bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 19
Proverbs 19
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 20 →
1
Zviri nani kuva murombo anogara upenyu hwakarurama pano huyakose yomunhu benzi.
2
Hazvina kunaka kuti munhu ashaye ruzivo. Anokurumidza kumedza kutsenga achakuda, anorasika.
3
Kana upenzi hwomunhu hwamusvitsa pakuparadzwa, mwoyo wake unovirukira Tenzi nehasha.
4
Upfumi hunokuwanira shamwari itsva asi murombo anofuratirwa neshamwari yake.
5
Chapupu chenhema hachirege kurangwa anonyepa haapunyuki.
6
Vanhu vazhinji vanoda kufadza mukuru-mukuru munhu wose anoda kushamwaridzana nomunhu anopa.
7
Murombo anovengwa nehama dzake dzose, ko kutozoti shamwari, dzinomirira kure zvakadii? Angasarudze zvake mazwi ake asi hapana waanosara anaye.
8
Munhu anozviwanira ungwaru munhu anozvida. Munhu anochengetedza kunzwisisa anobudirira.
9
Chapupu chenhema hachirege kurangwa munhu anonyepa achaparara.
10
Hazvikodzeri kuti benzi rigare pamutambaratede, zvakatonyanya kusakodzera kuti muranda atonge vakuru vakuru.
11
Munhu anonzwisisa haakurumidzi kushatirwa kuregerera kunoita kuti aremekedzwe.
12
Hasha dzamambo dzakafanana nokudzvova kweshumba asi ushamwari naye hwakaita sedova pauswa.
13
Benzi romwana imharadzi kuna baba vake. Mudzimai ano pamuromo mumba imba inoramba ichidonha.
14
Imba noupfumi inhaka inobva kumadzibaba asi mukadzi mungwaru anobva kuna Tenzi.
15
Nungo dzinopfodoresa munhu hope, nyope yomunhu inofa nenzara.
16
Munhu anochengeta mutemo anozvichengeta upenyu asi anoshora nzira dzaTenzi anofa.
17
Munhu anoita mwoyochena kumurombo, anokweretesa kuna Tenzi, anomuripa zvaanenge aita zvacho.
18
Raira mwana wako achiri kunzwa asi kwete zvokutoda kumuuraya.
19
Munhu ane hasha dzakawanda achawana mubayiro wadzo nokuti ukamurandutsira uchatozomurandutsirazve.
20
Teerera zano raunopiwa ugamuchire kudzidziswa kwaunoitwa kuti uwane ungwaru muneramangwana.
21
Munhu anogona kuzvirongera, mumusoro make, zvinhu zvakawanda asi zvinodiwa naTenzi ndizvo zvinozoitika.
22
Chinodiwa pamunhu kuvimbika, murombo ari nani pano murevi wenhema.
23
Kutya Tenzi kunosvitsa kuupenyu uye anako anogadzana mwoyo, hapana chinomuwana.
24
Nyanungo anoti ruoko mundiro tindindi agoita nungo dzokurudzorera kumuromo.
25
Rova tsvuuramuromo dununu rinodzidza ungwaru, ukatsiura munhu anonzwisisa anowana ruzivo.
26
Mwana anorova baba achitandanisa amai vake, mwana anonyadzisa uye anoshoresa.
27
Mwanangu kana uchida kurasika pamashoko oruzivo kanda pasi zvidzidziso.
28
Chapupu chinoreva nhema chinoshora ruenzaniso muromo womuipi unokambura uipi.
29
Chirango chakamirira vanoshora, shamhu yakamirira misana yamapenzi.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31