bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 19
2 Kings 19
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 20 →
1
Pazvakasvika munzeve dzamambo, Hezekiya akabvarura hanzu dzake akapfeka masaga akapinda mumba yaTenzi.
2
Akabva atuma Eriakimu mukuru mukuru womumuzinda wake naShebhuna samunyori mukuru navakuru vakuru vavapristi kumuporofita Isaya mwanakomana waAmozi vakapfeka masaga.
3
Vakandomuti, “Zvanzi naHezekiya, ‘Nhasi uno izuva rokusuruvara, zuva rokutsiurwa, zuva rokufumurwa, nokuti nguva yokuti vana vachiberekwa yasvika, asi simba rokuvasununguka hapasisina.
4
Zvingangoitika kuti Tenzi, Mwari wenyu anzwa zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda uya atumwa natenzi wake mambo weAsiria kuzonyomba Mwari mupenyu; iye Tenzi, Mwari wenyu angadaro akatsiudza zvaanzwa izvi. Naizvozvo dai mukanamatirawo chitsama chavanhu ichi chasara.’ ”
5
Pakasvika makurukota amambo Hezekiya kuna Isaya,
6
Isaya akavati, “Endai mundotaurira tenzi wenyu kuti, zvanzi naTenzi, ‘Usatye zvako pamusana pomuromo wataurwa namakurukota amambo weAsiria wokundinyomba.
7
Chiripo ndechichi ichi, ndichapinza mweya maari wokuti achangonzwa runyerekupe rwamarehwarehwa agopishinuka kudzokera kunyika kwake kwandichandomupinza murufu rwokuurayiwa nebakatwa munyika make imomo.’ ”
8
Mutariri mukuru wezvomumuzinda uye akadzokera nokuti akanga anzwa kuti mambo weAsiria abva kuRakishi akatomuwana achirwisana neRibhuna.
9
Mambo weAsiria paakanzwa nezvaTirihaka mambo weItiopia akanga ari munzira kuuya kuzomurwisa, akatumazve nhume kuna Hezekiya achiti:
10
“Endai mundoti kuna Hezekiya mambo wokwaJudha zvanzi, ‘Usanyengedzwe naMwari wako waunovimba naye achiti, Jerusaremu haichaiswa mumaoko amambo weAsiriya.
11
Iwe wakangozvinzwirawo woga zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose zvokunyatsodziparadza chaizvo. Ko iwe ndopaunganunurwe nhai?
12
Ko vedzimwe ndudzi dzakaparadzwa namadzibaba angu idzi dzinoti: dzokuGozani nokuHarani neRezevhu navanhu vokuEdheni vaiva kuTeresari, vamwari vadzo vakadzinunura here?
13
Ko mambo weHamati aripi zvino? Ko mambo weAripadhi? Ko mambo weguta reSefarivhaimu? Ko mambo weHena namambo weIvha varipi?’ ”
14
Hezekiya akagamuchira tsamba iya mumaoko enhumwa akaiverenga akaenda nayo kumba yaTenzi ndokundoti ware ware pana Tenzi.
15
Hezekiya akanamata kuna Tenzi achiti, “Tenzi, Mwari weIsiraeri, imi mugere pamusoro pamakerubhu. Imi moga ndimi Mwari wenyika dzose dzapasi pano pose. Ndimi makasika denga napasi.
16
Rerekai nzeve yenyu Tenzi munzwe. Zarurai meso enyu Tenzi muone, munzwe mashoko aSenakeribhu aatumira kuzonyomba nawo Mwari mupenyu.
17
Ichokwadi Tenzi kuti madzimambo eAsiria akaparadza marudzi nenyika dzawo.
18
Akapisa vamwari vavo nomoto. Akadaro hongu nokuti vakanga vasiri Mwari asi kuti zvaingova zvinhu zvakagadzirwa namaoko avanhu, miti zvayo namatombo. Ndokusakaka akazviparadza.
19
Zvino Tenzi, Mwari wedu ndateterera tinunureiwo mumaoko ake, nyika dzose dzepasi pano dzizive kuti imi Tenzi ndimi moga Mwari.”
