bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 14
Proverbs 14
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 15 →
1
Ungwaru hunovaka imba yahwo asi upenzi hunozviparadzira imba yahwo.
2
Anofamba mukutendeseka anotya Tenzi. Asi munhu woujarijari anoshora Tenzi.
3
Kutaura kwebenzi ndiyo shamhu inorirova musana asi zvinotaura vangwaru ndizvo zvinovachengetedza.
4
Pasina mombe hapanawo mbeswa asi nesimba remombe mbeswa dzinowanda.
5
Chapupu chakatendeka hachirevi nhema asi chapupu chenhema chinonyepa.
6
Munyombi angatsvake zvake ungwaru asi hapana chimuko asi munhu anonzwisisa anowana ruzivo nyore.
7
Siana nebenzi nokuti hapana mashoko oungwaru aunowana pariri.
8
Kuziva nzira dzake ndihwo ungwaru hwomuchenjeri, asi unyengedzi ndihwo upenzi hwebenzi.
9
Benzi rinoshora mupiro wokupfupira zvitadzo asi wakarurama anofadzwa nawo.
10
Mwoyo ndiwo unoziva kurwadziwa kwawo, mumwewo munhu haagone kugoverana rufaro nawo.
11
Musha womunhu akaipa unoparadzwa asi musasa womunhu akarurama unofambira mberi.
12
Pane dzimwe nzira dzaunofunga kuti inzira kwadzo asi mugumo wadzo rufu.
13
Munhu anogona kuseka zvake asi mumwoyo make muino kusuwa panopera kufara-fara kuya, yauya nhamo.
14
Munhu wakaipa achazadzwa nomubayiro wezvaanoita wakanakawo nemichero yezviito zvake.
15
Munhu asina pfungwa dzakadzama anongobvumira zvose zvose asi munhu wakangwara anotarisa paanotsika.
16
Mungwaru anochenjerera zvinhu uye anonzvenga zvakaipa asi benzi rinozviita suku nasai, harikendenge.
17
Munhu anokurumidza kushatirwa zvaanoita ndezvoupenzi asi munhu anoona zvinhu nemazvo anoita mwoyo murefu.
18
Vanhu vasina pfungwa dzakadzama chavo upenzi, vakangwara chavo indaza yoruzivo.
19
Vaipi vanogwadamira vakanaka, ndizvo zvinoita vakaipa pamisuo mikuru yavarurami.
20
Varombo havadiwi kunyange nomuvakidzani navo asi mupfumi ane shamwari zhinji.
21
Munhu anoshora mumwe wake mutadzi, akakomborerwa zvake munhu anoitira varombo tsiye nyoro.
22
Ko havakanganise here vanhu vanoronga kuita zvakaipa? Vanoronga kuita zvakanaka vanowana mwoyochena nokutendeseka.
23
Basa rose rose rine chimuko, asi kungotaura bedzi kunosvitsa pakushaiwa.
24
Upfumi indaza yavachenjeri, asi upenzi indaza yamapenzi.
25
Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi munhu anoreva nhema mutengesi.
26
Mukutya Tenzi mune chivimbo chakasimba, kana vana vakewo vanowana kwokupotera.
27
Kutya Tenzi chisipiti choupenyu, kuitira kuti munhu anzvenge misungo yorufu.
28
Kuwanda kwavanhu ndiyo mbiri yamambo ishe akashaya vanhu anoparara.
29
Munhu asingakurumidzi kushatirwa munhu anonzwisisa, asi anokurumidza kushatirwa, anoita kuti upenzi huwande.
30
Pfungwa dzikagadzikana, muviri unoita utano shungu dzomwoyo dzinoodza mapfupa.
31
Anodzvinyirira murombo zvisina kunaka anoshora musiki wake, asi anoita tsiye nyoro kwaari anoremekedza musiki wake.
32
Munhu wakaipa anoputsirwa pasi nouipi hwake, asi akarurama chitarisiro chake chiri mukuva pachokwadi.
33
Ungwaru hunogara mupfungwa dzomunhu anonzwisisa, asi mumwoyo mebenzi hauzivikanwi.
34
Ururami hunosimudzira rudzi asi chitadzo chinoshoresa rudzi.
35
Muranda anoita zvino ungwaru anodiwa namambo asi anoita zvinonyadzisa anomuvirukira nehasha.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31