bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 23
2 Kings 23
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 24 →
1
Mambo akatuma shoko, vakuru vakuru vose vokwaJudha neveJerusaremu vakaungana kwaari.
2
Mambo akakwira kumba yaTenzi navanhu vose vokwaJudha, navagari vose veJerusaremu navapristi navaporofita navanhu vose vaduku navakuru. Akavavengera vachinzwa mashoko aiva mubhuku rechitenderano rakanga rawanikwa mumba yaTenzi.
3
Mambo akamira pedyo nomusimboti akapika mhiko pana Tenzi yokuti anozomutevera achichengeta mitemo yake, zvirevo zvake nemirao yake nemwoyo wake wose nemweya wake wose kuchengeta zvisungo zvechitenderano ichochi zvanga zvakanyorwa mubhuku irori. Vanhu vose vakatsinhira chitenderano chacho.
4
Mambo akaudza mupristi mukuru Hirikiya navapristi vaimutevedzera paukuru navatariri vepamusuo kuti vabudise mumba yaTenzi midziyo yose yakanga yakagadzirirwa Bhaari nechimufananidzo chokunamata, chiAshera neinomirira gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga, akazvipisira kunze kweJerusaremu muminda yokuKidhironi vakaenda namadota acho kuBhetieri.
5
Akadzinga pabasa vapristi vainamata zvifananidzo, vakanga vagadzwa namadzimambo okwaJudha kuti vapisire rusenzi munzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira mumaguta okwaJudha nomunharaunda yeJerusaremu. Akadzingawo pabasa vaya vaipisira rusenzi kuna Bhaari nokuzuva nokune mwedzi nezvidzengerere zvenyenyedzi nokugurusvusvu rezvinhu zvose zviri mumatenga.
6
Akaburitsa chifananidzo chokumiririra Ashera mumba yaTenzi akaenda nacho kunze kweJerusaremu kukakova keKidhironi akachipisira mukakova ikako keKidhironi. Akachikuya-kuya kuita dota akandomwaya dota racho pamakuva avanhuwo zvavo.
7
Akapaza dzimba dzemhombwe dzaiitirwa basa roupombwe pakunamata kwavo mumba yaTenzi maigadzirirwa namadzimai chifananidzo chiAshera chifananidzo.
8
Akaburitsa vapristi vacho vose kunze mumaguta okwaJudha. Akan'oresa nzvimbo dzacho dzakatunhumara dzokuteurira maimbopisirwa rusenzi navapristi kubvira kuGebha kusvikira kuBheerishebha. Akaparadzawo nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzepamisuo mikuru dzaiva kwokupinda nako kusuo guru raJoshuwa mutongi weguta iroro dzakanga dziri kuruboshwe rwomunhu paanenge achipinda pasuo guru reguta iri.
9
Zvakadaro zvazvo vapristi vepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira havana kukwira kuJerusaremu kuatari yaTenzi, asi vaitodya zvavo chingwa chisina mbiriso pachavo.
10
Akan'oresa kwavari Tofeti nzvimbo iri mubani revanakomana vaHinomu kuitira kuti parege kuva nomunhu anozopira mwana wake mukomana kana musikana sechibayiro kuna Moreki.
11
Akaparadza mabhiza akanga ateketererwa namadzimambo wokwaJudha kuzuva, kwokupinda nako mumba yaTenzi pedyo nemba yaNatanimereki mukuru mukuru wacho muberere, akapisa nomoto ngoro dzehondo dzezuva dzacho.
12
Atari dzaiva padenga remba yaAhazi yapamusoro dzakanga dzagadzirwa namadzimambo okwaJudha neatari dzakanga dzakagadzirwa naManase muzvivanze zviviri zvemba yaTenzi, akadzikoromorera pasi akadzipwanya-pwanya akandokanda mavhu acho mukakova keKidhironi.
13
Mambo akan'oresa kwavari nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzaiva kumabvazuva kweJerusaremu kumaodzanyemba kwegomo roUipi dzakavakwa naSoromoni kuitira chimwe chinosemesa chainzi Ashitoreti, mwari wevaSidhoni nechimwe chinosemesa chainzi Kemoshi mwari wevaMoabhu uyewo chimwe chinosemesa chainzi Mirikomu mwari wevaAmoni.
14
Akapwanya-pwanya zvifananidzo, zvacho zvokunamata akatemera pasi zvifananidzo zviAshera akazadza panzvimbo pazvo nemapfupa avanhu.
15
Chimwe ndechokuti atari iya yokuBhetieri panzvimbo yakatunhumara yokuteurira yakavakwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati nyakupinza vokwaIsiraeri mukutadza uya, atari iyoyo nenzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akazvikoromorera pasi akazvipwanya-pwanya kuita mavhu. Akapisawo chifananidzo chiAshera.
16
Josiya akacheuka akaona makuva mugomo imomo, akatumira vanhu kundotora mapfupa mumakuva iwayo. Akaapisira paatari akain'oresa maererano neshoko raTenzi rakataurwa nomunhu waMwari uya akanga afanozvitaura izvozvi.
