bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 25
2 Kings 25
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
1
Mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekiya mumwedzi wegumi pazuva regumi romwedzi iwoyo, Nebhukadhineza mambo weBhabhuroni akauya nehondo yake yose akakomba Jerusaremu vakatutira mavhu kurusvingo kuritenderedza kuita chokupindamo nacho.
2
Nokudaro guta rakakombwa kusvikira mugore regumi nechiposhi rokutonga kwamambo Zedhekiya.
3
Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina wacho nzara yakabaya zvinorwadza muguta zvokuti vanhu vomunyika imomo vakanga vasisina chokudya.
4
Kwakapazwa rusvingo muguta umu hondo yose yavarwi ikasvova nousiku nokunzira yokusuo guru pakati petsvingo mbiri pedyo nebindu ramambo vaKaridhea vakarikomba kudaro. Vakananga nokuArabha.
5
Asi hondo yevaKaridhea yakaronda mambo ikamubatira kumapani okuJeriko. Hondo yake yose yakapararira ichimusiya,
6
ivo vakabata mambo vakauya naye kuna mambo weBhabhironi kuRibhura akamutemera chirango chemhosva yake.
7
Vakauraya vanakomana vaZedhekiya iye akatarisa. Vakamusvukunura maziso vakamusunga nengetani vakaenda naye kuBhabhironi.
8
Mumwedzi wechishanu pazuva rechinomwe romwedzi iwoyo riri gore regumi nechipfumbamwe rokutonga kwamambo Nebhukadhineza mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo, gurukota ramambo weBhabhironi akauya kuJerusaremu.
9
Akapisa imba yaTenzi nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusaremu nedzimba dzakanga dzakati kurei dzose akadzipisa.
10
Hondo yose yevaKaridhea yakanga ino mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo yakakoromorera pasi tsvingo dzakanga dzakapoteredza Jerusaremu.
11
Vamwe vanhu vose vakanga vasara mugutamo navakanga vapandukira kuna mambo weBhabhironi pamwechete navamwe vose voruzhinji vakanga vasara, Nebhuzaradhani akaenda navo muutapwa.
12
Mukuru mukuru wevaichengetedza mambo akasiyawo vamwe varombowo zvavo vokupedzesera chaivo kuti vave vachengeti veminda yemigirepisi navarimi veminda.
13
VaKaridhea vakadimura-dimura misimboti yendarira yaiva pamba paTenzi nengoro nezibhavhu ziguruguru riya zvaiva pamba yaTenzi vakatakura ndarira yacho kuBhabhironi.
14
Vakatakura mapoto namafoshoro nezvigero nembenge dzorusenzi nemidziyo yose yendarira yokushandisa muTemberi
15
namagwati okugokesa moto nendiro. Mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo, akatakura, zvendarama sendarama, zvesirivha sesirivhawo.
16
Kana zviri zvemisimboti iye miviri nengoro dziya zvakanga zvagadzirirwa imba yaTenzi, ndarira yacho hakuzi kurema ikoko kwayaiita.
17
Musimboti mumwechete waiva mamita masere kureba uine chepamusoro pawo chaiita mita rimwechete namasendimita makumi matatu kureba chakashongedzwa nekasefa kane zvinenge michero yamapomegiraneti zvose zviri zvendarama zvakatenderedza mbiru. Musimboti wechipiri wacho wakanga wakangoitawo zvimwechetezvo uine kasefa ikaka.
18
Mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo iyeyo akatapa mupristi mukuru Seraya nomutevedzeri wake Zefaniya navachengetedzi vatatu vokumusuo.
19
Maguta, akatapa mumwe mukuru mukuru aimbenge ari mutungamiriri wavarwi kuhondo namachinda amambo mashanu vaiva muguta umu nasamunyori womutungamiriri wehondo aitungamirira vanhu venyika iyi. Akatapawo makumi matanhatu avarume venyika yacho vaiva mugutamo.
20
Nebhuzaradhani mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo akaenda navo kuna mambo weBhabhironi kuRibhura.
21
Mambo weBhabhironi akavaponda vakafa kuRibhura kunyika yeHamati. Ndiko kutapwa kwakaitwa vokwaJudha vachibviswa munyika mavo.
22
Kune vokwaJudha vakasara vasiyiwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani akasarudza Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani kuva mutongi.
23
Pakanzwa vakuru vakuru vose vezvikwata zvehondo navarwi vavo kuti mambo weBhabhironi akasarudza Gedhariya kuva mutongi, vakauya kuna Gedhariya kuMizipa. Kwaiti Ishimaeri mwanakomana waNetaniya naJohanani mwanakomana waKarea, kwoti Seraya mwanakomana waTanihumeti wokuNetofa naJaazaniya mumwe murume wechizvarwa chokwaMaaka.
24
Gedhariya akatsidzira ivo navarwi vavo kuti, “Musatye zvenyu vakuru vakuru vechiKaridhea ava. Chenyu imi kugara munyika muno muchishandira zvenyu mambo weBhabhironi zvichakunakirai.”
25
Asi mumwedzi wechinomwe, Ishimaeri mwanakomana waNetaniya mwanakomana waErishama wokumba huru akauya negumi ravarume vakauraya Gedhariya navaJudha navaKaridhea vaakanga anavo muMizipa.
26
Ipapo vanhu vose vakuru navadiki navakuru vakuru vezvikwata zvehondo vakasimuka vakaenda kuIjipiti nokuti vaitya vaKaridhea.
27
Mugore ramakumi matatu nechinomwe routapwa hwaJehoyakini mambo wokwaJudha mumwedzi wegumi nechipiri pazuva remakumi maviri nechinomwe romwedzi iwoyo, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi mugore raakatangisa kutonga akaita mwoyochena wokuburitsa Jehoyakini mujeri.
28
Akataura naye zvakanaka akamupa chigaro chapamusoro kupinda madzimambo aaiva nawo muBhabhironi.
29
Naizvozvo Jehoyakini akabvisa hanzu dzake dzousungwa. Mazuva ose oupenyu hwake akazenge ava kudya namambo pateburu nguva dzose.
30
Panyaya yezvaaifanira kutambiriswa, aitambiriswa mugove wezvinobva kwamambo nguva dzose, mugove pazuva, upenyu hwake hwose.
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25