bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 4
Proverbs 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 5 →
1
Chinzwai vanangu chidzidziso chababa muteerere kuti muone zvinhu nemazvo
2
nokuti ndichakupai mirao yakanaka, musakande pasi zvandinokudzidzisai.
3
Zvandaiva mukomana ndiina baba vangu, ndichiri mudiki, ndichingove ndini mwana mumwechete waamai vangu
4
vakandidzidzisa vachiti, “Chengeta nomwoyo wose zvandinokutaurira chengeta mitemo yangu kuti urarame.
5
Iva noungwaru uone zvinhu nemazvo usakanganwe, usatsauke pamashoko omuromo wangu.
6
Usasiane noungwaru, ihwo huchakuchengeta hude, ihwo huchakuchengetedza.
7
Chinhu chokutanga paungwaru, wana ungwaru. Pana zvose zvaungawane wana kunzwisisa.”
8
Huremekedze zvikuru ihwo huchakusimudzira kana ukahumbundira.
9
Hunokudzika tsungare yamaruva mumusoro hugokugadza ndaza yakanaka.
10
Teerera mwanangu, utambire zvandinokutaurira kuti makore oupenyu hwako awande.
11
Ndakakudzidzisa nzira dzoungwaru ndikakutungamirira mumakwara ukava pachokwadi.
12
Kana wofamba, nhanho dzako hadzizovhiringidzwi, kana womhanya haugumburwi.
13
Batisisa zvaunodzidziswa, usazvikande pasi, ramba wakazvichengeta nokuti ndihwo upenyu hwako.
14
Usafambe namakwara avaipi kana kutevera nzira dzavakaipa.
15
Siana nayo, usadimure nekwairi. Tsaukana nayo uinyenyeredze.
16
Ndinodaro nokuti havakwanisi kuvata kana vasina kuita zvakaipa, havawane hope, kusvikira vatovhiringidza mumwe munhu,
17
nokuti uipi ndicho chokudya chavo uye utsinye ndiyo waini yavanonwa.
18
Gwara ravarurami rakaita samambakwedza anoramba achingochena kusvikira ava masikati makuru.
19
Asi nzira yavakaipa yakaita sezarima havambozivi chinogumbura.
20
Mwanangu teerera mashoko angu rerekera nzeve yako kune zvandinoreva.
21
Ngazvirege kupunyuka ziso rako zvichengete mumwoyo mako
22
nokuti upenyu kuna anozviwana uye zvinorapa nyama yake yose.
23
Nyatsochengetedza mwoyo wako nomwoyo wose nokuti mauri ndimo mune zvisipiti zvoupenyu.
24
Bvisa mauri muromo wenhema uye pamuromo pako kutaura zvisizvo.
25
Kutarisa kwako ngakuti twasa, yeva zviri pamberi pako.
26
Tanga wafunga nzira yauchafamba nayo. Nzira dzako dzigove muchechetere
27
usatsaukire kurudyi kana kuruboshe tsoka yako ngairege kuenda kunezvakaipa.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31