bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 16
Proverbs 16
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 17 →
1
Munhu anogona kuronga zvinhu mumwoyo make asi zvaanozotaura norurimi rwake zvinenge zvatobvumidzwa naTenzi.
2
Zviito zvomunhu zvingatarisike sezvakanaka kumuridzi wazvo asi Tenzi anoyera zvinangwa zvomunhu.
3
Turira basa rako kuna Tenzi zvirongwa zvako zvinobudirira.
4
Tenzi anebasa raakasikira chimwe nechimwe kunyange vakaipa vane zuva ravo repfumvu.
5
Munhu wose anozvitutumadza, Tenzi anomusema kurangwa haambofa akapotsana nako.
6
Mwoyo wakanaka nokutendeseka zvinopfupira zvitadzo kutya Tenzi kunoita kuti munhu anzvenge uipi.
7
Kana Tenzi afadzwa noupenyu hwomunhu anosandura vavengi vake achivaita shamwari dzake.
8
Zviri nani kuva nezvishoma munhu ari mururami pane kuva nezvakawanda asi pasina ruenzaniso.
9
Munhu anogona kuzvirongera zvaanoda kuita asi Tenzi ndiye anototungamirira kufamba kwake.
10
Mambo anotaura seane kamuti mukanwa, kana wotonga haapotsi.
11
Zviero nezvikero zvakarurama ndezvaTenzi kunyange zvokueresa zviri mutsapo ndezvake.
12
Kuita zvakaipa kunosemesa kumadzimambo nokuti umambo hunotsigirwa noururami.
13
Muromo unotaura zvakarurama unofadza mambo uye anoda munhu anotaura zvakarurama.
14
Hasha dzamambo iyambiro yorufu, munhu akangwara anoedza kudzipodza.
15
Kufaranuka uso kwamambo kunoreva upenyu kufarirwa namambo kwakaita samakore anounza mvura yomunhuruka.
16
Kuwana ungwaru, kuri nani pano kuwana ndarama, kuva nokunzwisisa ndiko kunofanira kusarudzwa pane kusarudza sirivha.
17
Mugwagwa mukuru wavarurami unotsaukana nouipi. Munhu anotarisa paanotsika anozvichengetedza upenyu.
18
Kuzvikudza kunoteverwa nokuparadzwa uye kuviruka nehasha kunoteverwa nokukoromoka.
19
Zviri nani kuva nomwoyo wokuzvirereka pamwechete navarombo pano kugoverana zvokupamba pamwechete navanozvikudza.
20
Munhu anoteerera shoko anobudirira akakomborerwa anovimba naTenzi.
21
Munhu akangwara anonzi munhu anoona zvinhu nemazvo, kutaura zvinotapira kunobatsira kukurudzira vamwe.
22
Ungwaru itsime roupenyu kune anaho asi upenzi ishamhu kumapenzi.
23
Pfungwa dzomungwaru dzinoita kuti muromo wake utaure zvinoungwaru uye zvinopamhidzira kumuromo wake chipo chokukurudzira vamwe.
24
Mazwi akanaka akaita sezinga rouchi, anotapira parurimi uye anorapa munhu.
25
Munhu anogona kuona zviito zvake sezvakanaka asi zvichizoguma zvamuendesa kurufu.
26
Havi yomushandi ndiyo inomumanikidza kushanda nokuti nzara inomukweva.
27
Dzenga rinomutsa muchokoto, zvarinotaura, moto chaiwo unopisa.
28
Munhu akaipa anopesanisa vanhu munhu wamakuhwa anoparadzanisa shamwari.
29
Munhu woutsinye anofurira mumwe wake achimutungamirira munzira isina kururama.
30
Munhu anochonya maziso ane twaanoronga twakaipa, munhu anomonya muromo anokonzera zvakaipa kuti zviitike.
31
Kuchena musoro indaza yembiri kunowanikwa noupenyu hwakarurama.
32
Munhu asingakurumidzi kushatirwa ari nani pane vana masimba, munhu anozvitonga ari nani pane anokurira guta.
33
Panogona zvapo kuita chin'ange pamakumbo asi zvinenge zvabvumirwa naTenzi ndizvo zvinoitika.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31