bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 31
Proverbs 31
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
1
Mashoko aRimueri mambo wokuMasa aakadzidziswa naamai vake.
2
“Chii ichocho mwanangu, ndochii ichocho mwana wokubereka nhai mwana wangu wechitsidzo changu.
3
Usazviise mumaoko avakadzi uchizvipa kuna vanoparadza madzimambo.
4
Hachisi chinhu chamadzimambo Rimueri, kunwa waini kana vatongi kuda hwahwa,
5
nokuti vangadaro vanwa vakakanganwa zvakatemwa vachizokanganisa zvinofanira kuitirwa varombo.
6
Doro rinopiwa munhu avakuparara wainiwo vakasuruvara zvokufa.
7
Ndivo vanganwe zvavo kuti vakanganwe urombo hwavo kuti vasayeukezve nhamo dzavo.
8
Taura wakamiririra mbeveve umiririre zvinofanira kuitirwa vatamburi.
9
Zarura muromo wako utonge zvakarurama umiririre varombo navashaiwi.”
10
Ndiani zvake akawana mukadzi wakanaka anokosha zvikuru kupinda zvishongo.
11
Mwoyo womurume wake unovimba naye. Haashaye chaanowana.
12
Anomuitira zvakanaka kwete zvakaipa mazuva ose oupenyu hwake.
13
Anotsvaka wuru netseta achishanda nomwoyo unoda.
14
Akaita sengarava dzomushambadzi anobva nechokudya chake kure.
15
Anomuka huchiri usiku achipa mhuri yake zvokudya uye basa kuvasikana vake vebasa.
16
Anotsvaka munda wokutenga, anosima munda wemigirepisi nesimba remaoko ake
17
anogwinyisa chiuno nokusimbisa maoko,
18
anoona kuti zvinhu zvake zvinofamba zvakanaka rambi rake haridzimi usiku hwose.
19
Anotambanudzira maoko ake kuchivhimbo chewuru achibata chokurukisa neminwe yake.
20
Anozarura ruoko rwake kupa varombo achitambanudzira maoko ake kune vasina chavanacho.
21
Haatyiri imba yake chando nokuti mhuri yake yose inenge yakapfeka zvitsvuku.
22
Anozvigadzirira oga zvokufukidza nazvo mubhedha wake, hanzu dzake ndedzerineni yakanakisisa dzeruvara rwohute.
23
Murume wake munhu anozivikanwa padare kana agere pakati pavakuru-vakuru venyika
24
anoita machira erineni achiatengesa achiwanisa vashambadzi mabhande.
25
Simba nechiremera ndozvipfeko zvake, anotosekerera mazuva ari kuuya.
26
Anozarura muromo wake noungwaru uye zvokudzidzisa tsitsi ndozviri pamuromo pake.
27
Anoongorora kuti mhuri yake yakagara sei, haadyi chokudya chounyope.
28
Vana vake vanosimuka vachimuti, “Makakomborerwa,” uyewo murumwe wake anomurumbidza achiti,
29
“Vakadzi vazhinji vakaita zvakanakisisa asi iwe unovakunda vose.”
30
Kuyevedza kunonyengedza, runako haruna maturo asi mudzimai anotya Tenzi anofanira kurumbidzwa.
31
Anofanira kurumbidzwa pamusana pezvaakaita namaoko ake ngaarumbidzwe namabasa ake padare.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31