bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 25
Proverbs 25
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 26 →
1
Idziwo itsumo dzaSaromoni dzakanyorwa navanhu vokwaEzekiya mambo wokwaJudha.
2
Kuna Mwari kuhwandisa zvinhu inotova mbiri kwaaari asi mbiri yamadzimambo, iri mukutsvakisisa zvinhu.
3
Sokukwira, kwakaita denga nokudzika kwakaita nyika ndizvo zvakaita pfungwa dzamadzimambo, hadzibatiki.
4
Ukabvisa tsvina musirivha mhizha youtare inobva yava nechokuitisa midziyo.
5
Ukabvisa vakaipa panaMambo umambo hwake hunobva hwasimba nohururami.
6
Usazvisesekedze pana mambo kana kutora nzvimbo yavakuru-vakuru.
7
Zviri nani kutaurirwa kuti, “Kwira kuno uku” pano kuzoiswa panzvimbo yapasi kana pava negurukota.
8
Zvaunenge waona nameso ako usakurumidze kuzvikwirira dare ungadaro pokupedzisira ukazonyadziswa nomumwe wako.
9
Kurukurirana nomumwe wako iyeyo asi usaburitse zvakavandika zvomumwe.
10
Anokunzwa iyeyo angadaro akazokunyadzisa. Kunyara kwako hakuzoperi.
11
Shoko rinotaurwa panguva yaro rakaita somufananidzo wemaapuru endarama wakakwenenzverwa mundiro yesirivha.
12
Kumunhu ane nzeve dzokunzwa munhu anomutsiura akaita semhete yendarama kana chishongo chendarama.
13
Kune vanotuma nhumwa yakatendeka yakaita sokutonhora kwamazaya echando panguva yokukohwa anonyevenutsa mwoyo yavatenzi vake.
14
Munhu ane chipo chaanofanira kupa chaasingapi, akafanana namakore nemhepo zvisina mvura.
15
Mutongi anogona kunyengererwa nemwoyo murefu. Rurimi runyoro rwunotyora mapfupa.
16
Kana wawana uchi ingodya hwakakwanirana ungadaro ukagutisa ukazorutsa.
17
Rega kuramba gumbo rako richienda pamba pomumwe wako angadaro akafinhwa newe akazokuvenga.
18
Munhu anopupurira mumwe wake nhema wakafanana netsvimbo yehondo kana bakatwa kana museve wakapinza.
19
Kuvimba nomunhu asingavimbiki pazuva renhamo, kwakafanana nezino rinorwadza kana rutsoka runotsvedzemuka.
20
Kuimbira munhu akasuruvara kwakafanana nomunhu anobvisa bhachi pazuva rinotonhora kana kuisa vhiniga paronda.
21
Kana muvengi ane nzara mupe chokudya kana ane nyota mupe mvura yokunwa
22
nokuti izvozvo kutotutira mazimbe omoto pamusoro pake Tenzi achakupa mubayiro.
23
Mhepo yokuchamhembe inounza mvura rurimi rwemakuhwa runokonzera kutsamwa.
24
Zviri nani kugara pakona yedenga remba pane kugara mumba nomukadzi anenharo.
25
Zvakangoita mvura inotonhorera kumunhu anenyota ndozvakaita shoko rakanaka rinobva kunyika iri kure.
26
Mururami anobvuma zvavaipi akafanana nemvura yabvongodzwa kana kasipiti kakashinhirwa.
27
Hazvina kunaka kudya uchi hwakawanda naizvozvo kutsvaka kurumbidzwa ita kushoma.
28
Munhu asingakwanise kuzvibata akafanana neguta rakapazika rikasara risina rusvingo.
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31