bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 22
Proverbs 22
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 23 →
1
Zviri nani kuva nezita rakanaka pane kuva noupfumi hwakawanda kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana ndarama.
2
Chavanofanana vapfumi navarombo chimwechete chokuti Tenzi ndiye musiki wavo vose.
3
Wakachenjera anoona njonzi ovanda akapusa anoenderera mberi asi anowona mubayiro wake.
4
Mubayiro wokuzvirereka nowokutya Tenzi upfumi nokuremekedzwa noupenyu.
5
Munzira yomunhu asina kutsarukana mune minzwa nemisungo munhu anozvichengeta anogara kure nazvo.
6
Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo kunyange akura haasiane nayo.
7
Vapfumi ndivo vanotonga varombo, mukwereti muranda womukweretesi.
8
Munhu anodyara zvisina ruenzaniso achakohwa matambudziko shamhu yokushatirwa kwake ichamuperera.
9
Munhu ane ruoko rwunopa akakomborerwa nokuti anogoverana chokudya chake navarombo.
10
Ukadzinga mushori gakava rinobva raenda uye nharo nokutuka zvinobva zvapera.
11
Munhu ano mwoyo mutsvene ane rurimi runotapira anova shamwari yamambo.
12
Tenzi anoona kuti chokwadi chachengetedzwa asi mashoko avanonyepa anoaparadza.
13
Nyope inoti, “Panze apa pane shumba! Ndingangouraiwa mumugwagwa, wehama!”
14
Muromo wepfambi igomba rakadzama anoshatirirwa naTenzi anowira mariri.
15
Mwana anoberekwa ane upenzi mumwoyo asi shamhu ndiyo inohudzinga maari.
16
Munhu anodzvinyirira varombo zvakaipa achida kuwanza upfumi hwake achipa zvipo kuvapfumi achapinda urombo.
17
Rerekera nzeve yako unzwe mazwi avangwaru uise mwoyo wako mune zvandinokuzivisa.
18
Zvichakunakira ukazvichengeta mauri zviri pamuromo pako zvose.
19
Kuitira kuti uvimbe naTenzi, ndada kukuzivisa izvi iyewe nhasi uno.
20
Ndakakunyorera makumi matatu etsumo dzokukupa mazano noruzivo handiti?
21
Izvi kuitira kuti ndikuratidze zvakarurama nezvechokwadi kuitira kuti upe anenge akutuma mhinduro yechokwadi.
22
Usapambe murombo nokuti murombo, usambunyikidze vatamburi padare,
23
nokuti Tenzi achavarwira, achatorera upenyu vanovapamba.
24
Usaite ushamwari nomunhu wehasha kana kufambidzana nemunhu wokutsamwa
25
ungadaro ukadzidza tsika dzake zvikave musungo unokusunga.
26
Usave mumwe wavanoita chitsidzo anova mumiririri wezvikwereti.
27
Kana usina chokuripa nacho vangadaro vakatora mubhedha wako waunorara.
28
Usabvise chitata chakare chomuganhu wenyika chakaiswa namadzibaba ako.
29
Ndiratidzei munhu anoziva basa rake iyeyo ndiye achamira pamberi pamadzimambo haamiri pamberi pavanhu vasingazivikanwi.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31