bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 12
2 Kings 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 13 →
1
Mugore rechinomwe rokutonga kwaJehu, Jehoashi akatangawo kutonga. Akatonga ari muJerusaremu kwamakumi mana amakore. Zita raamai vake rainzi Zibhiya vokuBheerishebha.
2
Jehoashi uyu akaita zvaidiwa naTenzi mazuva ose oupenyu hwake nokuti mupristi Jehoyadha ndiye aimudzidzisa.
3
Zvakadaro zvazvo nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vakaramba vachipira zvavo zvibayiro vachipisawo rusenzi panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira idzodzo.
4
Jehoashi akati kuvapristi, “Pamari yose yezvinhu zvinoera zvinofanira kuunzwa kumba yaTenzi, mari yomutero wapamunhu, mari yakatemwa pamunhu woga woga, nemari inobviswawo nomunhu sokuda kwake achiuya nayo mumba yaTenzi,
5
vapristi ngavatore mumwe nomumwe kuna sahomwe wake vagadzire imba iyoyi panenge pachidikanwa kugadzira.”
6
Asi gore ramakumi maviri nechitatu rokutonga kwamambo Jehoashi rakadzamara kusvika vapristi vasati vambogadzira imba yacho.
7
Naizvozvo mambo Jehoashi akadaidza mupristi Jehoyadha navamwe vapristi akavati, “Muri kuregererei kugadzira imba yaTenzi. Saka zvino, zvokutora mari kunanasahomwe venyu chizviregai, muendese mari iyoyo kubasa rayo rokugadzira imba iyoyo.”
8
Vapristi vakabvuma kuti zvokutora mari kuvanhu varege, ivo varegewo kugadzira imba iyoyo.
9
Mupristi Jehoyadha akazotora zibhokisi guru akaboora buri pahwidibiro yaro. Akariisa pedyo neatari kurudyi topinda mumba yaTenzi. Vapristi vaichengetedza kumusuo, vaiisa mariri mari yose yaiunzwa mumba yaTenzi.
10
Vaiti vakangoona kuti muzibhokisi umu mari yawanda, munyori wokwamambo nomupristi mukuru aiuya overenga vosungira mari yacho inenge yawanikwa mumba yaTenzi mututsapo.
11
Mari yainge yayerwa vaipa vashandi vaiona nezvebasa remba yaTenzi, ivavo vaitambirisa vavezi navavaki vaiita basa pamba paTenzi,
12
uye vokuvaka namatombo navacheki vamatombo nokutenga mapuranga nematombo akakwakwanurwa zvokugadzirisa imba yaTenzi uye nokubhadhara basa rose zvaro rokugadzira imba iyoyo.
13
Asi havana kugadzirisa midziyo kana makomichi kana zvigero kana madhishi kana mabhosvo kunyange midziyo zvayo yendarama kana yesirivha zvomuimba yaTenzi
14
nokuti yakapiwa vaiti vebasa vaiishandisa pakugadzira imba yaTenzi.
15
Havaimbobvunzurudza vanhu vavainge vapa mari iyoyo yokutambirisa vanhu nokuti vakanga vari vanhu vakavimbika.
16
Mari yemipiro yokuripa mhosva neyemipiro yokupfupira zvitadzo hayaiuyiswa mumba yaTenzi, yaiva yavapristi.
17
Panguva iyoyo Hazaeri mambo weSiria akakwira kundorwisa guta reGati akarikurira. Asi Hazaeri paakati zvino oda kuvinga Jerusaremu,
18
Jehoashi mambo wokwaJudha akatora mipiro yose yakanga yaturirwa kuna Mwari yezvinhu zvakatsidzirwa kupa Mwari naJehoshafati naJehoramu naAhaziya, madzibaba ake madzimambo okwaJudha pamwechete nemipiro yake yaakanga akatsidzirawo kupa Mwari uye nendarama yose yaiva mokuchengetera upfumi hwemba yaTenzi neyemumuzinda wamambo. Akatumira zvose izvozvi kuna Hazaeri mambo weSiria. Hazaeri ndokubva asiya Jerusaremu oenda zvake.
19
Inga dzimwe nyaya dzezvaJoashi nezvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaJudha.
20
Makurukota aJoashi akamumukurira akamupandukira akamuuraya mumba iya yapachimudhuri chamavhu munzira inodzika kuSira.
21
Jozakari mwanakomana waShimeati naJehozabhadhi mwanakomana waShomeru, makurukota ake ndivo vakamuuraya akafa. Vakamuviga pamwechete namadzibaba ake muGuta raDhavhidhi. Amaziya mwanakomana wake ndiye akazotonga panzvimbo pake.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25