bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 10
2 Kings 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 11 →
1
Ahabhu aiva navanakomana makumi manomwe kuSamaria. Jehu akanyora tsamba akadzitumira kune vokuSamaria kuvatongi veJezirieri nokuvakuru vakuru vacho nokune vaiva vokuchengeta vana ivava vaAhabhu achiti,
2
“Sezvamunongoonawo kuti vana vatenzi venyu munavo, nengoro dzehondo munadzo namabhiza uye mune maguta ane tsvingo nezvombowo zvokurwisa nazvo saka panongosvika chete tsamba iyoyi kwamuri
3
mobva matosarudza mwana watenzi wenyu murume uno chaiye akasvika mumugadze pachigaro chababa wake choumambo, mutorwira umambo hwemba yababa wenyu.”
4
Asi vakabva vabatwa nokutya kwakanyanyisa kwazvo vakati, “Onaika kuti madzimambo maviri aya akakundika kumirisana naJehu ko kutozoti isusu?”
5
Nokudaro mukuru mukuru womuzinda nomutongi weguta pamwechete navakuru vakuru vacho navachengeti vaya, vakatumira Jehu shoko rokuti, “Tiri varanda venyu zvose zvamunenge mangotiudza tinoita. Hakuna munhu watinogadza umambo kuno. Itai zvenyu zvamunoda.”
6
Iye akavanyorera tsamba yechipiri achiti, “Kana muri kudivi kwangu uye kana makagadzirira kunditeerera mochidaizvi. Bvisai vanakomana vatenzi wenyu misoro muuye kwandiri kuJezireeri mangwana panguva idzo dzino idzi.” Izvozvo vanakomana vamambo makumi manomwe vakanga vaine varume vomuguta iroro vaivarera.
7
Pakasvika tsamba iyi kwavari, vakabata vanakomana vamambo, makumi manomwe avanhu vakavauraya vakaisa misoro yavo mudzitswanda vakaitumira kuna Jehu kuJezirieri.
8
Pakasvika nhume ikamupira kuti, “Vauya nemisoro yavanakomana vamambo,” iye akati, “Iitei mirwi miviri kumberi kwesuo guru kusvikira mangwanani.”
9
Mangwanani acho akabuda akamirapo akataurira vanhu vose kuti, “Imi hamuna mhosva. Ini ndini ndakapandukira tenzi wangu ndikamuuraya. Ko akaurayawo vose ava ndiani?
10
Chizivai kuti muromo waTenzi hauwire pasi waakataura iye Tenzi nezvemba yaAhabhu nokuti Tenzi aita zvaakareva nomuromo womuranda wake Eriya.”
11
Saizvozvo Jehu akauraya vose vemba yaAhabhu vakanga vasara kuJezirieri, akaurayawo vakuru vakuru vake vose neshamwari dzake navapristi vake akasara asisina nomunhu wose.
12
Jehu akasimuka akaenda kuSamaria, ari munzira kudaro ava kuBhetiekedhi yavafudzi
13
akasangana nehama dzaAhaziya mambo wokwaJudha akati, “Ndimi vanaaniko?” Ivo vakati, “Isu tiri hama dzokwaAhaziya tauya kuzoshanyira vanakomana vamambo nevanakomana vaamai vamambo.”
14
Iye ndokuti, “Vabatei vari vapenyu kudai.” Vakavabata vari vapenyu kudaro vakavaurayira kumugodhi wokuBhetiekedhi vaiva makumi mana avanhu ana vanhu vaviri hapana waakasiya ari mupenyu.
15
Paakabva ipapo akasangana naJehonadhabhu mwanakomana waRekabhu achiuya kuzosangana naye. Jehu akamukwazisa akamuti, “Uri papi? Ini ndiri wako ini. Ko iwe uri wangu here?” Iye akati, “Ndizvozvo.” Jehu akati, “Kana zvakadaro ndibate,” iye ndokumukwazisa. Jehu akamukwidza mungoro yake yehondo
16
akati, “Handei undoona shungu dzangu naTenzi.” Vakabva vamukwidza mungoro make.
