bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 17
2 Kings 17
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 18 →
1
Mugore regumi nechipiri rokutonga kwaAhazi mambo wokwaJudha, Hoshea mwanakomana waEra akatanga kutonga kwaIsiraeri ari muSamaria, akatonga kwamakore mapfumbamwe.
2
Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi zvisina kubva zvaita zvazvo sezvemadzimambo okwaIsiraeri akamutangira.
3
Kwakauya Sharumanesa mambo weAsiria kuzomurwisa. Hoshea akabva ava kutongwa naye achitera mutero.
4
Asi mambo weAsiria akazozviziva kuti Hoshea apanduka pamusana pokuti Hoshea akanga atumira nhume kuna So mambo weIjipiti uyewo akanga asina kubvisa mutero waaisibvisa kuna mambo weAsiria gore negore. Naizvozvo mambo weAsiria akamuzaririra mujeri akamusunga imomo.
5
Mambo weAsiria akauya kuzorwisa nyika iyi yose. Akasvika muSamaria, akakomba Samaria kwamakore matatu.
6
Mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaHoshea, mambo weAsiria akakurira Samaria akatapa vaIsiraeri akaenda navo kuAsiria. Akandovagarisa kuHara nomuna Habhori rwizi rwokuGozani nomumaguta avaMidhi.
7
Izvi zvakaitika pamusana pokuti vaIsiraeri vakanga vatadzira Tenzi, Mwari wavo nyakuvaburitsa kunyika yeIjipiti kwavaitongwa vari mumaoko aFarao mambo weIjipiti vakangawo voremekedza vamwe vamwari
8
votevedzera tsika dzemarudzi aya akadzingirwa vanhu vechiIsiraeri naTenzi notutsika twakanga twaunzwa namadzimambo okwaIsiraeri.
9
Vanhu vokwaIsiraeri vaiitira Tenzi Mwari wavo zvinhu zvisina kururama muchivande. Vaizvivakira nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira mumaguta avo ose kubvira kunharire kusvika kumaguta aiva namasvingo.
10
Vaizvimisira zvifananidzo zvokunamata nezvimwe zvifananidzo zviAshera pazvikomo zvose zvirefu napasi pomuti wose munyoro.
11
Munzvimbo idzodzi ndomavaipisira rusenzi sezvaingoita marudzi avakabvisirwa naTenzi. Vakaita zvakaipa kwazvo zvakavirutsa Tenzi nehasha.
12
Vakanamata zvifananidzo zvavakanga vanzi naTenzi musaite izvozvo.
13
Asi Tenzi akanga achiyambira vokwaIsiraeri nevokwaJudha nomuromo wavaporofita navaoni achiti, “Tendeukai musiye nzira dzenyu dzakaipa muchengete mitemo yangu nemirao yangu maererano nemirao yose yandakapa madzibaba enyu yandakakutumirai nokuvaporofita varanda vangu.”
14
Asi havana kuteerera, vakaramba vari ndambakuudzwa samadzibaba avo vasingavimbi naTenzi, Mwari wavo.
15
Vakashora mirao yake nechitenderano chaakaita namadzibaba avo nokuyambira kwese kwaaivaita. Vakateveredzana nezvifananidzo zvokunamata zvisina namaturo ese ivo vakabva vava vanhu vasina namaturo ese. Vakateverana namarudzi akanga akavapoteredza avakanga vanzi naTenzi musaatevedzere.
16
Vakakanda pasi mitemo yose yaTenzi Mwari wavo vakazviumbira noutare hwakanyungurutswa zvifananidzo zvokunamata zvezvimhuru zviviri. Vakagadzirawo chifananidzo chokunamata chinonzi Ashera vakanamata gurusvusvu rezvinhu zvomudenga, vakanamatawo Bhaari.
17
Vakapisa vana vavo vakomana navasikana sechibayiro. Vaishopera vachiromba mishonga vakazvipinza chaizvo mukuita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, vachimuvirutsa nehasha.
18
Naizvozvo Tenzi akashatirirwa kwazvo vokwaIsiraeri, akavabvisa pameso pake. Hapana vakasara kunze kwevedzinza rokwaJudha chete.
19
VokwaJudhawo havana kuchengeta mitemo yaTenzi, Mwari wavo vakatevedzawo tutsika twakanga twaunzwa nevokwaIsiraeri.
20
Tenzi akaramba zvizvarwa zvose zvokwaIsiraeri akavarwadzisa akavaisa mumaoko avapambi kusvikira avarasira kure nemeso ake.
