bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 13
Proverbs 13
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 14 →
1
Mwana akangwara anoteerera zvaanodzidziswa nababa vake, asi tsvuuramuromo haitsiuriki.
2
Munhu anodya zvakanaka zvinobva mumuchero wezvaanotaura nomuromo wake asi vanyengedzi chavanoda utsinye.
3
Munhu anobata muromo wake anochengetedza upenyu hwake asi anongoshamarara kutaura anozviparadza.
4
Nyope yomunhu inosuwira zvinhu asi haina chainowana, vanochamirira basa vanokora.
5
Akarurama anovenga nhema asi akaipa anoita zvinotsverutsa uye zvinonyadzisa.
6
Ururami hunochengetedza vane nzira dzakarurama asi chitadzo chinorigira pasi mutadzi.
7
Mumwe munhu anoita somupfumi chaanacho pasina mumwewo anoita zvake somurombo asi aine upfumi hwakawanda.
8
Chinonunura munhu upenyu upfumi hwake, asi murombo hapana chikonzero chokumutyityidzira.
9
Chiedza chomururami chinongoti bhaa kuchena asi mwenje womuipi uchanzi nhoo kudzimwa.
10
Kuzvikudza, chako kumutsa nharo asi vanobvuma kupiwa mazano chavo ungwaru.
11
Upfumi hunowanikwa nechimbichimbi hautani kupera asi anohuunganidza kashoma nakashoma anotohuwedzeredza.
12
Chawakatarisira munhu chikanonoka zvinoodza mwoyo asi chaunoda chikaitika ndiwo muti woupenyu.
13
Munhu anoshora shoko anozviparadza asi anoremekedza mutemo achapiwa mubayiro.
14
Chidzidziso chomungwaru chisipiti cheupenyu kuitira kuti munhu anzvenge musungo werufu.
15
Kunzwisisisa kunoita kuti munhu adiwe asi nzira yavanyengedzi yakaoma.
16
Munhu akachenjera anoita zvinhu noruzivo asi benzi rinoparidzira urema hwaro.
17
Nhumwa yakaipa inopinza munhamo asi nhumwa yakatendeka inounza kurapa.
18
Munhu anoshora dzidzo urombo nokunyadziswa ndozvake asi anoisa mumwoyo zvaanege atsiurwa acharemekedzwa.
19
Munhu anofara kana zvaanoda zvaitika zvokusiana nezvakaipa mapenzi haadi.
20
Anofambidzana navangwaru, anovawo mungwaru asi shamwari yamapenzi inopinda nhamo.
21
Vatadzi vanorondwa nezvakaipa asi vakarurama vanopiwa mubayiro nezvakanaka.
22
Munhu wakanaka anosiira vana vevana vake nhaka asi upfumi hwomuipi hunochengeterwa varurami.
23
Gura romurombo rinopa chokudya chakawanda asi chinotsvairwa pamusana pokushaika kweruenzaniso.
24
Munhu asingarove mwana wake neshamhu anomuvenga, asi anoda mwana wake anomuranga kwazvo.
25
Mururami anodya pamadiro, asi dumbu rowakaipa inzara yoga.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31