bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 8
2 Kings 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 9 →
1
Erisha akanga ati kumudzimai uya ane mwanakomana waakaita kuti ave mupenyu pakare, “Simukai mutame nemhuri yenyu iyi mumbondogara kwose kwose kwamunenge mawana nokuti Tenzi aronga kuti kuite shangwa yenzara munyika muno kwamakore manomwe.”
2
Saizvozvo mudzimai uyu akasimuka akaita sezvaakanga ataurirwa nomunhu waMwari. Akaenda nemhuri yake akambondogara kunyika yevaFirisitia kwamakore manomwe.
3
Kuzoti makore manomwe apera pakadzoka mudzimai uyu kunyika yavaFirisitia, akandosvitsa nyaya yake kuna mambo yokuti adzoserwe musha wake namakura ake.
4
Izvozvo mambo aingunotaura naGehazi mushandi womunhu waMwari achiti, “Ndiudze ndinzwe mabasa makuru ose akaitwa naErisha.”
5
Akati achirondedzera kuna mambo zvakaitwa naErisha zvokuita kuti munhu akanga afa ave mupenyu pakare, mudzimai uya akamutsirwa mwanakomana wake naErisha ndiye nepo wotopira nyaya yake kuna mambo yokuti adzoserwe musha wake namakura ake. Gehazi ndokuti, “A changamire mambo ndiyeyuka mudzimai wacho, hoyuka mwanakomana wake nyakuitwa mupenyu pakare naErisha.”
6
Mambo paakabvunzawo mudzimai uyu, iye akamurondedzera. Mambo akabva amusarudzira mumwe mukuru mukuru akamuti, “Dzoserai mudzimai uyu zvinhu zvake zvose pamwechete nembesa dzose dzaibuda mumunda wacho kubvira pamusi waakasiya dunhu iroro kusvikira iye zvino.”
7
Zvino Erisha akaenda kuDhamasikusi. Bhenihadhadhi mambo weSiria airwara. Paakataurirwa kuti, “Munhu waMwari akauya kuno,”
8
mambo akati kuna Hazaeri, “Takura chipo ichi undosangana nomunhu waMwari, undinzwire kuti Tenzi anoti kudii nokwaari, uti, ‘Ko ini ndichararama here paurwere hwangu ihwohu?’ ”
9
Saizvozvo Hazaeri akaenda kundosangana naye akamutakurira chipo chezvinhu zvose zvakasiyana-siyana zvomuDhamasikusi zvaitotakurwa namakumi mana engamera. Paakasvika akamira paaiva akati, “Mwanakomana wenyu, Bhenihadhadhi mambo weSiria andituma kwamuri neshoko rokuti, ‘Ko ini ndichararama here paurwere hwangu ihwohu?’ ”
10
Erisha akati kwaari, “Enda undomutaurira kuti zvanzi, ‘Zvokupora muchanyatsorarama zvenyu, asi Tenzi andiratidza kuti zvechokwadi muchafa.’ ”
11
Erisha ndokuramba akamuti ndee kumutarisa kusvikira ava kunyara ndokubva munhu waMwari ahwihwidza kuchema.
12
Hazaeri akati, “Zvaita seiko changamire kuzohwihwidza kuchema kudai?” Iye akati, “Nokuti ndiri kuziva zvakaipa zvauchaita kuvanhu veIsiraeri. Uchapisa nomotoka iwe nzvimbo dzavo dzakavakirirwa netsvingo. Uchaurayaka iwe majaya avo namapakatwa, pwere dzavo uchipwatitsira kurovera pasi, uchitumbura madzimai avo ane pamuviri.”
13
Hazaeri ndokuti, “Pangu panowo iyeni muranda wenyu, imbwa zvayo ndingasvikewo pakuita chinhu chikuru chakadaro.” Erisha akati, “Tenzi andiratidza kuti ndiwe uchava mambo weSiria.”
14
Akazobva pana Erisha akadzokera kuna tenzi wake akamuti, “Erisha ati kudiiko kwauri.” Iye akati, “Zvandataurirwa naErisha ndezvizvi zvokuti kupora muchanyatsopora.”
15
Asi mangwana acho akatora chimwe chokufukidza nacho akachinyika mumvura akati gude kupfumbira uso nacho kusvikira afa. Hazaeri akava mambo pachinzvimbo pake.
16
Mugore rechishanu rokutonga kwaJoramu mwanakomana waAhabhu mambo wokwaIsiraeri, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo wokwaJudha akatangisa kutonga.
17
Akanga ava namakumi matatu amakore namakore maviri paakava mambo, akatonga muJerusaremu kwamakore masere.
18
Iye akatevedzera makwara amadzimambo okwaIsiraeri sezvakanga zvaitwa nevemba yaAhabhu nokuti mudzimai wake akanga ari mukunda waAhabhu. Akaitawo zvakaipa zvisingadiwe naTenzi.
19
Zvakadaro zvazvo Tenzi haana kuparadza vokwaJudha achiitira muranda wake Dhavhidhi, sezvo akanga amutsidzira kumupa mwenje unogara uchipfuta nokusingapere navanakomana vake.
20
Panguva yake Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha, ikazvigadzirawo mambo wayo.
21
Joramu ndokuyambukira kuZairi aine ngoro dzake dzose dzehondo, akamuka nousiku iye navakuru vakuru vake vengoro dzehondo akarakatisa kuuraya vaEdhomu vakanga vamukomberana. Asi hondo yake yakatizira kumusha.
22
Nokudaro Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha kusvikira pari nhasi, panguva yakareyo guta reRibhuna rakapandukawo.
23
Inga dzimwe nyaya dzezvaJoramu nezvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha.
24
Joramu akazovatawo oenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa pamwe chete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi, mwanakomana wake Ahaziya akazotonga pachinzvimbo pake.
25
Mugore regumi nechipiri rokutonga kwaJoramu mwanakomana waAhabhu mambo wokwaIsairaeri, Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo wakwaJudha akatangisa kutonga.
26
Ahaziya akanga ava namakore okuberekwa makumi maviri namaviri paakatangisa kutonga, akatonga gore rimwechete ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Atariya vaiva muzukuru waOmuri mambo wokwaIsiraeri.
27
Iyeyuwo akatevedzera makwara emba yaAhabhu achiita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi sezvakanga zvaitwa nemba yaAhabhu sezvo aiva mukuwasha kumba yaAhabhu.
28
Ahaziya akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhu kuhondo kundorwisa Hazaeri mambo weSiria kuRamoti kuGireadhi kwakakuvadzirwa Joramu navaSiria.
29
Mambo Joramu akadzokera kuJezirieri kundorapwa maronda aakanga akuvadzwa nevaSiria kuRama paakarwisa Hazaeri mambo weSiria. Ahaziya mwana waJehoramu mambo wokwaJudha akadzikako kundotarira Joramu mwanakomana waAhabhu kuJezirieri sezvo ainge achirwara.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25