bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 8
Proverbs 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 9 →
1
Inga ungwaru hunodanidzira wani, runzwisiso rwunoshevedzera wani
2
huri pachiturunhuru chiri pedyo nenzira, hunomira pamharadzano dzenzira
3
Uye parutivi pesuo guru mberi kweguta, kokupinda nako, hunodaidzira pamusuo.
4
“Ndinodaidzira kwamuri, imi vanhu, wandinoshevedzera ndimi vanhu.
5
Imi voruzhinji dzidzai uchenjeri, imi mapenzi ivai nemwoyo unonzwisisa.
6
Teererai nokuti ndichataura zvinhu zvakakosha, mumuromo mangu muchabva zvakarurama.
7
Muromo wangu uchataura chokwadi uipi chinhu chinosemesa kumuromo wangu.
8
Mazwi angu ose akarurama, maari hamuna chakakombama kana chakaminama.
9
Ose akati twasa kuna anonzwisisa uye akarurama kune vanowana ruzivo.
10
Torai chidzidziso changu pano kutora sirivha uye ruzivo pane kutora ndarama yakanakisisa
11
nokuti ungwaru huri nani pane zvishongo, chose chaungade hapana chingaenzane nahwo.
12
“Ini ungwaru ndinogara nouchenjeri, ndine ruzivo uye ndinoziva kusarudza.
13
Kutya Tenzi kunoreva kuvenga uipi, ndinovenga kuzvikudza nokuzvitutumadza nokutaura kusina kururama.
14
Ndine mazano noungwaru kwahwo ndinoziva chinonzi kusarudza uye ndine simba.
15
Madzimambo ndini chavanotongesa nacho uye vatongi vanotema zvakarurama, chavanotema nacho ndini.
16
Machinda chavanotonga nacho ndini uyewo vakuru vakuru, vose vanotonga pasi.
17
Ndinoda vanondida uye vose vanonditsvaka nomwoyo wose vanondiwana.
18
Upfumi norukudzo ndinazvo uye upfumi hunogara uye hunokubudirira.
19
Muchero wangu uri nani pane ndarama kunyange ndarama yakanakisa uye mukoho wangu unokunda sirivha yakanakisisa.
20
Ndinofamba nenzira yoururami namakwara oruenzaniso.
21
Ndinopfumisa vanondida ndichivazadzira matura avo.
22
“Tenzi aiva neni pakutanga kwamaitiro ake chaiwo, ndini ndaiva chokutanga chezviito zvake zvakare.
23
Ndakaitwa pasichigare pakutanga chaipo nyika isati yatangiswa.
24
Ndakaberekwa hwenje husati hwavapo pasi pasati pava nezvisipiti zvizere nemvura.
25
Ndakaberekwa makomo asati aumbwa, zvikomo zvisati zvavapo,
26
asati aita pasi neminda yapo kana huruva yokutanga yapasi.
27
Paakasika matenga ndaivepo, paakaita denderedzwa, pamusoro pehwenje.
28
Paakasimbisa matenga kumusoro paakaita zvisipiti zvomuhwenje,
29
paakaisira gungwa miganhu yaro kuitira kuti mvura irege kutyora mitemo yake paakatara ugaro hwenyika,
30
ipapo ndaiva parutivi pake, ndiri nyakumupa mazano. Ndaiva varaidzo yake zuva nezuva ndichifara zvangu pamberi pake nguva dzose,
31
ndichifara munyika yake igere vanhu uye ndichifara muvanhu.
32
“Zvino vanangu nditeererei, vakakomborerwa zvavo vanotevera nzira dzangu.
33
Teererai chidzidziso mungware, musachikande pasi.
34
Akakomborerwa zvake munhu anonditeerera, anondigaririra zuva nezuva pamisuo yangu mikuru, akamirira pedyo nemisuo yangu.
35
Nokuti anondiwana, anowana upenyu uye anofarirwa naTenzi.
36
Asi munhu anondipotsa anozvikuvadza vose vanondivenga vanoda rufu.”
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31