bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Kings 24
2 Kings 24
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 25 →
1
Panguva yaJehoyakimu Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akauya, ndokubva Jehoyakimu ava muranda wake kwamakore matatu. Asi akazodzoka omupandukira.
2
Tenzi akamutumira zvikwata zvavaKaridhea nezvikwata zvevaSiria nezvikwata zvavaMoabhu nezvikwata zvavaAmoni. Akazvitumira kundorwisa kwaJudha kuti vaparadze sokumbotaura kwakaita Tenzi nomuromo wavaranda vake vaporofita.
3
Izvozvi zvinofanira kunge chete zvakawira vokwaJudha ari Tenzi ainge atotema kuti zviitike kuti avabvise pameso pake pamusana pezvitadzo zvaManase maererano nezvose zvaakanga aita
4
uye napamusana peropa risina mhosva raakadeura nokuti akanga azadza Jerusaremu neropa risina mhosva. Zvino Tenzi akaramba kuregerera izvozvi.
5
Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoyakimu nezvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaJudha.
6
Jehoyakimu uyu akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Mwanakomana wake Jehoyakini ndiye akazotonga panzvimbo pake.
7
Mambo weIjipiti haana kuzobudazve munyika make nokuti mambo weBhabhironi akanga zvino atorera mambo weIjipiti zvose zvaaiva nazvo kubvira kukakova keIjipiti kusvikira kurwizi rwaYufuratesi.
8
Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo. Akatonga kwemwedzi mitatu ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Nehushita mwanasikana waErinatani wokuJerusaremu.
9
Iye akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi achitevedzera zvakaitwa nababa vake.
10
Panguva iyoyo machinda aNebhukadhineza mambo weBhabhironi akakwira kuJerusaremu akarikomba.
11
Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akavinga guta irori, machinda ake akarikomba.
12
Jehoyakini mambo wokwaJudha akazviisa mumaoko amambo weBhabhironi, iye naamai vake namakurukota navanakomana vake navakuru vakuru vomumuzinda make. Mambo weBhabhironi akamuita mubatwa wake mugore rechisere rokutonga kwake.
13
Akatakura upfumi hwose hwomumba yaTenzi noupfumi hwomumuzinda wamambo. Akajajada midziyo yose yendarama yaiva mumba yaTenzi kuita zvidimbu zvidimbu. Ndiyo midziyo iya yakanga yagadzirwa naSoromoni mambo weIsiraeri sokutaura kwakanga kwaita Tenzi.
14
Akatapa Jerusaremu yose vaiti: vana vamambo vose namagamba ose okurwa vari nhapwa dzaisvika gumi rezviuru, kwoti nyanzvi dzokugadzira zvinhu nemhizha dzoutare. Hapana akasara kusiya chete varombowo zvavo vokupedzesera chaivo vomunyika imomo.
15
Akatakura Jehoyakini kuBhabhironi naamai vake iye mambo navakadzi vamambo namakurukota ake namadzishe omunyika iyi akavatapa muJerusaremu akaenda navo kuBhabhironi.
16
Mambo weBhabhironi akatapa magamba ose okurwa aisvika zviuru zvinomwe nenyanzvi dzokugadzira zvinhu nemhizha dzoutare vaisvika chiuru akaenda navo kuBhabhironi. Vose ivava vaiva vanhu vakasimba vakasvikawo chaivo vaigona kurwa muhondo.
17
Mambo weBhabhironi akaita Mataniya babamudiki waJehoyakini mambo panzvimbo pake akamusandura zita omutumidza rokuti Zedhekiya.
18
Zedhekiya akanga ava namakore makumi maviri nerimwechete paakava mambo. Akatonga kwemakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremiya wokuRibhuna.
19
Iye akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi achitevedzera zvose zvakanga zvaitwawo naJehoyakimu.
20
Zvakazosvitsa pokuti Tenzi abvise Jerusaremu nenyika yevokwaJudha pameso pake pamusana pokushatirwa kwaakanga aita. Zedhekiya akazopandukira mambo weBhabhironi.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25