bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 2
2 Kings 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 3 →
1
Kuzoti zvino Tenzi oda kukwidza Eriya kudenga nechinyamupupuri, Eriya naErisha vakanga vari murwendo rwokubva kuGirigari.
2
Eriya akati kuna Erisha, “Wombosara zvako pano nokuti Tenzi andituma kuBhetieri uko.” Asi Erisha akati, “NaTenzi chaiye mupenyu kana ndimiwo zvenyu muripo kudai hazvimboitika kuti ndikusiyei.”
3
Nokudaro vakadzika kuBhetieri. Vaporofita vaiva kuBhetieri vakauya kuna Erisha vakati kwaari, “Muri kuzviziva here kuti Tenzi achakutorerai tenzi wenyu nhasi uno?” Iye akati, “E-e ndiri kuzviziva zvangu. Dai mukanyarara zvenyu.”
4
Eriya akamutizve, “Wombosara zvako pano nokuti Tenzi andituma kuJeriko.” Asi iye akati, “NaTenzi chaiye mupenyu kana ndimiwo zvenyu muripo kudai, kukusiyai hazvimboitiki.” Vakabva vaenda kuJeriko.
5
Vaporofita vaiva muJeriko vakauya kuna Erisha vakati kwaari, “Muri kuzviziva here kuti Tenzi achakutorerai tenzi wenyu nhasi?” Iye akati, “E-e ndiri kuzviziva zvangu. Dai mukanyarara zvenyu.”
6
Eriya akabva amuti, “Wombosara zvako pano nokuti Tenzi andituma kuna Jorodhani.” Asi iye akati, “NaTenzi chaiye mupenyu kana ndimiwo zvenyu muripo kudai, kukusiyai hazvimboitiki.” Nokudaro vakaenda vari vose pauviri hwavo.
7
Kwakaendawo makumi mashanu eveboka avaporofita vakamira vari chinhambwe navo ivo vakamirawo pamahombekombe aJorodhani.
8
Eriya akatora hanzu yake ndokuimona ndokurova pamvura nayo. Mvura yakabva yakamukana zvokuti imwe uku imwe uku, vose vari vaviri vakayambuka vachitsika pasi pakaoma.
9
Kuzoti vayambuka Eriya akati kuna Erisha, “Nditaurire chaungade kuti ndikuitire ndisati ndatorwa kubva kwauri.” Erisha akati, “Ndapota zvangu dai mukangondisiirawo senhaka mweya wenyu uine simba rakapetwa kaviri.”
10
Iye ndokuti, “Chawakumbira ichi chinhu chakaoma. Zvisinei zvazvo kutorwa kwandichaitwa kana ndikatorwa uchiona zvichaitwa saizvozvo kwauri, asi kana ndikatorwa usiri kuona hazvizoitika saizvozvo.”
11
Pavakanga vachifamba vachitaura kudaro, ngoro yehondo yomoto namabhiza omoto ndiye vhu vakabva vaparadzaniswa vose vari vaviri. Eriya ndokubva atututswa nechinyamupupuri kuenda kudenga.
12
Erisha akazviona ndokudaidzira achiti, “Baba wangu, baba wangu! Ngoro dzemabhiza dzehondo dzeIsiraeri navachairi vadzo!” Erisha haana kuzomuonazve. Erisha akabata hanzu dzake pachake ndokubva adzibvarura napakati.
13
Akanonga hanzu yakanga yadonhedzwa naEriya ndokudzoka ondomira pamahombekombe aJorodhani.
14
Akatora hanzu yakanga yadonhedzwa naEriya iya ndokurova nayo mvura achiti, “Tenzi, Mwari waEriya aripi?” Paakarova mvura iyi, mvura yacho yakabva yakamukana zvokuti imwe uku imwe uku, ndokubva Erisha ayambuka.
15
Zvino vechikwata chavaporofita vaiva paJeriko vaimuona vari mhiri vakati, “Mweya waEriya wava pana Erisha.” Vakaenda kundochingurana naye vakamugwadamira.
16
Vakati kwaari, “Onaika, isu varanda venyu tine makumi mashanu avanahu, dai mukarega zvenyu vaende kundotsvaga tenzi wenyu, dzimwe nguva Mweya waTenzi wamusimudza ukasiya wamukanda pamusoro pegomo kana mumupata.” Akati, “Regai zvenyu kuvatuma.”
17
Asi pavakaramba vachigombedzera akazoti, “Vatumei zvenyu.” Saizvozvo vakatumira makumi mashanu avarume. Vakamutsvaga kwamazuva matatu, asi havana kumuwana.
18
Vakaenda kuna Erisha kuJeriko kwaakanga amboti zvake mire mirei ariko, akati kwavari, “Handina kukuudzai here kuti regai kuenda?”
19
Vanhu veguta iroro vakati kuna Erisha, “Changamire, sezvamunongoonawo, guta redu iri rakavakirwa pakanaka kwazvo asi chakaipa imvura yacho, uye ivhu racho harina charinopa.”
20
Erisha akati, “Ndiunzirei kuno ndiro itsva muise munyu mairi.” Saka vakaenda nayo kwaari.
21
Akaenda kuchisipiti chemvura yacho ndokudira munyu mairi achiti, “Zvanzi naTenzi ndarapa mvura iyi. Kubvira zvino, hapana rufu kana kushaika kwezvinoberekwa kuchazobva mairi.”
22
Mvura iyoyo yakabva yarapwa kusvikira pari nhasi, maererano nezvakataurwa naErisha.
23
Erisha akabvapo okwidza kuenda kuBhetieri. Paakanga ari munzira kuendako, vakomana vadikidiki vakabuda muguta vakamusveeredza vachiti, “Tibvire pano nyamhanza! Tibvire pano nyamhanza!”
24
Akatendeuka, paakavaona akarengerera rushambwa nezita raTenzi. Mapere maviri makadzi akabuda musango akabvambura-bvambura makumi mana navaviri avakomana ivavo.
25
Abva ipapo akaenda kugomo reKarimero, ndokubva azodzokera kuSamaria.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25