bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 3
2 Kings 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 4 →
1
Mugore regumi nechisere rokutonga kwaJehoshafati mambo wokwaJudha Jehoramu mwanakomana waAhabhu akava mambo kuSamaria. Akatonga kwamakore gumi namaviri.
2
Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, chete hazvina kunge zvakaipa sezvababa naamai vake nokuti akabvisa dombo raimiririra Bhaari rakanga rakavezwa nababa vake.
3
Asi akazongoramba ongoti kwatiwo nechitadzo chaJerobhoamu mwanakomana waNebhati chaakanga apinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo, haana kuchikanda pasi.
4
Izvozvo Mesha mambo weMoabhu aipfuya hwai. Zvino aifanira kuendesa kuna mambo wokwaIsiraeri zviuru zvinokwana zana zvehwayana newuru yaiveurwa pahondohwe zviuru zana.
5
Asi mambo weMoabhu pakangofa Ahabhu, akabva apandukira mambo wekwaIsiraeri.
6
Mambo Jehoramu akabva abuda muSamaria panguva iyoyo akaunganidza vokwaIsiraeri vose.
7
Akandotumira shoko kuna Jehoshafati mambo wokwaJudha rokuti, “Kuno uku mambo weMoabhu akandipandukira. Hamungaendewo here neni kuhondo kundorwisa Moabhu?” Iye akati, “Handei zvedu. Inga tiri vamwechete wani, vanhu vangu vanongovawo vanhu venyu uye mabhiza angu, mabhiza enyu.”
8
Akatiwo, “Toenda nokupi?” Jehoramu ndokuti, “Nokugwenga rokuEdhomu.”
9
Saizvozvo mambo wokwaIsiraeri akaenda namambo wokwaJudha namambo weEdhomu. Kuzoti vapotereka kwamazuva manomwe hondo yavarwi nezvipfuwo zvayaitinhana nazvo yakashaya mvura.
10
Mambo wokwaIsiraeri ndokuti, “O babawe kani! Tenzi aunganidza madzimambo matatu aya kuzoaisa mumaoko eMoabhu nhai.”
11
Jehoshafati akabva ati, “Ko kuno uku hakuna here muporofita waTenzi watinganzwe kuti Tenzi anoti kudii nazvo?” Rimwe jinda ramambo wokwaIsiraeri rakapindura richiti, “Kuno uku kuna Erisha mwanakomana waShafati aiva wokuchingidza Eriya mvura.”
12
Jehoshafati ndokubva ati, “Iyeyo ndiye munhu wacho ane dama raTenzi.” Saizvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati namambo weEdhomu vakadzika ikoko kwaari.
13
Erisha akati kuna mambo wokwaIsiraeri, “Ndinei newe iwe! Endaka kuvaporofita vokwababa vako nokuvaporofita vokwaamai vako.” Mambo wokwaIsiraeri ndokupindura achiti kwaari, “A-a hapana kani! Chatauyisirwa kuno naTenzi iyesu madzimambo matatu kuti tiiswe mumaoko eMoabhu chete!”
14
Erisha akati, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu ane gurusvusvu rehondo wandinonamata kuti dai, kusiri kuti ndatonyara zvangu mambo wokwaJudha uyu Jehoshafati, ndingadai ndatorega zvangu kukucheuka kana kukutarisa zvako.
15
Chindiunziraiwo pano munhu wokuridza chipendani.” Munhu wechipendani wacho paaichiridza kudaro simba raTenzi rakauya pana Erisha.
16
Erisha akati, “Zvanzi naTenzi, ‘Ndichaita kuti kakova aka kakati papata kuoma kudai kati pamupamu kuzara namadziva emvura.’
17
Nokuti zvanzi naTenzi, ‘Mvura yokunaya kana mhepo hamusi kuzozviona asi kakova ikaka kachati pamupamu kuzara nemvura zvokuti munwe imi nemombe dzenyu nezvipfuwo zvenyu.’
18
Asi kanhu kadiki kwazvo pana Tenzi. Achaisawo vanhu veMoabhu mumaoko enyu
19
mugokurira guta rimwe nerimwe rakavakirirwa norusvingo neguta rose rose ravo repamwoyo, muti wose zvawo wakanaka muchirizha, matsime ose emvura muchifushira, ndimo dzose mudzitutire matombo.”
20
Ramangwana acho mangwanani, panguva yokupira chibayiro, heino mvura ikati youya ichiyerera nokuEdhomu kusvikira nyika yose iyoyo yachiti fasha nemvura.
21
VaMoabhu vose pavakanzwa kuti madzimambo iwayo akanga akwira ikoko kuzovarwisa, vakakokorodza wose aigona kupfeka chidemautare kubvira kuvadukuduku kusvikira kuvakuru vakavaronganisa kumuganhu wenyika iyoyo.
22
Pavakafumomuka mangwanani acho zuva rakavheneka pamvura paya, vaMoabhu vakatarisa kumvura iyi iri pakatarisana napavaiva onei yakati piriviri kutsvuka seropa
23
vakati, “Inga iropa iro. Madzimambo aye arwisana chete akaurayana. Saka zvino vaMoabhu we-e, handei kundopamba zvinhu!”
24
Asi pavakasvika kumatendhe eIsiraeri, vaIsiraeri vakamuka vakarwisa vaMoabhu kusvikira vavatiza. Vakabva vati navo navo vachirakatisa kuuraya vaMoabhu mukudzingirirana navo ikoku.
25
Vakakurira maguta acho. Pandimo yose zvayo munhu wose akakandapo dombo, pakasara pati ware ware nawo, vakafushira matsime ose vakarizha miti yose yakanaka kusvikira matombo eko angosara kuguta reKirihareseti. Varwi vokurwisa nezvimviriri vakarikomberana vakarikurira.
26
Pakaona mambo weMoabhu kuti hondo yamuipira akatorana namazana manomwe avarwi vemapakatwa woda kupukunyuka nepana mambo weEdhomu asi havana kuzvigona.
27
Ndopaakazobata mwana wake mukomana akanga ariye wokuzotonga pachinzvimbo pake akamupira parusvingo sechibayiro chokupisa. Izvozvi zvakashayisa kwazvo vaIsiraeri romuromo vakabva vamurega vakadzokera kunyika kwavo.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25