17
Kuzoti asvika kuSamaria akauraya vose vokwaAhabhu vakanga vasara muSamaria kudzamara aparadza sokutaurawo kwaTenzi nomuromo waEriya.
18
Jehu akazounganidza vanhu vose akati kwavari, “Kunamata Bhaari kwaiita Ahabhu kwaiva kushoma kuye, ini Jehu ndichamunamata zvikuru kwazvo.
19
Saka naizvozvo chindidaidziraiwo vaporofita vose vaBhaari navose vanomunamata navapristi vake vose kurege kuwana asingauyeko. Hapafanire kuva neanoshayikwapo. Ndinodaro nokuti ndine chibayiro chikuru kwazvo chokupira kuna Bhaari. Kuwana anoshayikwapo pake pamuperera.” Asi Jehu aiita izvozvo kuri kunyengedza achida zvake kuparadza vanamati vaBhaari.
20
Jehu akati, “Itirai Bhaari musangano,” vakabvawo vaukokera.
21
Jehu akatumira shoko kwaIsiraeri kwose, vanamati vaBhaari vose vakauya zvokuti hapana asina kuuya. Vakapinda mumba yaBhaari ikazara kunze nokunze.
22
Jehu akati kune aichengeta maichengeterwa magemenzi, “Buritsira magemenzi vanamati vaBhaari vose.” Saizvozvo akavaburitsira magemenzi aye.
23
Jehu akapinda mumba maBhaari aina Jehonadhabhu mwanakomana waRekabhu akati kuvanamati vaBhaari, “Nyatsotsvakai muone kuti hapana munamati waTenzi pakati penyu asi kuti vanamati vaBhaari voga.”
24
Vakapinda kundopira zvibayiro nemipiro yokupisa.
25
Paakangopedza chete kupira chibayiro chokupisa, Jehu akati kune vakanga vakagaririra vaye nokuvakuru vakuru, “Pindai muvauraye! Hapana anofanira kupunyuka!” Vokugaririra vaye navakuru vakuru pavakapedza kuvauraya namapakatwa, vakakanda zvitunha panze vakapinda mumba yomukati memba yaBhaari.
26
Vakaburitsa chifananidzo chokunamata chaiva mumba maBhaari vakachipisa.
27
Vakapwanya chifananidzo chaBhaari ichocho, vakapwanya imba yaBhaari vakaiita chimbuzi kusvikira pari nhasi.
28
Nokudaro Jehu zvaBhaari muIsiraeri akazviparadza kuti nho.
29
Asi Jehu haana kukanda pasi zvechitadzo chaJerobhoamu mwanakomana waNebhati chaakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo, zvezvimhuru zvendarama zvaiva kuBhetieri nokwaDhani.
30
Tenzi akati kuna Jehu, “Pamusana pokuti waita zvakanaka kumba yaAhabhu zvandinoda zvose zvanga zviri pamwoyo pangu, vana vako vakomana vechizvarwa chechina vachagara paumambo hwokwaIsiraeri.”
31
Asi Jehu haana kuchenjerera kutevedza murao waTenzi, Mwari weIsiraeri nomwoyo wose. Haana kukanda pasi zvechitadzo chaJerobhoamu chaakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo.
32
Pamazuva iwayo Tenzi akatangisa kutapudza nyika yeIsiraeri. Hazaeri akavakurira munyika yose zvayo yeIsiraeri,
33
kubvira muna Jorodhani zvichienda kumabvazuva munyika yose yeGireadhi neyokwaGadhi neyokwaRubheni neyokwaManase; kubvirawo kuguta reAroero pedyo nebani romuna Arinoni zvichireva kuti Gireadhi neBhashani.
34
Inga dzimwe nyaya dzezvaJehu nezvose zvaakaita nougamba hwake hwose zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsiraeri.
35
Jehu akazoenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake, vakamuviga muSamaria. Jehoahazi mwanakomana wake ndiye akazotonga panzvimbo pake.
36
Jehu akatonga vokwaIsiraeri ari muSamaria kwamakore makumi maviri namasere.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25