bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 18
2 Kings 18
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 19 →
1
Mugore rechitatu rokutonga kwaHoshea mwanakomana waEra mambo wokwaIsiraeri, Hezekiya mwanakomana waAhazi mambo wokwaJudha akatangisa kutonga.
2
Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakumi maviri amakore ana makore mapfumbamwe ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Abhi mukunda waZekariya.
3
Akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwa naDhavhidhi tateguru wake.
4
Akabvisa nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akapwanya zvifananidzo zvokunamata akatemera pasi zvifananidzo zvaAshera. Akadimura-dimura nyoka yendarira iya yakanga yaumbwa naMosesi nokuti pamazuva iwayo vaIsiraeri vakanga vava kuipisira rusenzi semupiro ichinzi Nehushitani.
5
Hezekiya aivimba naTenzi, Mwari weIsiraeri zvokuti hapana angamboenzaniswa naye pakati pamadzimambo ose okwaJudha vakatevera mushure make kana pane vakamutangira.
6
Akaramba akati kwati naTenzi asingatsauki pakumutevera achichengeta mitemo yaTenzi yaakatemera Mosesi kuti ichengetwe.
7
Tenzi aiva naye, kwose zvako kwaaienda aibudirira. Akaramba zvokutongwa namambo weAsiria akarega kumushandira.
8
Akauraya vaFirisitia kusvikira kuGaza nedunhu rayo kubvira panharire kusvikira muguta rine rusvingo.
9
Zvakazoitika kuti mugore rechina rokutonga kwamambo Hezekiya ipapo makanga muri mugore rechinomwe rokutonga kwaHoshea mambo wokwaIsiraeri mwanakomana waEra, Sharumanesa mambo weAsiria akauya kuzorwisa Samaria ndokurikomba.
10
Kurikurira akazorikurira pakupera kwegore rechitatu muri mugore rechitanhatu rokutonga kwaHezekiya izvozvowo muri mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaHoshea mambo wokwaIsiraeri, ndopakakurirwa Samaria ipapo.
11
Mambo weAsiria akatapa vaIsiraeri akaenda navo kuAsiria. Akandovagarisa kuHara nomuna Habhori rwizi rwokuGozani nomumaguta evaMidhi
12
nokuti havana kuteerera zvakanga zvataurwa naTenzi, Mwari wavo, vakatyora chitenderano chake, kunyange zvose zvavakaudzwa naMosesi muranda waTenzi, havana kumbozviteerera kana kuzviita.
13
Mugore regumi nechina rokutonga kwamambo Hezekiya, Senakeribhu mambo weAsiria akauya kuzorwisa maguta ose okwaJudha akanga akavakirirwa netsvingo akaakurira.
14
Hezekiya mambo wokwaJudha akatuma nhume kuna mambo weAsiria kuRakishi achiti, “Ndakatadza. Dai mukachitisiya muende zvenyu. Chamunenge mati ndiite ndinoita.” Mambo weAsiria akapa Hezekiya mambo wokwaJudha mutoro wokubvisa mari yesirivha inorema gumi rezviuru zvamakirogiramu nendarama inorema makirogiramu chiuru.
15
Hezekiya akamupa sirivha yose yaiva mumba yaTenzi nomudzimba dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda wamambo.
16
Panguva iyoyo Hezekiya akakwatanura ndarama yaiva pamagonhi eTemberi yaTenzi napamagwatidziro yaakanga anamirapo, akaipa kuna mambo weAsiria.
17
Mambo weAsiria akatumira mutungamiriri mukuru wehondo yake nerimwe jinda rake guru nomutariri mukuru wezvomumuzinda make vaine hondo huru kwazvo kuna mambo Hezekiya kuJerusaremu kubva kuRakishi. Vakakwira vakasvika kuJerusaremu. Pavakasvika vakasvikomira kumugero wemvura wedziva rokumusoro pamugwagwa mukuru wokunhandare yomusuki wamachira.
18
Pavaidaidza mambo, kwakabuda Eriakimu mwanakomana waHirikiya aiva mukuru mukuru womumuzinda nasamunyori mukuru Shebhuna nomunyori Joa mwanakomana waAsafu.
19
Mutariri mukuru wezvomumuzinda uya akati kwavari, “Itii kuna Hezekiya, zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, ‘Unovimba neiko?’
