bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 5
Proverbs 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 6 →
1
Mwanangu teerera ungwaru hwangu rerekera nzeve yako kumazwi angu okunzwisisa
2
kuti uchengetedze kuziva kusarudza uye miromo yako ichengete ruzivo.
3
Miromo yomukadzi asiwako inodonha uchi zvaanotaura zvinotsvedzerera kupinda mafuta
4
asi pokupedzisira anokarakata segavakava akapinza sebakatwa rinocheka kose.
5
Tsoka dzake dzinoenda kurufu nhanho dzake kuvafi ndiko kwadzo.
6
Haambofungi nezvenzira inoeda kuupenyu, nzira dzake dzinopota-pota asi haazvizivi.
7
Zvino vanangu ndinzwei musasiane namazwi omuromo wangu
8
tambira kure naye usambosvika zvako pedyo nomusuo wemba yake.
9
Ungadaro ukapa rukudzo rwako kunavamwe uye makore ako kuna vasina tsitsi
10
vamwewo vanhu vangadaro vakutorera upfumi hwako zvawakashandira zvikaenda kumutorwa.
11
Pakupedzisisa poupenyu hwako unozowuwura nyama yako nomuviri zvadyiwa zvino wavakuti,
12
“Chandakarambirawo zvangu kudzorwa chiiko, mwoyo wangu uchishora kutsiurwa.
13
Ndairamba kuteerera zvaitaurwa navarairidzi vangu kana kurerekera nzeve yangu kuvadzidzisi vangu.
14
Ndakanga ndasvika pokutoparara zvachose mukati megungano rakaungana.”
15
Inwa mvura inobva mumugodhi wako mvura inoerera inobva mutsime rako.
16
Zvisipiti zvako zvongoyerera nenyika here mihoronga yemvura yako iyerere mumigwagwa zvayo here?
17
Ngaive yako yoga kwete yevatorwa vaunavo.
18
Rega kasipiti kako kakomborerwe ufadzwe nomukadzi wapahudiki hwako
19
sesheshe yemhembwe kunaka, senhunzvi yengururu yakanakisa kukuda kwake ngakukuzadze nokufara ugutsikane nguva dzose norudo rwake.
20
Sei uchibatwa mwoyo mwanangu, nomukadzi asiwako uchimbundira chipfuva chepfambi?
21
Chiripo ndechokuti Tenzi anoona zviito zvomunhu anotarisa nzira dzake dzose.
22
Munhu anoteewa nouipi hwake anobatwa mubasa rake iroro rechitadzo.
23
Anofa pamusana pekutadza kuzvibata uye anorasika pamusana poupenzi hwake hukuru.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31