17
Akazoti, “Ko icho chakavakwa apo chiiko icho?” Varume vomuguta imomo vakamutaurira kuti, “Iguva romunhu waMwari akabva kwaJudha akafanozvitaura izvozvi zvamaita kuatari iyi yepaBhetieri pano.”
18
Iye akati, “Regai akadaro. Hapana anofanira kubata-bata mapfupa ake.” Saizvozvo mapfupa ake vakangoregawo akangodaro pamwechete namapfupa omuporofita aibva kuSamaria.
19
Dzimbawo dziya dzose dzepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzaiva mumaguta eSamaria dzakavakwa namadzimambo okwaIsiraeri vachivirutsa Tenzi nehasha, Josiya akadzibvisa. Akaita kwadziri zvaakanga aita zvose kuBhetieri.
20
Akauraya vapristi vose vomunzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira vakanga vari ikoko paatari dzacho, akapisira mapfupa avanhu pamusoro padzo ndokubva adzokera kuJerusaremu.
21
Mambo akaudza vanhu vose zvavo kuti, “Chengetai Pasika yaTenzi Mwari wenyu sokunyorwa kwazvakaitwa muBhuku rino reChitenderano.”
22
Zvaivapo ndezvokuti, kubvira pamazuva evatongi vakatonga Isiraeri kana pamazuva ose emadzimambo okwaIsiraeri kunyange emadzimambo okwaJudha, hakuna Pasika yakadai yakanga yaitwa.
23
Asi mugore regumi nechisere rokutonga kwamambo Josiya, Pasika iyoyi yakaitirwa Tenzi muJerusaremu.
24
Chimwezve ndechokuti Josiya akabvisa masvikiro nen'anga, nevamwari vanonzi materafimu, nezvifananidzo zvokunamata, nezvose zvakaipisisa kwazvo zvakaonekwa munyika yokwaJudha nomuJerusaremu achiitira kuti zviri mumutemo zvakanyorwa mubhuku rakawanikwa mumba yaTenzi nomupristi Hirikiya zviitwe.
25
Hakuna kumbenge kwaita mambo akaita saiyeyu akapindukira kuna Tenzi nomwoyo wake wose nomweya wake wose nesimba rake rose, aitevedza zvose zvomutemo waMosesi kunyange kuzomuka mumwe akaita saiyeyu mushure make.
26
Kunyange zvakadaro zvazvo, Tenzi haana kupora hasha dzake dzinotyisa dzaakanga aviruka nadzo, dzaakanga avirukira nadzo vokwaJudha pamusana pokushatiriswa kwose kwaakaitwa naManase.
27
Tenzi akati, “Ndichabvisa vokwaJudhawo pameso pangu, sokubvisa kwandakaita vokwaIsiraeri, guta iri reJerusaremu randakambosarudza nemba yacho yandakanga ndati ndiise zita rangu ndairamba.”
28
Inga dzimwe nyaya dzezvaJosiya nezvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaJudha.
29
Mumazuva aFarao, Neko, mambo weIjipiti akakwira kuna mambo weAsiria kurwizi rweYufuratesi, Mambo Josiya akamuchingudzira. Farao Neko paakamuona akamuuraya kuMegidho.
30
Makurukota ake akamutakura mungoro yehondo chava chitunha kuMegidho akauya naye kuJerusaremu akamuviga muguva rake. Vanhu venyika iyi vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya vakamuzodza vakamugadza umambo panzvimbo yababa vake.
31
Joahazi akanga ava namakore makumi maviri ana matatu paakatangisa kutonga. Akatonga kwemwedzi mitatu ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremiya wokuRibhuna.
32
Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevedzera zvose zvakaitwa namadzibaba ake.
33
Farao Neko akamubata ari mambo kudaro muJerusaremu akandomuisa muubatwa kuRibhura kunyika yeHamati. Ndokubva ateresa nyika yacho mari yesirivha inorema zviuru zvitatu zvamakirogiramu zvina makirogiramu mazana mana nendarama yairema makirogiramu makumi matatu ane mana.
34
Farao Neko akaita Eriyakimu mwanakomana wamambo Josiya mambo panzvimbo pababa wake akamusandura zita ndokumutumidza zita rokuti Jehoyakimu. Asi akatora Joahazi akaenda naye kuIjipiti, Joahazi akafira ikoko.
35
Jehoyakimu akapa Farao sirivha nendarama. Asi akatenge ateresa nyika kuti awane mari yokutera sezvakanga zvanzi naFarao zviitwe. Aibvisisa vanhu venyika mutero wesirivha nendarama munhu wose achibvisiswa paainge atemerwa kuti ape kuna Farao Neko.
36
Jehoyakimu akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Zebhidha mwanasikana waBhedhaya wokuRuma.
37
Iye akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevedzera zvose zvakaitwa namadzibaba ake.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25