bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 16
2 Kings 16
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 17 →
1
Mugore regumi nechinomwe rokutonga kwaPeka mwanakomana waRemariya, Ahazi mwanakomana waJotamu mambo wokwaJudha akavamba kutonga.
2
Ahazi akanga ava namakore makumi maviri paakatangisa kutonga, akatonga kwamakore gumi namatanhatu ari muJerusaremu. Haana kuita zvakarurama zvinodiwa naTenzi, Mwari wake sezvakaitwa natateguru wake Dhavhidhi
3
asi akatevedzera gwara ramadzimambo okwaIsiraeri akatosvika pakupisa mwana wake mukomana sechibayiro, maererano netsika yakaipisisa kwazvo yaiitwa namarudzi akadzingirwa vaIsiraeri naTenzi.
4
Akapira zvibayiro akapisa rusenzi panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira napamwe pakatunhumara pasi pemiti yose minyoro.
5
Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemariya mambo wokwaIsiraeri vakakwira kundorwisa Jerusaremu. Vakakomba Ahazi asi havana kumukurira.
6
Panguva iyoyo Rezini mambo weSiria akatora guta reErati pakare, ndokudzinga vokwaJudha muErati. VechiSiria vakauya vakagara muErati kusvikira nhasi uno.
7
Ahazi akama nhume kuna Tigiratipiriesa mambo weAsiria kundoti, “Ndiniwo muranda wenyu mwana wenyu. Dai mangouya zvenyu mandinunurawo mumaoko amambo weSiria nomumaoko wokwaIsiraeri vamuka kundirwisa kuno.”
8
Ahazi akatora sirivha nendarama yaiva iri mumba yaTenzi nomudzimba dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda wamambo akatumira sechipo kuna mambo weAsiria.
9
Mambo weAsiria akanzwa chichemo chake. Akasimuka kundorwisa guta reDhamasikusi akarikurira akatapa vanhu vaivamo akaenda navo kuKiri akauraya Rezini.
10
Pakaenda mambo Ahazi kuDhamasikusi kundosangana naTigiratipiriesa mambo weAsiria akaona atari yaiva muDhamasikusi. Mambo Ahazi akatumira mupristi Uria purani yeatari iyoyo namamiriro ayo noudorongoshwa hwose hwezvayakaita.
11
Mupristi Uria akavaka atari achitevedza zvaakafanotumirwa namambo Ahazi kubva kuDhamasikusi. Mupristi Uria akaita saizvozvo mambo Ahazi asati asvika kubva kuDhamasikusi.
12
Mambo paakadzoka kuDhamasikusi akaenda kundoona atari iyi, akasvika pedyo nayo ndokukwira payakanga iri.
13
Akapisa mupiro wake wokupisa nomupiro wake wembesanwa, akapirawo mupiro wake wokuteura ndokusasa ropa remipiro yokuwadzana paatari iyoyo.
14
Atari yendarira yakanga iri pana Tenzi akaibvisa pamberi pemba panzvimbo yayo pakati peatari yake nemba yaTenzi. Akandoiisa kuchamhembe kweatari yake.
15
Mambo Ahazi akarongera mupristi Uriya achiti, “Paatari huru iyi ndipo pamunofanira kupirira mupiro wamangwanani wokupisa nomupiro wamanheru wembesanwa nomupiro wokupisa wamambo nomupiro wake wembesanwa. Ndipo pamunopirawo mipiro yokupisa yavanhu vose venyika nemipiro yavo yembesenwa nemipiro yavo yokuteura. Pana iyoyi ndipo pamunosasa ropa rose rezvibayiro zvokupisa neropa rose rezvibayiro. Asi atari yendarira ndeyangu ini, ndipo pandichapota ndichinzwa kuti zvinhu zvingafambe sei.”
16
Mupristi Uriya akaita zvose izvozvi sezvakanga zvanzi namambo Ahazi zviitwe.
17
Mambo Ahazi akacheka ndokubvisa mapango okumisasa mitumbi yengoro, akabvisa padziri mabhavhu akabvisawo zibhavhu ziguruguru riya pahandira parakanga rakagadzikirwa. Akarigadzikira pachidzikiro chamatombo.
18
Pamusana pamambo weAsiriya, akabvisa nzira yaiva nedenga rayo yakanga yakavakwa mumuzinda wamambo yokushandisa musi weSabata ndokubvisawo musuo wokunze wokupinda namambo mumba yaTenzi.
19
Inga dzimwe nyaya dzezvaAhazi zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaJudha.
20
Ahazi akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake, akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Hezekiya ndiye akazotonga panzvimbo pake.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25