bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 11
2 Kings 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 12 →
1
Amai vaAhaziya, Ataria pavakaona kuti mwanakomana wavo afa vakasimuka vakauraya vose vokumba huru.
2
Asi Jehoshebha mukunda wamambo Joramu hanzvadzi yaAhaziya akatora Joashi mwanakomana waAhaziya akamusvovesera mumba mokurara iye nomureri wake pakati pavanakomana vamambo vakange voda kuurayiwa. Ndokumuhwandisa kwaakaita kuna Ataria akabva apunyuka kuurayiwa.
3
Akava naye kwamakore matanhatu akazvihwandisa mumba yaTenzi, Ataria achitonga nyika iyi.
4
Asi kuzoti mava mugore rechinomwe Jehoyadha akatumira shoko kuvakuru vakuru vavachengetedzi vamambo Karite nevokuchengetedza muzinda. Akavati vaunzwe kwaari kumba yaTenzi. Akaita chitsidzirano navo, akavati vapike mhiko muimba yaTenzi, akabva avaratidza mwanakomana wamambo.
5
Akavaudza kuti, “Zvamuchaita ndezvizvi: pazvikwata zvenyu zviri zvitatu, chiye chinouya kuzoita basa musi weSabata china mapokawo acho matatu anoti boka rokuchengetedza muzinda,
6
neboka rokuchengetedza pasuo guru reSuru, neboka rokuchengetedza kuseri kweboka rinochengetedza pasuo guru, chikwata ichochi ndicho chichachengetedza muzinda.
7
Zvimwewo zvikwata zvenyu zviviri zvisingawanzoita basa musi weSabata zviya zvine basa rokuchengetedza imba yaTenzi vakakuta mambo
8
ndivo vachakomberedza mambo vakapakata zvombo zvavo zvehondo. Kuwana anenge angofemera kupindira pakarongana vachengetedzi ngaaurayiwe. Kwese kunenge kuchienda mambo vanofanira kunge vainaye.”
9
Vakuru vakuru ava vakaita sezvakanga zvanzi nomupristi Jehoyadha zviitwe. Mumwe nomumwe wavo akauya navanhu vake vakanga vasingafaniri kuva pabasa musi weSabata navaye vakanga vachifanira kuva pabasa musi weSabata vakauya kumupristi Jehoyadha.
10
Mupristi akapa vakuru vakuru ava mapfumo nenhoo zvaiva zvamambo Dhavhidhi zvaiva zviri mumba yaTenzi.
11
Vachengetedzi ava vakamira vakapakata zvombo zvavo zvehondo kubvira kumaodzanyemba kusvikira kuchamhembe kutenderedza atari nemba yamambo.
12
Akabva aburitsa mwanakomana wamambo akamudzika ngundu youmambo akamupa bumbiro romutemo vakazivisa kuti ndiye mambo. Vakamuzodza mafuta vakarova makwa vachiti, “Mambo! Ngazvirambe zvakadaro.”
13
Pakanzwa Ataria zhowezhowe revachengetedzi nerevanhu akaenda kuimba yaTenzi kuvanhu.
14
Paakatarisa akaona, mambo amire pedyo nomusimboti maererano netsika yaifanira kuitwa, vakuru vakuru vehondo nevokuridza mabhosvo vamire namambo, vanhu vose venyika iyi vachipembera kufara, hwamanda ichidandaura. Ataria akabvarura hanzu dzake akadaidzira achiti, “Kwapandukwa! Kwapandukwa!”
15
Mupristi Jehoyadha akaudza vakuru vakuru vaitungamirira hondo kuti, “Mubvisei mumitsetse yevachengetedzi mumuburitse, muuraye nebakatwa ani naani anenge woda kutsigirana naye.” Mupristi aiti haafanire kuurayirwa mumba yaTenzi.
16
Nokudaro vakabata vakapfuura navo pasuo ramabhiza wokupinda nawo mumuzinda wamambo vakavaurayirapo.
17
Jehoyadha akaitisa chitenderano pakati paTenzi namambo navanhu kuti vave vanhu vaTenzi uyewo pakati pamambo navanhu.
18
Vanhu vose venyika iyi vakaenda kumba yaBhaari vakaipaza, neatari dzake. Zvifananidzo zvake vakazvipaza vakauraya Matani mupristi waBhaari pamberi peatari dzacho. Vapristi vaye vakabva vaisa vachengetedzi pamba paTenzi.
19
Vakatora vakuru vakuru vehondo navachengetedzi vamambo nevokuchengetedza muzinda nevanhu vose venyika iyi ndokuunza mambo kubva kumba yaTenzi vachienda nepasuo guru revachengetedzi kusvika kumba yamambo. Akasvikogara pachigaro chake choumambo, chigaro chemadzimambo.
20
Vanhu vose venyika iyi vakapembera kufara, muguta mukava norunyararo mushure mokunge Ataria aurayiwa nebakatwa kumuzinda wamambo.
21
Joashi akatanga kutonga ava namakore manomwe.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25