bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 30
Proverbs 30
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 31 →
1
Mashoko aAguri mwanakomana waJake wokuMasa. Gamba irori rakataura kuna Itieri kuna Itieri naUkari richiti,
2
“Ndiri benzi chairo romunhu, handinzwisisi somunhu.
3
Handina kudzidza ungwaru uye iye Anoera handimuzivi.
4
Ko ndiani akambokwira kudenga akaburuka? Ndiani ati aunganidza mhepo muchanza chake? Ndiani amboti aputira mvura mujira? Ndiani akaisa miganhu yose yenyika? Zita rake ndiani, mwana wake mukomana zita rake ndiani, kana uchiriziva?
5
Izwi roga roga raMwari rakaoneswa kuti nderechokwadi. Ndiye nhoo yavanopotera kwaari.”
6
Usawedzere kumazwi ake angadaro akakutsiura wozoonekwa kuti uri munyepi.
7
Ndinokukumbirai zvinhu zviviri ndisati ndafa, musandinyime.
8
Ndibvisirei pandiri kunyepa nokureva nhemha musandipe kupfuma kana kuva murombo. Ndipeiwo chikamu changu chokudya.
9
Ndingadaro ndikati tundu kuzara ndikazokurambai ndichiti Tenzi ndiani kana kuti ndingazova murombo ndikaba, ndikazoshoresa zita raMwari wangu.
10
Rega kuudzisira muranda kuna tenzi wake angadaro akakurengerera rushambwa ukazova nemhosva.
11
Kuna vamwe vanhu vanorengerera madzibaba avo rushambwa vasingati amai vavo ngavakomborerwe.
12
Kuna vamwe vanhu vanozviona savakachena asi ivo vasina kuchenurwa pakun'ora kwavo.
13
Kuna vamwe vanhu; katarisiro kavo ndokokuzvikudza chaiko matarisiro avo kuzvida koga-koga.
14
Pana vanhu vane meno anenge mapakatwa mazino avo mapanga chaiwo okuzhanya nawo varombo panyika navasina chavanacho pakati pavanhu.
15
Chikwekwe chine vana vaviri: Ndipe naNdipe. Pane zvinhu zvitatu zvisingaguti kutosvika zvina zvisingati ndaguta
16
ndezvizvi zvinoti: Nzvimbo yavafi mukadzi asina mbereko nyika isingaguti mvura nemoto usingati zvakwana.
17
Munhu aneziso rinoshora baba risingade kuona zvokuteerera amai achachochonhwa namakunguwo omubani; achadyiwa namagora.
18
Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo zvinotosvika zvina zvandisinganzwisisi,
19
zvinoti: Nzira yegondo mudenga nzira yenyoka paruware nzira yechikepe mugungwa guru maitiro omurume nomusikana.
20
Ndizvo zvinoita pfambi inodya yopukuta muromo yoti hapana kutadza kwandaita.
21
Kune zvinhu zvitatu zvinodengenyesa nyika kutosvika zvina zvaisingagoni kutirira zvinoti:
22
Muranda anova mambo, benzi kana raguta,
23
mukadzi asingadiwe azowana murume uye kana musikana webasa akatsiva amai vemba.
24
Pane zvinhu zvina panyika zvidiki zvazvo asi zvina ungwaru, ndezvizvi zvinoti:
25
Masvosve rudzi rusina simba asi anozviunganidzira chokudya pazhizha.
26
Mbira hadzisi rudzi rune simba asi dzinoita misha yadzo mumabwe.
27
Mhashu hadzina mambo asi dzinofamba dzakaita rundaza.
28
Unogona kubata dzvinyu muruoko asi woriwana riri mumuzinda wamambo.
29
Kune zvinhu zvitatu zvinozvidadisa pakufamba kutosvika zvina zvinozvikakanyadza
30
kunoti shumba ine simba kupinda dzimwe mhuka isina yainozeza
31
kwouya jongwe rinokekeredzera, kwotiwo gotora namambo ana varwi vake.
32
Kana wakaita upenzi hokuzvitutumadza kana une twawanga uchironga twakaipa bata muromo wako.
33
Kusvina mukaka kunowanisa ruomba kudzvanya mhuno kunobudisisa ropa, saizvozvo kudzvikinyidza hasha kunomutsa gakava.
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31