bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 9
2 Kings 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 10 →
1
Muporofita Erisha akadaidza mumwe weboka ravaporofita akati kwaari, “Pfeka utore chinu chamafuta mumaoko, uende kuRamoti kuGireadhi.
2
Kana wasvikako, tsvaka mumwe munhu anonzi Jehu akaberekwa naJehoshafati mwana waNimushi, pindamo umuti asumuke pana vamwe vake, uende naye mumba yomukati
3
wotora chinu chamafuta chiya, wodira mafuta mumusoro make uchiti, ‘Zvanzi naTenzi ndakuzodza mafuta kukugadza umambo hwokwaIsiraeri.’ Wobva wazarura musuo wotiza usambomira zvako.”
4
Naizvozvo muporofita wacho, jaya iri rakaenda kuRamoti kuGireadhi.
5
Akasvikako, wanei vatungamiriri vehondo vari mudare. Akati, “Ndine kamwe kanyaya nemi mutungamiriri wehondo.” Jehu akati, “Naani wacho pakati pedu tose?” Iye akabva ati, “Naiyemi mutungamiriri wehondo.”
6
Ipapo akasimuka akapinda mumba, muporofita uyu, jaya riye rikadira mafuta mumusoro make rikati kwaari, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Ndakugadza kuva mambo wavanhu vaTenzi, vaIsiraeri.
7
Unofanira kuparadza imba yaAhabhu, changamire wako kuitira kuti nditsividze Jezebhero ropa revaranda vangu vaporofita neropa revaranda vose vaTenzi
8
nokuti imba yose yaAhabhu inofanira kuparara. Ndichaparadza vokwaAhabhu, munhu wose wechirume muranda kana asiri muranda muIsiraeri.
9
Imba yaAhabhu ndichaiita hwemba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati uye hwemba yaBhaasha mwanakomana waAhiya.
10
Imbwa dzichadya zvadzo Jezebhero mudunhu reJezirieri hapana neanozomuviga.’ ” Akabva azarura musuo ndokutiza.
11
Jehu paakabudamo akapinda muna machinda achangamire wake, iwo akati kwaari, “Kwakanaka here? Ko iri benzi romunhu ranga ravingei kwamuri?” Iye akati kwavari, “Inga munhu akadai uyu munongomuzivawo wani uye nezvaanotaura.”
12
Ivo vakati, “Kweteka, hazvisizvo, chitiudza.” Akabva ati, “Zvaanditaurira ndezvizvi izvi: ati, ‘Zvanzi naTenzi, ndakugadza paumambo hwokwaIsiraeri.’ ”
13
Munhu wose pavari ivava akaita chipatapata kutora hanzu yake akamuwaridzira pasi pamanera chaipo. Vakaridza hwamanda vachizivisa kuti, “Jehu ndiye mambo.”
14
Jehu mwanakomana waJehoshafati muzukuru waNimishi akabva apandukira mambo Joramu. Izvozvo Joramu nevokwaIsiraeri vose vakanga vandodzivirira guta reRamoti kuGireadhi rairwiswa naHazaeri mambo weSiria.
15
Zvino mambo Joramu akanga adzokera kuJezirieri kundorapwa maronda aakanga akuvadzwa navaSiria paakarwisa Hazaeri mambo weSiria. Ipapo Jehu akati, “Kana zvirizvo zvakupindaiwo mumwoyo ngapachirega kuva naanoverera muguta muno kundosvitsa shoko irori kuJezirieri.”
16
Jehu ndokuti mungoro yake yehondo kata akaenda kuJezirieri sezvo Joramu akanga arere ikoko. Izvozvo Ahaziya mambo wokwaJudha akanga adzikako kundotarira Joramu.
17
Mugaririri akanga amire panharire muJezirieri, akaona chikwata chaJehu chichiuya akati, “Ndiri kuona chikwata chavanhu.” Joramu akati, “Tuma munhu nebhiza anochingurana navo, avabvunze kuti kwakanaka here?”
18
Saizvozvo mumwe munhu akaenda nebhiza kundochingurana naye akati, “Mambo vati kwakanaka here?” Jehu akati, “Unei nazvo zvokunaka zvacho? Chitendeutsa bhiza rako unditevere.” Mugariri uyu akataura achiti, “Nhume iyo yasvika kwavari, asi hayizi kudzoka.”
