bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 15
2 Kings 15
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 16 →
1
Mugore ramakumi maviri nechinomwe rokutonga kwaJerobhoamu mambo wokwaIsiraeri, Azariya mwanakomana waAmaziya mambo wokwaJudha akatangisa kutonga.
2
Akanga ava namakore gumi namatanhatu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakore makumi mashanu namaviri ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jekoriya vomuJerusaremu.
3
Iyeyu akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwa nababa vake Amaziya.
4
Zvakadaro zvazvo nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vainge vachingopira zvavo zvibayiro nokupisa rusenzi panzvimbo idzodzo dzakatunhumara dzokuteurira.
5
Tenzi akarova mambo nechirwere chemaperembudzi chikaramba chakamubata kusvikira pazuva raakafa. Izvozvo ainge ongogara mumba make ari oga oga. Jotamu mwanakomana wamambo ndiye akanga abata zvomumuzinda wamambo achitonga vanhu.
6
Inga dzimwe nyaya dzezvaAzariya nezvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha.
7
Azariya akazovatawo oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Vakamuviga pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Jotamu ndiye akazotonga panzvimbo pake.
8
Mugore ramakumi matatu nechisere rokutonga kwaAzariya mambo wokwaJudha, Zekariya mwanakomana waJerobhoamu akatonga vokwaIsiraeri ari muSamaria kwemwedzi mitanhatu.
9
Iyeyu akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi sezvakaita madzibaba ake haana kusiyana nezvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza.
10
Sharumu mwanakomana waJabheshi akaronga zvokumumukira akamuponda pane vanhu akafa. Iye ndokutonga panzvimbo pake.
11
Inga dzimwe nyaya dzezvaZekariya zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri.
12
(Ichochi ndicho chitsidzo chaTenzi chaakaita kuna Jehu achiti, “Vana vako vakomana vachagara pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri kusvikira kuchizvarwa chechina,” zvikabva zvaitika saizvozvo).
13
Sharumu mwanakomana waJabheshi akatangisa kutonga mugore ramakumi matatu nechipfumbamwe rokutonga kwaUziya mambo wokwaJudha. Akatonga kwemwedzi mumwechete ari muSamaria.
14
Menahemu mwanakomana waGadhi akabva kuTiriza akakwira kuSamaria akaponda Sharumu mwana waJabheshi muSamaria akamuuraya ndokutonga panzvimbo pake.
15
Inga dzimwe nyaya dzezvaSharumu nokuronga kwaakaita zvokupanduka zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsiraeri.
16
Panguva iyoyo Menahemu akaparadza Tifusa navose vaivemo nedunhu raro, kubvira kuTiriza zvichienda mberi nokuti havana kumuzarurira guta irori ndokusaka akariparadza achitumbura madzimai aiva nepamuviri vakanga varimo.
17
Mugore ramakumi matatu nechipfumbamwe rokutonga kwaAzaria mambo wokwaJudha, Menahemu mwanakomana waGadhi akatangisa kutonga kwaIsiraeri. Akatonga kwegumi ramakore ari muSamaria.
18
Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Pamazuva ake ose haana kusiyana nezvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza.
19
Puru mambo weAsiria akauya kuzorwisa nyika iyi, ndokubva Menahemu apa Puru mari yesirivha inorema makirogiramu zviuru makumi matatu nezvina achida kuti abatsirwe kuita kuti umambo hwake hudzike midzi.
20
Menahemu akawana mari iyoyi nokuteresa vokwaIsiraeri. Akaitora kuna vapfumi achibvisisa makumi mashanu emari yesirivha yamashekeri pamunhu, yokupa kuna mambo weAsiria. Nokudaro mambo weAsiria akadzokera zvake. Haana kuzoramba ari munyika umu.
21
Inga dzimwe nyaya dzezvaMenahemu nezvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri.
22
Menahemu akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Mwanakomana wake Pekahiya ndiye akazotonga panzvimbo pake.
23
Mugore regumi nechishanu rokutonga kwaAzariya mambo wokwaJudha, Pekahiya mwanakomana waMenahemu akatangisa kutonga kwaIsiraeri ari muSamaria. Akatonga kwamakore maviri.
24
Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Haana kusiyana nezvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza.
25
Mumwe mukuru mukuru wehondo yake ainzi Peka, mwanakomana waRemariya akaronga kumupandukira navarume makumi mashanu vokwaGireadhi vakamuuraya kuSamaria mumba yokuhwanda hondo yomumuzinda wamambo, akabva ava kutonga panzvimbo pake.
26
Inga dzimwe nyaya dzezvaPekahiya nezvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri.
27
Mugore ramakumi mashanu nechipiri rokutonga kwaAzariya mambo wokwaJudha, Peka mwanakomana waRemariya akatanga kutonga kwaIsiraeri ari muSamaria. Akatonga kwamakumi maviri amakore.
28
Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Haana kusiyana nezvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza.
29
Pamazuva aPeka mambo wokwaIsiraeri, Tigiratipireseru mambo weAsiria akauya akakurira Iyoni neAbherobhetimaaka neJanoa neKedheshi neHazori nokwaGireadhi neGarirea nenyika yose yokwaNafutari. Akatapa vanhu ivavo akaenda navo kuAsiria.
30
Hoshea mwanakomana waEra akaronga kupandukira Peka mwanakomana waRemariya akamuponda akamuuraya akatonga panzvimbo pake. Izvozvo raiva gore rechimakumi maviri rokutonga kwaJotamu mwanakomana waUziya.
31
Inga dzimwe nyaya dzezvaPeka nezvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzemadzimambo okwaIsiraeri.
32
Mugore rechipiri rokutonga kwaPeka, mwanakomana waRemariya, mambo wokwaIsiraeri, Jotamu mwanakomana waUziya, mambo wokwaJudha akatanga kutonga.
33
Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwemakore gumi namatanhatu ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jerusha, mwanasikana waZadhoki.
34
Akaita zvakarurama, zvinodiwa naTenzi, sezvakaitwawo nababa wake Uziya.
35
Zvakadaro zvazvo, nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vainge vachingopira zvavo zvibayiro nokupisa rusenzi panzvimbo idzodzo dzakatunhumara dzokuteurira. Akavaka Suo Guru roKumusoro repamba paTenzi.
36
Inga dzimwe nyaya dzezvaJotamu nezvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha.
37
Mumazuva iwayo Tenzi akatanga kutuma Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemariya kuti varwise vokwaJudha.
38
Jotamu akazovatawo oenda kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi tateguru wake. Mwanakomana wake Ahazi ndiye akazotonga panzvimbo pake.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25