bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 17
Proverbs 17
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 18 →
1
Zviri nani kuva nechipapata norunyararo pano mumba muzere nokudyiririra asi muine gakava.
2
Muranda mungwaru anotonga mwana mukomana anoita zvinonyadzisa uye anotogoverana nhaka semukomanomun'una nevana vomo.
3
Bisiro nderesirivha virira nderendarama asi Tenzi ndiye anoedza mwoyo.
4
Muiti wezvakaipa anoteerera kumuromo unoreva nhema munyepi anoteerera makuhwa.
5
Munhu anonyomba murombo anonyomba musiki wake. Munhu anofarira nhamo dzavamwe haamborega kurangwa.
6
Vazukuru ndivo ndaza yavakwegura uye vabereki ndiyo mbiri yavana.
7
Kutaura zvakanaka hakupindirani nebenzi ko kutozoti jinda rinotaura nhema.
8
Pfumbamuromo kumuridzi wayo yakaita sedombo romushonga kwose kwaanoenda anobudirira.
9
Munhu anoregerera anotsvaka rudo asi anoramba odzokorora nyaya anoputsa ukama.
10
Kutsiurwa kunopinda mumunhu anonzwisisa kupfuura kurova benzi kazana.
11
Munhu wakaipa anotsvaka zvokupanduka achatumirwa nhumwa inoutsinye.
12
Zviri nani kuti munhu asangane zvake nebere gadzi ratorerwa vana varo pane kusangana nebenzi muupenzi hwaro.
13
Munhu akatsiva chakanaka nechakaipa, zvakaipa hazvizosiana neimba yake.
14
Kutangisa kwegakava kwakaita sokudziura mvura saka ibva gakava risati ramuka.
15
Munhu anopembedza munhu akaipa nomunhu anopa mhosva munhu asina mhosva vose vari vaviri vanosemesa pana Tenzi.
16
Zvinobatsirei benzi kuva nemari mumaoko yokutenga nayo ungwaru iro musoro risina.
17
Shamwari ishamwari nguva dzose asi womumba ndowokutakura naye nhamo.
18
Munhu asina pfungwa anongotsidza achiva munhu wokumiririra chikwereti chomumwe.
19
Munhu anoda kukanganisa anoda mhirizhonga. Munhu anoda kuzvikwiridzira pamusoro anozvitsvakira kuparadzwa.
20
Munhu woujarijari haabudiriri uye munhu anotaura zvakatsveyama anowira mumatambudziko.
21
Munhu anobereka dununu romwana ane nhamo. Baba vebenzi havana mufaro.
22
Kuva nomwoyo wakafaranuka mushonga wakanaka kusuruvara mwoyo kunoonza munhu.
23
Munhu wakaipa anotora pfumbamuromo pachipfuva chake kuti akanganise ruenzaniso.
24
Munhu anonzwisisa ungwaru anogara akatarisana naho asi maziso ebenzi anogara ari kokoko kwakaperera nyika.
25
Benzi romwana rinorwadzisa mwoyo wababa uye rinoshungurudza amai vakaribereka.
26
Kuripisa munhu asina mhaka hazvina kunaka. Kurova vakuru vakuru neshamhu hakuna kunaka.
27
Munhu anozvidzora pakutaura anoruzivo munhu akanyarara munhu anonzwisisa.
28
Kunyange benzi rinonyarara rinoonekwa somungwaru. Kana akaramba akati zvake muromo bo vanhu vanofunga kuti anonzwisisa.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31