bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 5
2 Kings 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 6 →
1
Mutungamiriri wehondo yamambo weSiria ainzi Naamani aiva munhu airemekedzwa zvikuru nachangamire vake, ari munhu wavo wapamwoyo nokuti naiyeyu uyu Tenzi akaita kuti vakurire vaSiria muhondo. Aiva murume uno, nyanzvi chaiyo yokurwa, asi akanga aine maperembudzi.
2
VaSiria mune kumwe kupamba nehondo kwavaiita vakanga vatapa kamwe kasikana kokunyika yokwaIsiraeri kakava muranda womukadzi waNaamani.
3
Musikana uyu akati kuna tenzi wake, “Dai kuri kuti changamire vamboonawo mumwe muporofita ari kuSamaria. Aivarapa chirwere chavo ichi chemaperembudzi.”
4
Nokudaro Naamani akaendamo akasvitsa izvi kuna changamire wake achiti, “Izvozvo ndozvandaudzwa nomusikana akabva kunyika yokwaIsiraeri.”
5
Mambo weSiria akabva ati, “Chitoendai zvino, ndichatumirawo mambo wokwaIsiraeri rugwaro.” Saizvozvo akaenda akatakura zviuru makumi matatu zvesirivha, nendarama zviuru zvitanhatu nehanzu gumi dzamachira, akanakisisa kwazvo.
6
Akaenda norugwaro rwacho kuna mambo wokwaIsiraeri rwaiti: “Rugwaro urwu rwasvika kwamuri nderwokukuzivisai kuti ndatumirako gurukota rangu Naamani kuti mumurapewo maperembudzi ake.”
7
Mambo wokwaIsiraeri paakaverenga rugwaro irworwu akabvarura hanzu dzake akati, “Ndiri Mwari here anouraya nokupawo upenyu wokuti muchinda uyu anganditumire shoko rokuti ini ndirape munhu maperembudzi ake? Maonawoka kuti uku kutsvaka kupopotedzana neni chete.”
8
Asi pakanzwa munhu waMwari Erisha kuti mambo wokwaIsiraeri akanga abvarura hanzu dzake akatumira mambo shoko rokuti, “Madarireiko kubvarura hanzu dzenyu? Regai zvenyu auye kwandiri kuno iye zvino azoziva kuti muIsiraeri mune muporofita.”
9
Nokudaro Naamani akaenda namabhiza ake nengoro dzehondo akasvikomira pamusuo pamba paErisha.
10
Erisha akamutumira nhume kundoti, “Enda undoshamba kanomwe kuna Jorodhani muviri wako uchapora woita sezvawaimbova uchibvawo wachenurwa.”
11
Asi Naamani akashatirwa ndokubva apomoka kuenda oti, “Chionaika, ndanga ndichiti achatoita zvokunyatsobuda panze pandiri, omira pakadarowo apo, odaidza zita Tenzi, Mwari wake achivheyesa maoko ake pamusoro penzvimbo iyoyo obva arapa maperembudzi acho!
12
Ko, Abhana naFapari nzizi dzokuDhamasikusi, hadzisiri nani here pane mvura yose yomuIsiraeri. Kwangu kutadza here kushamba madziri ndichenurwe?” Akabva afuratira oenda zvake akashatirwa.
13
Varanda vake vakaswedera paari vakati kwaari, “Nhai baba, dai muporofita uyu anga ati muite chimwe chinhu chikuru mungadai musina kuchiita here? Ndoda zvapo apa paangokutii shambai muchenurwe!”
14
Ipapo akadzika akandozvinyika kanomwe muna Jorodhani sezvaakanga audzwa nomunhu waMwari, muviri wake ukapora ukaita sezvawaimbenge uri ukanaka sewemwana mudiki akabva achenurwa.
15
Akadzokera kumunhu waMwari iye nechikwata chake chavanhu. Akasvika akamira paari akati, “Ndazoziva zvino kuti muIsiraeri chete ndimo muna Mwari pasi pano pose zvapo, saka dai imi mangochindigamuchirirawo ini muranda wenyu chipo ichi.”
16
Asi Erisha akati, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu wandinonamata hapana chandiri kuzogamuchira.” Naamani akamunyengetedza kuti achitore asi iye akaramba.
17
Naamani ndokuti, “Kana zvakona ndapota zvangu chiregai zvenyu ini muranda wenyu nditakurirwe namanyurusi mikwende miviri yevhu. Ndinodaro nokuti ini muranda wenyu handichazopira mupiro wokupisa kana chibayiro kune mumwe mwari zvake asi kuna Tenzi chete.
18
Panyaya iyi, dai Tenzi angondiregererawo ini muranda wenyu changamire wangu paanopinda mumba mokunamatira Rimoni kundomupfugamiramo akazendama kuruoko rwangu iniwo ndichikotamira Rimoni mumba make, pandinokotamira Rimoni mumba make dai Tenzi angondiregererawo ini muranda wenyu panyaya iyi.”
19
Erisha akati kwaari, “Wochifamba zvako zvakanaka.” Asi Naamanai paakangoti fambei chinhambwe chidiki abva pana Erisha,
20
Gehazi mushandi womunhu waMwari uya Erisha akazviti, “Ho-o-o tenzi wangu atorega zvake vaNaamani muSiria uya akaenda zvake achirega kugamuchira chipo chaanga auya akabata mumaoko. NaTenzi chaiye mupenyu, regai ndimhanye ndimutevere ndiwane chinhu chandingawane kwaari.”
21
Nokudaro Gehazi akatevera Naamani. Naamani paakaona munhu aimutevera akabva ajitika mungoro yake yehondo ondosangana naye akati, “Kwakanaka here?”
22
Iye akati, “Zvose zvakanaka hazvo. Asi vatenzi vangu ndivo vandituma neshoko rokuti, ‘Ndasvikirwawo iyezvinouno namajaya maviri eboka ravaporofita vokunyika yaEfuremu yemakomo. Dai zvenyu mukapa ivavo zviuru zvitatu zvesirivha nehanzu mbiri dzamachira akanakisisa.’ ”
23
Naamani akati, “Tora zvako zviuru zvitanhatu zvesirivha.” Uyewo akamukurudzira, akasungira sirivha yacho mutsapo mbiri nehanzu mbiri dzamachira akanakisisa dziye akazvitakudza varanda vake vaviri. Vakazvitakura vari mberi kwaGehazi.
24
Kuzoti asvika kugomo kuya akazvitora akaisa mumba akati varume ava vaende zvavo ndokubvawo vaenda.
25
Akapindamo zvake akamira pana tenzi wake, Erisha akati kwaari, “Nhai Gehazi wanga uri kupiko?” Iye akapindura achiti, “Handina kwandanga ndaenda ini muranda wenyu.”
26
Asi Erisha akati, “Tanga tisiri tose here mumweya newe padzoka murume uya mungoro yake yehondo kuzosangana newe? Ndonguva here iyoyi yokugamuchira mari nehanzu neminda yemagirepisi neminda yemivhaini nehwai nemombe navaranda vechikadzi nevechirume?
27
Saka naizvozvo maperembudzi aNaamani atobatirira pauri iwe nezvizvarwa zvako nokusingapere.” Naizvozvo Gehazi akabuda obva paari muviri wake wati zvino mbuu kuchenuruka kunge aumburuka murota namaperembudzi.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25