bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 21
2 Kings 21
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 22 →
1
Manase akanga ava namakore gumi namaviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore makumi mashanu ana mashanu ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi aHefizibha.
2
Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevedzera tsika dzinosemesa kwazvo dzaiitwa namarudzi akadzingirwa vanhu vechiIsiraeri naTenzi
3
nokuti akavakazve nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziya dzakanga dzamboparadzwa nababa wake Hezekiya. Iye akavakirawo Bhaari atari akagadzirawo chimufananidzo chokunamata chiAshera sezvakaitwawo naAhabhu mambo wokwaIsiraeri. Akapfugamirawo gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga achizvinamata.
4
Akavakawo atari mumba yaTenzi yakanga yanzi naTenzi, “PaJerusaremu ndipo pandichaisa zita rangu.”
5
Akavakira atari gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga muzvivanze zviviri zvemba yaTenzi.
6
Akapisa mwana wake mukomana sechibayiro. Manase akanga apindawo mune zvokufembera namaminimini nezvoun'anga hwokududzira mashura obvunzirawo kumasvikiro nokun'anga. Akaita zvakaipa zvakanyanya kwazvo zvisingadiwi naTenzi akamuvirutsa nehasha.
7
Chifananidzo chokuveza chokunamata chiAshera chacho chaakagadzira chiya akachimisa mumba iya yakanga yanzi naTenzi kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Pamba iyi neJerusaremu pandakasarudza mumadzinza ose eIsiraeri ndipo pandichaisa zita rangu narini wose
8
uyewo kuti handizoita kuti tsoka yomuIsiraeri ibude kunze vadzungaire vari kunze kwenyika yandakapa madzibaba avo. Ndokunge chete vachenjerera kutevedza zvose zvandakati vaite uye nezvose zviri pamutemo wavakaudzwa naMosesi muranda wangu.”
9
Asi havana kuteerera uyewo Manase akavafurira kuita zvakaipa zvaitopfuura zvakaitwa namarudzi aye akaparadzwa naTenzi achiadzingira vanhu veIsiraeri.
10
Tenzi akataura nomuromo wavaranda vake vaporofita kuti,
11
“Pamusana pokuti Manase mambo wokwaJudha akaita zvinosemesa kudai achiita zvinhu zvakaipa kupinda zvaiitwa navaAmori vakamutangira kuvapo akapinza vokwaJudha mukutadza nokunamata zvifananidzo zvake izvi,
12
naizvozvo zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri, ‘Chinzwai, ndava kuzopinza Jerusaremu novokwaJudha munyatwa yokuti ani naani anoinzwa anowunga nzeve.
13
Urefu hwemwero hwandakaranga nahwo Samaria noudzamu hwandakaranga nahwo imba yaAhabhu ndiwo mwero wandicharanga nawo Jerusaremu. Sokukokota kunoita munhu ndiro, kuikokota zvokuti anogona kuitaridza pasi, ndiko kukokotedza kwandichaita Jerusaremu.
14
Chitsama ichochi chenhaka yavanhu vangu chakasara ndichachiti kuche mumaoko avavengi vavo vachave vokuitwa kanyama kanyama nokuva vanhu vokupambwa navavengi vavo vose.
15
Ndinodaro nokuti vakaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi vakandivirutsa nehasha kubvira zuva rakabuda madzibaba avo muIjipiti kusvikira pari nhasi.’ ”
16
Uyewo Manase uyu akadeura ropa rakanyanya kwazvo ravanhu vasina nemhosva yese zvokuti akazadza Jerusaremu naro kunze nokunze kuwedzera pachitadzo chaakapinza nacho vokwaJudha mukutadza vakaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi.
17
Inga dzimwe nyaya dzaManase nezvose zvaakaita nechitadzo chaakapara, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha.
18
Manase akazovatawo oenda kwakaenda vamwe, madzitateguru ake. Akavigwa mubindu romumuzinda make mubindu raUza. Mwanakomana wake Amoni ndiye akazotonga panzvimbo pake.
19
Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwemakore maviri ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Meshuremeti mwanasikana waHaruzi wokuJotibha.
20
Iye akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi sezvakangoita baba vake Manase.
21
Mune zvose akatevedza nzira yakafamba nababa vake. Akanamata zvifananidzo zvainamatwa nababa vake akazvipfugamira.
22
Akafuratira Tenzi, Mwari wamadzibaba ake akarega kutevedza gwara raTenzi.
23
Makurukota aAmoni akaita bangano rokumupandukira. Vakauraya mambo iyeyu mumuzinda make.
24
Asi vanhu vomunyika iyi vakauraya vose ivavo vakanga vapandukira mambo Amoni. Vanhu ivavo venyika iyi vakagadza Josiya mwana wake mukomana umambo panzvimbo pake.
25
Inga dzimwe nyaya dzezvaAmoni dzezvaakaita, dzakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha.
26
Akavigwa muguva rake mubindu raUza. Mwana wake mukomana Josiya ndiye akazotonga panzvimbo pake.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25