bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 28
Proverbs 28
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 29 →
1
Akaipa anotiza pasina anomudzingirira asi vakarurama vane chivindi kunge shumba.
2
Munyika mukapandukwa vatongi vanowanda asi kana muine munhu anonzwisisa ane ruzivo inoenderera mberi yakatsiga.
3
Murombo anodzvinyirira vamwe varombo zvakaipa imvura inopurana zvayo isina chokudya chainosiya.
4
Vanoramba mutemo vanorumbidza vaipi asi vanochengeta mutemo vari kutorwisana navo.
5
Vaipi havanzwisisi ruenzaniso asi vanotsvaka Tenzi vanonyatsorunzwisisa.
6
Zviri nani kuva murombo ari pachokwadi pane mupfumi ane tsika dzakanzvongama.
7
Mwana anochengeta mutemo ano ungwaru, anoshamwaridzana nemharadzi dzevana anonyadzisa baba vake.
8
Munhu anowanziridza upfumi hwake nechimbadzo kana kungowedzerawo anounganidzira munhu ane tsiye nyoro kuvarombo.
9
Kana munhu aisa zvimiti munzeve kumutemo kunyange munamato wake unosemesa.
10
Munhu anotsautsira mururami kunzira yakaipa anowira mugomba rake asi vanhu vasina mhaka vachawana nhaka yakanaka.
11
Mupfumi anozviona semungwaru asi murombo anonzwisisa anomubata zvaari.
12
Kana vakarurama vakakunda, kunopemberwa vakaipa vakawana chinzvimbo chapamusoro vanhu vanozvivanza.
13
Munhu anoviga unyangadzi hwake haabudiriri, asi anoreurura achisiyana nazvo anonzwirwa tsitsi.
14
Akakomborerwa zvake munhu ane kakuzeza nguva dzose asi munhu anoomesa mwoyo achapinda nhamo.
15
Mutongi wakaipa akaita seshumba inodzvova kana sebere rinorwisa varombo.
16
Mutongi asinganzwisisi munhu anobata vanhu noutsinye. Asi munhu anovenga kuwana zvinhu nenzira isiriyo anowana upenyu hurefu.
17
Munhu anoremerwa nemhosva yokuuraya munhu iguva raakazviparira, regai akadaro.
18
Munhu anoita zviri pachokwadi, achanunurwa asi ano upenyu hwoujarijari achatopaputsika.
19
Munhu anorima munda wake, anowana chokudya chakawanda asi munhu anotandana nezvisina maturo urombo huchamuwandira.
20
Munhu akavimbika, anowana makomborero akawanda asi munhu anoda kukurumidza kupfuma haazoregi kurangwa.
21
Rusarura rwakaipa, pamusana pechidimbu chechingwa munhu anotogona kuva wakaipa.
22
Munhu anonyima anomhanyirira upfumi asi haazivi kuti achashaiwa
23
Munhu anotsiura mumwe ndiye anotozoremekedzwa kupinda muzvambarara wokunyengedza norurimi rwake.
24
Anobira baba kana amai vake achiti hakusi kukanganisa ishamwari yemharadzi.
25
Munhu anemakaro anomutsa muchokoto asi anovimba naTenzi anopfumiswa.
26
Munhu ane umbimbindoga ibenzi; anoita zvinhu noungwaru anonunurwa.
27
Munhu anopa kuvarombo hapana chaanozoshaya asi asingavacheuki anova nejambwa guru.
28
Vaipi vakawana chinzvimbo chapamusoro vanhu vanozvivanza, kana vakaparara vakarurama vanobudirira.
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31