19
Akabva atumirako kechipiri munhu nebhiza, akasvika kwavari akati, “Mambo vati kwakanaka here?” Jehu akati, “Zvokunaka unei nazvo? Chitendeutsa bhiza rako unditevere.”
20
Mugaririri akataurazve achiti, “Nhume iyo yasvika kwavari, asi hayizi kudzoka. Asi muchairiro wacho unenge muchairiro waJehu mwana waNimishi nokuti ari kupengereka chaizvo.”
21
Joramu akati, “Gadzirirai.” Vakabvawo vagadzirira ngoro yake yehondo. Joramu mambo wokwaIsiraeri naAhaziya mambo wokwaJudha ndokubva vati uyu mungoro yake, uyu mungoro yake vopinda munzira kundochingurana naJehu ndiye dhuma dhuma naye pamunda waNabhoti womuJezirieri.
22
Joramu paakaona Jehu akati, “Kwakanaka heren Jehu?” Iye akapindurawo achiti, “Kuchinakei ihwo hunzenza hwokunamata zvifananidzo hwaamai vako Jezebhero nouroyi hwavo hwakadai kuwanda?”
23
Joramu akatendeutsa bhiza rake otiza achiti kuna Ahaziya, “Kwapandukwa Ahaziya we-e!”
24
Jehu akatatamura uta hwake nesimba rake rose akapfura Joramu pakati pamapendekete ake zvokuti museve wakabaya mwoyo wake akabva ati bvucha mungoro make.
25
Jehu akauudza Bhidhikari mumwe mukuru mukuru wehondo yake kuti, “Musimudze umukande mumunda waNabhoti womuJezirieri. Handiti uchiri kuyeuka shoko riya rakataurwa naTenzi nezvake paye paye pataifamba tose tiri pamabhiza takavambirana, iwe neni tiri mushure maAhabhu, baba vake pakanzi,
26
‘Tenzi ati chokwadi chokwadi sokuona kwandakaita nezuro ropa raNabhoti nerevanakomana vake ndizvo zviri kutaura Tenzi ndichaita kuti iyewe uriripe pamunda ipo pano, ndini Tenzi ndinodaro. Saka zvino mutore umukande mumunda maererano neshoko raTenzi.’ ”
27
Ahaziya mambo wokwaJudha paakaona izvozvi akati ware kutiza onanga kuBhetihagani. Jehu akamudzingirira achiti, “Kana iyeyo uyo, mupfurei!” Vakamupfura ari mungoro iya okwira makata okuGuru pedyo neIbhereamu iye ndiye ware kutizira kuMegidho akafirako.
28
Makurukota ake akamutakura mungoro yehondo vakaenda naye kuJerusaremu vakamuviga muguva rake pamwechete namadzibaba ake muGuta raDhavhidhi.
29
Ahaziya uyu akanga atangisa kutonga kwaJudha mugore regumi nechiposhi rokutonga kwaJoramu mwanakomana waAhabhu.
30
Jehu paakasvika kuJezirieri, Jezebhero akazvinzwa. Jezebhero akanyatsozvizora maziso ake ndokuzvishongedza musoro. Akadongorera napahwindo.
31
Jehu akati achipinda pasuo guru, Jezebhero akati, “Kutsvene here nhai Zimuri, munhu anouraya tenzi wake?”
32
Akatarisa mudenga kuhwindo kwacho akati, “Ndiani aneni? Ndiani?” Mayuniki maviri kana matatu akadongorera kunze kwaari.
33
Iye ndokuti, “Mukandidzirei pano pasi.” Vakamukandidzira pasi, rimwe ropa rake rikachatikira kumadziro nepamabhiza akabva amutsikirira pasi.
34
Jehu ndokupinda, akadya nokunwa zvake ndokuzoti, “Dai mukaona kuti mukadzi worushambwa uyu avigwa nokuti mukunda wamambo.”
35
Asi pavakachizoti voenda kundomuviga hapana chavakazowana kunze kwomusoro namakumbo nezvanza zvamaoko ake chete.
36
Pavakadzoka kuzomutaurira iye akati, “Izvozvi ndizvo wani zvakarehwa naTenzi nomuromo womuranda wake Eriya wokuTishibhi paakati, ‘Imbwa dzichadya zvadzo mutumbi waJezebhero mudunhu reJezirieri.
37
Chitunha chaJezebhero chichaita sendove kuti kata kata pasi mumunda womudunhu reJezirieri, kushaye anoziva kuti uyu ndiIzebhero uyu.’ ”
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25