bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 6
2 Kings 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 7 →
1
Chikwata chavaporofita chiya chakati kuna Erisha, “Onaika, panzvimbo pano patinogara tiri mumaoko enyu, patidupikira kwazvo.
2
Regai zvenyu tiende kuna Jorodhani mumwe nomumwe wedu atsvake bango ikoko tizvivakire pokugara ikoko.” Erisha akati, “Endai zvenyu!”
3
Mumwe wavo akabva ati, “Dai mukaendawo pamwechete nesu varanda venyu!” Erisha akapindurawo achiti, “Ndinoendawo.”
4
Nokudaro akaenda navo. Pavakasvika muna Jorodhani, vakatanga kutema miti.
5
Asi mumwe wavo achitema bango kudaro chese yedemo rake yakasvotokera mumvura. Akazhamba kuchema achiti, “Babaiwe kani! Changamire, demo iri rakatoita zvokukumbirwa.”
6
Munhu waMwari akati, “Rawira nepapi?” Paakamuratidza parakawira napo akatema chimuti akachikanda ipapo ndokuita kuti chese iya yesimbi iyangarare.
7
Erisha ndokuti, “Chiisimudza zvako.” Iye akasvitsa ruoko rwake payaiva akabva aitora.
8
Kwakati kwamuka hondo pakati pamambo weSiria nevokwaIsiraeri, mambo akarangana namakurukota ake achiti, “Kwanhingi kuya kuya ndokwandichandoti matendhe angu dzii kumisa.”
9
Asi munhu waMwari akatumira shoko kuna mambo wokwaIsiraeri rokuti, “Chenjererai kuti murege zvenyu kupfuura nokunzvimbo iyoyi nokuti vaSiria vari kutodzika ikoko.”
10
Mambo wokwaIsiraeri akatumira nhume kunzvimbo kwaakanga ataurirwa nomunhu waMwari uya. Ikoku ndokumubayira zani kwaaiita zvokuti akatozviponesa ruviri kana kuti rutatu rwese.
11
Izvozvi izvi zvakashungurudza mwoyo kwazvo mambo weSiria akadaidza makurukota ake akaati, “Hamungandiratidzewo here mumwe wedu ane rimwe namambo wokwaIsiraeri?”
12
Rimwe gurukota rake rakati, “Changamire mambo, hapana, asi kutoti Erisha muporofita womuIsiraeri ndiye anonyevera mambo wokwaIsiraeri zvamunotaura imi kunyange muri mumba menyu mokurara chaimo.”
13
Iye ndokuti, “Chiendai mundomutsvaka kwaari kuti nditume vokundomubata.” Akataurirwa kuti, “Ari kuDotani.”
14
Akabva atumirako ngoro dzehondo dzamabhiza nehondo huru yavarwi vakasvikokomberedza guta iroro nousiku.
15
Kuzoti ava mangwanani mushandi womunhu waMwari akafumomuka akabuda, onei guta rakakombwa nehondo yavarwi nengoro dzehondo dzamabhiza. Mushandi uya akati, “Tapera changamire! Todiiko?”
16
Erisha ndokuti, “Rega zvako kutya nokuti vatinavo vakawanda kupinda vavanavo.”
17
Erisha ndokunamata achiti, “Imi Tenzi ndapota pengenutsaiwo meso ake kuti aone.” Saizvozvo Tenzi akapengenutsa jaya iri meso rikabva raona. Ndiye onei gomo rakati shutu kuzara nengoro dzehondo dzamabhiza dzakakomberedza Erisha.
18
VaSiria pavakamudzikira ikoko, Erisha akanamata kuna Tenzi achiti, “Imbondiroveraiwo vanhu ava nechidzimira.” Akavarova nechidzimira maererano nomunamato waErisha.
19
Erisha akabva ati kwavari, “Iyi haisiriyo nzira yacho uye guta racho harisi rino iri. Chinditeverai zvenyu ndindokusvitsai kumurume wamuri kutsvaka.” Akaenda navo kuSamaria.
20
Vachangoti pindei muSamaria, Erisha akati, “Nhai Tenzi chipengenutsai vanhu ava meso kuti vachiona.” Tenzi ndokupengenutsa meso avo vakabva vava kuona, vakatenge vava mukati meSamaria.
21
Mambo wokwaIsiraeri achivaona akati kuna Erisha, “Ndovauraya here nhai baba? Ndovauraya here?”
22
Iye akapindura achiti, “Regai kuvauraya! Mungauraye here nhapwa dzamunenge zvenyu matapa namapakatwa enyu nouta hwenyu? Vapei zvenyu chokudya nemvura vadye, vanwe vaende zvavo kuna tenzi wavo.”
23
Ipapo akavaitira mabiko makuru kwazvo. Kuzoti vadya vanwa, akavaperekedza vakabva vadzokera kuna tenzi wavo. VaSiria ndokubvawo vapfidza kuita zvokupamba munyika yokwaIsiraeri.
24
Mushure mezvizvi Bhenihadhadhi mambo weSiria akaunganidza hondo yake akandokomba Samaria.
25
MuSamaria makaita shangwa yenzara vakarikomba kudaro zvikasvitsa pakuti musoro wedhongi zvawo utengeswe makumi masere emari yesirivha uye zimowa danga rainge richirema magiramu mazana maviri ritengeswewo mazana mashanu emari yesirivha.
26
Mambo wokwaIsiraeri akati achipfuura ari pamusoro porusvingo, mumwe mukadzi akadaidzira kwaari achiti, “Ndiyamureiwo changamire, nhai mambo!”
27
Iye akati, “Kana Tenzi akarega kutokuyamura unoti ini ndingagokuyamurawo nei? Nezvekuburiro here kana kuti zvomumudziyo unosvinirwa waini.”
28
Mambo ndokumuti, “Wanetswa nei?” Mudzimai uyu akati, “Mukadzi uyu akanditi, ‘Unza mwana wako mukomana timudye nhasi, mangwana tozodyawo mwanakomana wangu.’
29
Saizvozvo takabika mwana wangu tikamudya. Ramangwana acho ndakamuti chiunza mwana wako mukomana timudye, iye ndopaava kutohwandisa zvake wake mwana.”
30
Mambo achinzwa nyaya yomukadzi uyu akabva abvarura hanzu dzake. Izvozvo mambo ainge achipfuura napamusoro porusvingo paya. Vanhu ndokuti ji kutarisa, onei mukati, mambo akapfeka hanzu dzemasaga pamuviri pake.
31
Akati, “Mwari ngaandione asve atondiomesera zvake kana ndikasiya musoro waErisha mwanakomana waShafati uripo ndikarega kuudimura iye nhasi uno.”
32
Izvozvo Erisha ainge ari mumba make, vakuru vakuru vachitandara zvavo naye. Zvino mambo akatenge afanotuma mumwe murume akabva paaiva. Asi murume uyu asati asvikako, Erisha akafanoti kuvakuru vakuru vacho, “Muri kuona here zvarongwa nomwana womuurayi uyu, kutumira munhu kuzondidimura musoro nhai? Chinzwai, kana nhumwa yacho yasvika imi pfigai musuo, moramba makamubatira gonhi zviya zvokuti ndi chaizvo. Uyo hausiri mutsindo watenzi wake ari kumutevera here?”
33
Achiri kutaura navo kudaro nhumwa iya yakasvika kwaari ikati, “Nhamo iyi inhamo iri kuunzwa naTenzi. Ko ndichagorambirei ndakangomirira Tenzi?”
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25