20
Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekiya rokuti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Munamato wako kwandiri nezvaSenakeribhu mambo weAsiria ndaunzwa.’ ”
21
Zvataurwa naTenzi nezvake ndezvizvi: Iri kukushora inokuzvidza mhandara yeZioni. Ari kutozunguza zvake musoro shure kwako mukunda weJerusaremu.
22
Wawanyomba ukatuka ipapa ndiani? Wauri kuzhambira ipapa ndiani chaizvo? Waunodzvondorera maziso uchizvikudza kudaro ndiani? Wauri kudaro ndiye Mutsvene weIsiraeri
23
nenhumwa dzako uchitonyombaka Tenzi iwe. Uchitoti zvako: Negurusvusvu rangu rengoro dzehondo, ndakakaramata makomo ini kusvika pamusoro, nadzo ndikasvika kwakaperera Rebhanoni, miti yeko yakarebesesa yemisidhari ndikairizhanisa, miti yeko yemisaipurasi yakanakisisa ndikaitema, ndikapinda ini chaimo mukatikati mayo, chaimo mumasango ayo matema;
24
ndikatocheramo matsime ndikanwa ini mvura imwewo. Ndakatsika ini netsoka yangu tukova twose tweIjipiti twukaoma kuti gwa.
25
Zvaive mumwoyo mangu kwenguva ndefu hazvisati zvakusvika munzeve nhai, zvandakaronga kare kare pasichigare zvandava kutozoita zvangu iye nhasi zvokuti maguta ane tsvingo uaite mirwi yamatongo.
26
Vagari vemo vachiti rukutu kupera simba, vakangaidzwa vazvishaira pazvo vaita sezvinhu zvinomera musango soruswiswi, souswa hunomera padenga remba hunoshwauruka kuoma husati hwambokura.
27
Asi mugariro wako ndinouziva kwaunofamba ndinokuziva twaunobata ndinotuziva kunyange kundipunyairira kwako nehasha ndinokuziva
28
nokuti uri kundipunyairira nehasha iwe kuzvitutumadza kwako kwasvika munzeve dzangu. Ndichaisa chikochekero changu pamhuno dzako ndichakuisa zvako matomu mukanwa ndikupishunutsire nokwakare kunzira kwawakauya nako kuno.
29
“Ichi ndicho chichava chiratidzo chako, mwaka uno zvamuchadya zvichamera zvoga, gore ramakei zvichava zvamahoko, mugore rechitatu muchadyara mukatokohwa, muchatosima zvenyu minda yemigirepisi, mukatodyawo zvenyu michero yayo.
30
Chitsama chavanhu vokwaJudha chichasara chichadzika midzi pasi, mudenga chichibereka michero
31
nokuti chitsama chinosara chichabuda muJerusaremu chikwata chevanopunyuka rufu chichabuda muGomo reZioni. Shungu dzina Tenzi ndidzo dzichaita izvozvi.
32
“Naizvozvo panyaya yamambo weAsiria uyu zvanzi naTenzi: ‘Haambopinda muguta rino kana museve, haamboukanda. Hapana nhoo yaanomborivheyesera, kana kuriumbira nevhu kurusvingo chimusana chenzou kuita pokupindamo napo.
33
Nzira yaakauya nayo yacho ndiyo yaachadzokera nayo. Kupinda muguta rino haambomupinda ndiTenzi anodaro kutaura.
34
Ndichadzivirira guta rino ndigoriponesa. Izvozvo ndichiitira iyeni pachangu pamusana pomuranda wangu Dhavhidhi.’ ”
35
Usiku ihwohwo mutumwa waTenzi akaenda akauraya vanhu zana rezviuru rine zviuru makumi masere nezvishanu. Pakafumomuka vanhu mangwanani, onei ivava vose zvangova zvitunha.
36
Senakeribhu mambo weAsiria ndokusimuka oenda kumusha akandogara muNinevhe.
37
Zvino akati achinamata ari mumba maNisiroki mwari wake, vanakomana vake Adhiramereki naSharezeru vakamuuraya nemapakatwa vakatizira kunyika yeArarati. Mwanakomana wake Esarihadhoni ndiye akazotonga panzvimbo pake.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25