bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 21
Proverbs 21
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 22 →
1
Mwoyo wamambo uri mumaoko aTenzi, anoutendeutsira kwaanenge achida.
2
Zviito zvose zvomunhu zvingatarisike sezvakanaka kumuridzi wazvo, asi Tenzi anoyera zvinangwa zvomunhu.
3
Kuita zvakarurama noruenzaniso, ndizvo zvinodiwa naTenzi kupinda chibayiro.
4
Kutsvitsvinyara uye kuva nemwoyo wokuzvikudza chitadzo, ndiwo mwenje wavakaipa iwoyo.
5
Kunyatsoronga zvinhu nemazvo, kunowanisa zvakawanda, mandichimbidzike anobereka urombo.
6
Kuwana upfumi namanyepo ibute rinongopfuura uye iriva rorufu.
7
Utsinye hwavakaipa huchavakukura nokuti vanoramba kuita zvino ruenzaniso.
8
Maitiro omunhu ane mhosva akaminama, asi evasina mhosva akati tasa.
9
Zviri nani kugara pakona yedenga remba pano kugara nomukadzi anenharo.
10
Mwoyo womunhu akaipa, unodokwairira uipi haana tsiye nyoro nomunhu.
11
Kana anoshora akarangwa voruzhinji vanongwara. Kana mungwaru akadzidziswa, anowana ruzivo.
12
Iye mururami anoongorora imba yomuipi achapinza vakaipa mukuparadzwa.
13
Munhu anodzivira nzeve kumurombo anochema kwaari, iyewo achazochema pasina anomunzwa.
14
Chipo chinopiwa muchivande chinopodza hasha. Pfumbamuromo yapakavanda inomutsa hasha dzinotyisa.
15
Kana ruenzaniso rwaitwa zvinofadza wakarurama asi zvinokangaidza vakaipa.
16
Munhu anodzungaira achisiya nzira yokunzwisisa achandozorora mugungano rakafa.
17
Munhu anoda zvokunakirwa anova murombo, munhu anoda waini namafuta haambopfuma.
18
Muipi ndiye achava chokununurisa mururami vasingatendi muna Mwari vachava chokununurisa vari pachokwadi.
19
Zviri nani kugara mugwenga pano kugara nomukadzi anenharo uye ane muromo.
20
Pfuma inokosha namafuta zvinowanika mumba momungwaru asi benzi romunhu rinozviparadza.
21
Munhu anoramba achiita zvakarurama nemwoyochena achawana upenyu, noururami nokukudzwa.
22
Mungwaru anogona kukwira paguta ravarwi vakasimba agowisira pasi guta rokuzvidzivirira muhondo ravaivimba naro.
23
Munhu anobata muromo wake uye anochengetedza rurimi rwake anonzvenga nhamo.
24
Mushori ndiro zita romunhu anozvikudza anozvitutumadza anoita zvehasha achizvikudza.
25
Munhu ano usimbe, chinomuuraya ishungu nokuti maoko ake haadi kushanda.
26
Muipi anoswera muswere wose achingodokwaira zvokudokwaira zviye asi mururami anopa asingaiti kanyimiramundiro.
27
Chibayiro chavaipi chinosemesa, ko kutozoti kana zvaanochiunzira zviri zvakaipa.
28
Chapupu chenhema chinoparara asi chapupu chakazvinzwa chinoramba chichiteererwa
29
Munhu wakaipa ane chiso chisinganyari asi akarurama akatsiga mukuita kwake.
30
Hakuna ungwaru kana njere kana mazano zvingamirisane naTenzi.
31
Bhiza ringadziirirwa zvaro zuva rehondo asi anonunura muhondo ndiTenzi.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31