irworwo vakati ware kutiza vachisiya matendhe avo namabhiza avo namadhongi avo vakasiya pamatendhe pavo pakangodaro vakatiza kuponesa upenyu hwavo.
8
Pakasvika vana maperembudzi ava kwaitangira matendhe aya vakapinda mutendhe rimwe vakadya vakanwa vakabva vatora sirivha nendarama nehanzu vakandozviviga. Vakadzoka vakapinda mune rimwe tendhe ndokutakuramo zvimwe zvinhu vakandozviviga.
9
Vakazotaurirana vachiti, “Zvatiri kuita izvi hazvina kunaka. Nhasi izuva redama rakanaka. Kana tikaramba takanyarara kusvikira mangwanani kwaedza tingazorangwa. Saka naizvozvo ngatichibvai taenda kundotaurira vokumuzinda kwamambo.”
10
Vakabva vaenda vakasvikodaidza vachengetedzi vapasuo guru repaguta iri. Vakavati, “Isu tasvika pamatendhe evaSiria. Mufungeka hapana nomunhu wose wataonapo kana kunzwa zvako kana chii zvacho asi kutoti mabhiza akasungwa namadhongi akasungirirwa namatendhe akangodaro sezvaaingova.”
11
Vachengetedzi vepasuo guru ava vakashevedzera zvikabva zvasvitswa mukati kune vomumuzinda wamambo.
12
Mambo uyu akamuka usiku ihwohwo akati kumakurukota ake, “Chiregai ndikutaurirei zvarongwa kuitwa navaSiria ava kwatiri. Chavari kutoziva zvavo izvozvi ndechokuti isu tabayiwa nenzara. Ndokusaka vabva pamatendhe avo vandohwanda kunze vachiti panongoti vaIsiraeri budei muguta isu tinobva tavabata vari vapenyu topinda zvedu muguta umu.”
13
Rimwe gurukota rake rakati, “Regai vamwe varume vatore mabhiza mashanu pane aye akasiyiwa sezvo muri kutoonaka kuti ava vakasara muno ava vachangoitawo segungano rose reIsiraeri ratodai kupera kutsakatika. Ngativatume tione.”
14
Saizvozvo vakatora varume vaviri vachairi vengoro dzehondo dzemabhiza, mambo akavatuma kuti varonde hondo yevaSiria achiti, “Endai mundoona.”
15
Vakavaronda kudzamara kuna Jorodhani uko, onei mugwara macho mose makati mwarara nehanzu midziyo zvairaswa navaSiria pavakanga voita zvechimbichimbi. Nhume idzi dzakadzoka dzikazvisvitsa kuna mambo.
16
Vanhu vakabuda vakandopamba zvinhu pamatendhe evaSiria. Nokudaro makirogiramu matatu oupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa akabva ava kutengeswa nemari imwechete yesirivha uye makirogiramu matanhatu ebhari ava kutengeswa nemari imwechete yesirivha sezvakanga zvarehwa naTenzi.
17
Izvozvo mambo akanga asarudza mukuru mukuru uya wokuva pedyopedyo kwazvo naye kuti ave ndiye wokuchengeta pasuo guru. Zvino vanhu vakamutsikirira pasi pasuo guru pacho zvokuti akabva afa sokutaura kwakanga kwaita munhu waMwari uya paya pakasvika mambo kwaari.
18
Sezvo munhu waMwari paakanga ati kuna mambo, “Makirogiramu matanhatu ebhari achazenge ava kutengeswa mari imwechete yesirivha, uye makirogiramu matatu oupfu kwekoroni hwakanyatsokuyiwa achazenge otengeswawo mangwana nguva ino iyi mari imwechete yesirivha kusuo guru reSamaria,”
19
mukuru mukuru iyeyu akapindura munhu waMwari uya achiti, “Kunyange zvazvo iye Tenzi kuri kuti aita mahwindo mudenga umu, zvakadaro ndopazvingaitike here izvozvo?” Iye akanga amuti, “Iyewe uchatozviona nameso ako, asi hausi kuzombozvidya.”
20
Izvozvi ndizvo zvakazoitika kwaari, vanhu vakabvawo vamutsikirira pasi pasuo guru pacho akafa.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25