bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 23
Proverbs 23
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 24 →
1
Kana wagara pakudya nomutongi ziva kuti ndiani ari pamberi pako
2
uzvibate kana uri munhu anokara kudya.
3
Usaite makaro namachikichori ake nokuti ndookuti akuone zvauri.
4
Usazviuraye nebasa kuti uwane upfumi iva noungwaru wombozororawo
5
nokuti unongohuti onei ndizvozvo ihwo waru waru hutu hwaenda huchibhururuka kudenga segondo.
6
Usadye chokudya chomunhu anonyima, usadokwairire machikichori ake
7
nokuti iye mumwoyo rinenge riri bishi kufunga uku achiti idya idya zvako asi iye asingambozvirevi nomwoyo wose.
8
Ucharutsa misuva yaunenge wadya kumukudza kwako kunobva kwashaya maturo.
9
Usapedze nguva uchitaura nebenzi nokuti richashora basa rezvaunotaura.
10
Usabvise chitata chomuganhu chakare kana kupinda muminda yenherera
11
nokuti mununuri wavo ane simba achavarwira achikurwisa.
12
Isa mwoyo wako mukudzidza urerekere nzeve yako kumazwi oungwaru.
13
Usarege kuranga mwana, ukamurova neshamhu haambofa.
14
Ukamurova neshamhu unomununura kuenda kunzvimbo yavakafa.
15
Mwanangu kana wakangwara mukati mako'mu mwoyo wanguwo unofara.
16
Ini ndinobva ndafara mumwoyo kana muromo wako uchitaura zvakarurama.
17
Usave neshanje navatadzi mumwoyo mako asi itya Tenzi zuva rose.
18
Pakadaro une ramangwana, chitarisiro chako hachizoganurwa.
19
Teerera mwanangu, iva munhu akangwara ururamise mwoyo wako mugwara.
20
Usaite ushamwari nezviradza zvewaini kana kuva navanokara nyama
21
nokuti chidhakwa neanokara kudya vachava varombo, vanotsomwaira nehope vachapfeka mamvemve.
22
Teerera baba vako vakakubereka uye usashore amai vako kana vakwegura.
23
Tenga chokwadi asi usachitengese tenga ungwaru nedzidziso nokunzwisisa.
24
Baba womururami achafara zvisina akamboona. Anobereka mwana mungwaru achafadzwa naye.
25
Rega baba vako naamai vako vafare. Rega wakakubereka afare.
26
Mwanangu isa mwoyo wako kwandiri maziso ako aongorore zvandinoita.
27
Pfambi igomba rakadzika, mukadzi asina kwake, itsime rakamanikana.
28
Anogarira segororo achirasisa varume vakawanda.
29
Ndiani chaizvo ane jambwa? Ndiani munhu wenhamo? Ndiani wokushupika? Ndiani anopopota? Ndiani ane mavanga aasingazivi kwaakabva nako? Ndiani anotsvukisa maziso?
30
Ndavana mubvadzasukwa vane kamwoyo kokuda kuravira waini yakaitwa mvenge.
31
Usatorwe mwoyo nokutsvuka kwewaini painenge yobwaira mukomichi ichinyatsoti yerere mugurokuro.
32
Pakupedzisira inoruma senyoka igoti ndure kuruma sechiva.
33
Maziso ako achaona zvinhu zvisingazivikanwi. Mumwoyo mako muchabuda zvisakarurama.
34
Uchaita somunhu akarara pakati pegungwa kana kurara pamusoro pembambo.
35
Uchati, “Vakandirova asi handina kukuvara vakandirakasha kurova asi handina kuzvinzwa ndichamuka rinhi ndinoda kutonwazve.”
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31