21
Paakamwaura vokwaIsiraeri achivabvisa kune vemba yaDhavhidhi ivo vakagadza Jerobhoamu mwanakomana waNebhati paumambo. Jerobhoamu akatinhira vaIsiraeri kure naTenzi akavapinza muchitadzo chikuru kwazvo.
22
Vanhu vokwaIsiraeri vakatevedzawo zvitadzo zvose zvakaitwa naJerobhoamu. Havana kusiyana nazvo
23
kusvikira Tenzi abvisa vokwaIsiraeri pameso pake sokutaura kwaakanga aita nomuromo wavaranda vake vaporofita. Saizvozvo vokwaIsiraeri vakatapwa munyika mavo vakaendwa navo kuAsiria kusvikira pari nhasi.
24
Mambo weAsiria akatuta vanhu vokuBhabhironi nokuKuta nokuAva nokuHamatisefarivhaimu akavaisa mumaguta eSamaria pachinzvimbo pevechiIsiraeri. Samaria vakaiita yavo vakagara mumaguta ayo.
25
Pavakatanga kugarako havana kunge vachitya Tenzi. Naizvozvo Tenzi akavatumira shumba dzikauraya vamwe vavo.
26
Ndokubva zvasvitswa kuna mambo weAsiria zvichinzi, “Marudzi amakatuta mukaendesa kumaguta eSamaria haazive mutemo wamwari wenyika iyoyo. Naizvozvo akavatumira shumba. Zvino dzava kuvauraya nokuti havazive mutemo wamwari wenyika iyoyo.”
27
Mambo weAsiria akabva ati, “Tumiraiko mumwe wavapristi vamakatapa ikoko, vaendeko vagareko vavadzidzise mutemo wamwari wenyika iyoyo.”
28
Saizvozvo mumwe wevapristi wavakanga vatapa kuSamaria akauya kuzogara muBhetieri akavadzidzisa kuti vanganamate sei Tenzi.
29
Asi marudzi ose, rudzi norudzi vakaramba vachingogadzira vamwari vavo vachivaisa mudzimba dzepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzakanga dzagadzirwa nevaSamaria mumaguta mavaigara.
30
Varume vokuBhabhironi vakagadzira mwari wavo ainzi Sukotibenoti, vokuKuti vakagadzirawo Nerigari. VokuHamati vakagadzira Ashima,
31
vaAvha vakagadzira Nibhehazi naTaritaki. VaSefarivha vaipisira vana vavo sechibayiro kuna Adhiramereki naAnamereki vamwari vomuSefarivhaimu.
32
Vainamatawo Tenzi vachizvisarudzira vapristi pakati pavo pavanhu vakasiyana-siyana vachivapa basa munzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira, vaiva ndivo vokuvapirira zvibayiro mudzimba dzepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzacho.
33
Vainamata Tenzi ukuwo vachinamata vamwari vavo maererano netsika yerudzi rwavanhu rwekwavainge vatapwa.
34
Kusvikira pari nhasi vachiri kungoita zvavaiita kare. Havanamate Tenzi uye havachengete mirao iya kana zvirongwa kana mitemo iya kana zvirevo zvaTenzi zvaakatemera vana vaJakobho vaakati zita ravo rinzi Isiraeri.
35
Tenzi akaita chitenderano navo akavati, “Musambonamata zvenyu vamwe vamwari kana kuvapfugamira kana kuvashandira kunyange kuvapira zvibayiro.
36
Asi munofanira kunamata Tenzi nyakukuburitsai munyika yeIjipiti noukuru hwake nesimba guru. Ndiye wamunofanira kunamata, ndiye wamunofanira kugwadamira nokupira zvibayiro.
37
Muchenjerere nguva dzose kuchengeta mirao nezvirongwa nemitemo nezvirevo zvaakakunyorerai. Musanamata vamwe vamwari.
38
Musakanganwe chitenderano chandakaita nemi. Musanamate vamwe vamwari.
39
Asi Tenzi, Mwari wenyu ndiye wamunofanira kunamata. Iyewo achakununurai mumaoko avavengi venyu vose.”
40
Ivo havana kuteerera, asi vakaramba vachingoita zvavaiita kare.
41
Marudzi iwaya ainamata Tenzi ukuwo vachinamata zvifananidzo zvavo zvokugadzira. Vana vavo navana vevana vavo zvaingoitwa namadzibaba avo, ndozvavari kungoita kusvikira pari nhasi.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25