20
Unofunga kuti kutaura pamuromo apa ndiko kuronga hondo here ikoko kana kuti simba rokurwa hondo iroro? Ndiani wawava kuinzva naye zvawava kutondipandukira kudai?
21
Zvino chinzwa, uri kuvimba norutsanga zvarwo rwakatyoka, Ijipiti, runobaya muchanza munhu anenge ada kuti agamwe narwo. Ndozvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.
22
“Asi kana zvako ukati kwandiri, ‘Tinovimba naTenzi, Mwari wedu,’ haasi ndiye here ane nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira neatari dzacho dzakabviswa naHezekiya achitaurira Judha neJerusaremu kuti, ‘Munofanira kunamata muri paatari iyi muJerusaremu umu.’
23
Mupikirane natenzi wangu mambo weAsiria, ndikupeka mabhiza zviuru zviviri. Pakopo ungaawanirewo vachayiri here iwe?
24
Kunyange akava mukuru mukuru wehondo pakati pamakurukota okupedzisira chaiwo atenzi wangu ungabva wafemera kumumhanyisawo here iwe, iwe uchidaro kutovimba neIjipiti kuti utowanawo ngoro dzehondo navachairi.
25
Uyewo kuuya kwandaita kuzorwisa ndichiparadza nzvimbo ino, ndangouyawo here zvisina Tenzi mukati? Tenzi ndiye akanditi, ‘Vinga nyika iyoyi uiparadze.’ ”
26
Eriakimu mwanakomana waHirikiya naShebhuna naJoa vakati kumutariri wezvomumuzinda wacho, “Dai mukataura zvenyu kwatiri isu varanda venyu nechiSiria nokuti tinochinzwa. Murege zvenyu kutaura nesu nechiJudha vanhu vari parusvingo apo vachinzwa.”
27
Asi mutariri mukuru wezvomumuzinda uyu akavati, “Munoti tenzi wangu andituma kuzotaura izvozvi kuna tenzi wenyu nokwamuri nhai ndichirega kutaurirawo varume vagere parusvingo apo vapinda nyatwa pamwechete nemi yokudya ndove yavo nemvura yavo.”
28
Mutariri mukuru wezvomumuzinda ndopaakasimuka kwazvo odaidzira chaizvo muchiJudha achiti, “Tererai munzwe shoko ramambo mukuru, mambo weAsiria.
29
Zvanzi namambo, regai kunyengedzwa naHezekiya nokuti haakwanise kukununurai mumaoko angu.
30
Musarege Hezekiya achikutii muvimbe naTenzi achiti Tenzi anonyatsokununurai uye kuti guta rino harimboiswa mumaoko avaAsiria.
31
“Musateerere Hezekia nokuti zvanzi namambo weAsiria ngatinzwananei ubude kuno kwandiri. Mukadaro mumwe nomumwe achadya muchero womugirepisi wake, munhu wose achidya michero yomuonde wake; munhu wose uchinwa mvura yomutsime rake,
32
kusvikira ndauya kuzokutorai ndoenda nemi kunyika yakangoita senyika yenyu iyi. “Nyika yembesanwa newaini nyika yechingwa nemigirepisi nyika yemiti yemuorivhi nouchi kuitira kuti murarame murege kufa. Musateerere Hezekiya achikufurirai achiti, ‘Tenzi achatinunura.’
33
Pamarudzi ose pana mwari here ati ambonunura nyika yake mumaoko amambo weAsiria? ‘Ko vamwari vokuHamati nokuAripadhi varipi?’
34
Ko vamwari vokuSefarivhaimu novokuHena nokuIvha varipiko? Vakanunura Samaria mumaoko angu here?
35
Pakati pavamwari vose venyika idzodzo ndivanaani vakanunura nyika dzavo mumaoko angu zvingazonzi Tenzi achanunura Jerusaremu mumaoko angu?”
36
Asi vanhu vakati mwiro kunyarara vakarega nokumupindura kwose nokuti chirevo chamambo chaiti, “Regai kumupindura.”
37
Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikiya aiva mukuru mukuru womumuzinda naShebhuna samunyori mukuru nomunyori Joa mwanakomana waAsafu vakaenda kuna Hezekiya hanzu vabvarura. Vakamusvitsa zvakanga zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25